Chikamu 15

1 Kuseni-seni, wapilisisita wakulu wakasangana pabodzi newakulu wecheche uye newanyoli nodale lose lawa Judha. Nokudalo wakamusunga uye wakabuda nayekunze. Wadopeleka kuna Pilato. 2 Pilato adobvunza, '' Ndiwe Mambo wavaJudha?'' Adomupindula iye, ''Sozvataula.'' 3 Wapilisita wakulu waipomela zvizinji. 4 PIlato kamu adomubvunza, ''Senyi usili kupindula? Nangala kuti zvinhu zvingani zvawapomehwa!'' 5 Asi Jeso haana kupindula Pilato, wadoshamisiwa nazvo. 6 Zvino pamutambo mukulu, Pilato wailekelela musungwa mubodzi, waaida nguva yakaleyo, 7 uye paiwa nomunhulume ainzi Banabasi mujeli nomhandu wakange waponda pabope. 8 Chaunga chidouya kuna Pilato uye wakatanga kubvunza kwaali kuti waite zvidoitia mutemo wakale 9 Pilato adowapindula uye adoti, ''Munoda ndibvise Mambo wawaJudha?'' 10 Izvo waiziwa kuti wakulu wemapilisita adopa kwaali godo. 11 Asi wakulu wamapilisita vadoita bope kukuludzila kuti Banabasi abuditsiwe. 12 Pilato adobvunza kamu uye akati, ''Ndisaitenyi naMambo wamaJudha?'' 13 Wadodaidzila zvokale , ''Ngalowelehwe!'' 14 Pilato adoti kwawali, ''Waitenyi?'' Asi wadolamba wasingosheedzela, ''Ndalowelehwe'' 15 Pilato adoda kufadza chaunga, nokudalo akabuditsa Banabasi kwawali. Adomusailila Jeso uye zve adomupeleka kuti alowelehwe. 16 Wakulu wemauto wadomuendesa mudandale {nzvimbo yohulumende}, uye wadodeedzana pamwechete nowakulu wamasoja. 17 Wadopfekedza gemenzi lopepo, uye wadogadzila ngundu yomubanzi pamwe chete wakapfekedza. 18 Wakatanga kumulemekedza uye wasiti, '''Kudzwa , Mambo wawaJudha!'' 19 Waimulowa mumusolo netsanga uye wasimusvipila mate. Waienda wasimupfugamila uye wasikotama pasipambeli pake. 20 Pawado mutukana ,wadomubvisa gamenzi lake lopepo uye wakamupfekedza gemenzi lake, wakaenda naye kunomulowelela. 21 Mumwe munhulume, ainzi Simoni weSailini waiuya asibvakunze {aiwa baba waAlekizanda na Rufasi}, uye wakamumanikidza kutakula chipeyaniso. 22 Vahwi wadounza Jeso kunzvimbo yaiitiwa Gologota {inochinjiwa kuti ''Nzvimbo Yedehenya''} 23 Wadomupa waini yakasanganisiwa nomula, asi haana kumwa. 24 Wadomulowela uye wakagowana magemenzi nekukanda hakata nokuona kuti angatole hembe paahwi. 25 Dzainga dzawa nguwa dzotatu 26 pawadomulowela.Pachikwangwali wadonyola mhosva yake, ''Mambo waJudha'' 27 Naye wadomulewela pamwe nombavha dziwili, mubodzi kuluji, mubodzi kuluboshwe. 28 Bhuku yakale haina Mako 15; 28, Magwalo adozadzisiwa anoti, ''Adolowehwa nowadozvidzika; 29 Wakadalika pejo wadomunyomba, wasizunza musolo uye waiti, ''Ahaa! Unopunza tembeli uye kuiwaka mumazuwa matatu, 30 zvibatsile pachako uye buluka pachipeyaniso!'' 31 Nonzila imwechete wakulu wawapilisita waimunyozawo pachawo, pabodzi nowanyoli, uye waiti, ''Waibatsila abiyake, asi hazvibatsile pachake. 32 Legayi Kilisito, Mambo weIsilaeli, ndauye izvozvi pachipeyaniso,zvoita kuti tione nokutenda.'' Nowakalowelehwa naye wadomunyombawo 33 Panguwa yochitanhatu, Lima lidouya likavhala pasi pose kusvika kunguwa yopfumbamwe. 34 Panguwa yopfumbamwe Jeso adolila nodzinga likulu, Eloi, Eloi, lama sabachthani?'' Zvisitaula kuti ,''Mwali wangu, Mwali wangu mandisilenyi? 35 ''Wamwe waiwa wadomila pejo naye adonzva mashoko uye adoti, ''Talila, akushedza Elija.'' 36 Mumwe adomhanya, akaisa waini yaichanya pasiponje, akaisa patsanga, uye akamupasa kuti amwe. Munhulume adoti, ''Mbatione Elija kuti aneuya kuzomudzikisa.'' 37 Ipopo Jeso adolila zvidonyanya nodzinga uye adopfa. 38 Mucheka womutembele wakagwatika nopakati kubva kumusolo kusvika kupasi. 39 Mukulu wemauto adomila adonangala Jeso kuti wapfanonzila iyi, ''Chokwadi mulume uyu waiwa Mwana waMwali. 40 ''Paiwa nowamunhukadzi waitalisa adomila kule. Pakati pawo paiwa na Malia Magadalina, Malia {amai waJemusi mudiki uye naJosesi}, naSalome. 41 Pawaiwa muGalili waimutewela uye wasimuhwila. Wazinji wanhukadzi wakauya naye kuJelusalema. 42 Padosvika madeko , nokuti laiwa Zuwa Lokugadzilila, ndokuti, zuwa ili kumashule kweSabata, 43 Josefa we Alimatia adouya pakale. Aiwa munhulume ailemekedzewa muboka lemakulukota waimilila humambo hwaMwali. Adoenda kuna Pilato uye kuno bvunza chitunha chaJeso. 44 Pilato adoshamisika kuti Jeso akanga atopfa; adodeedza mukulu waahwi uye akamubvunza kuti Jeso wapfa. 45 Pilato paadoziwa kuti Jeso wapfa kumukulu waahwi, adopa chitunha kuna Josefa. 46 Josefa adotenga mucheka. Admuotulunula pamuchipeyaniso, adomuputila nomucheka welineni, uye akanomuladzika muguwa laiwa lakadimbuhwa kubva padombo. Adokungulutsa dombo padiwi loguwa. 47 Malia Magadhalina na Malia amai waJosesi wadoona nzvimbo idowigiwa Jeso