Chikamu

1 Kwainge kwasala mazuva mawili kuti Paseka ne zvingwa zvisina mbiliso kuti akwane.Vakulu wa pilisita na wakulu wawa nyoli waida kuti wangamusunga senyi Jeso na kumuulaya. 2 Sezvo waiti, " Kwete pazvingwa zvisina mbiliso, kuti kulege kuwa ne bopoto nawanhu. 3 Jeso ali paBetani mumba maSimoni wamapelembudzi, achija patebulu, padosvika munhukadzi waiwe na mapfuta ayinhuhwila ayisitengewa na mali zinji,[alabaster jar]chaiwe chine Nardi. Adopwanya chigoba akadila zvinonhuhwila mumusolo wache. 4 Panewamwe wadotsamwa nazvo. Wadotaulilana pachawo wadoti, "senyi wapaladza mapfuta? 5 Nokuti zvinonhuhwila ingadai zvatengesiwa nemali inota mazana matatu ye madenarii, yapiwa walombo. "Wadomutuka. 6 Asi Jeso adoti, " mulekeleyi yega." Munomushupileyi? Waita zvidonaka kwandili. 7 Mugala na walombo nguwa dzose , zvamunoda mukwanisa kuwaitila , asi mugala naini lini nguwa yose. Waitawo zvaanokona. 8 waitila muwili wangu kunatsila kuwigiwa. 9 Chakwadi nditi, pese pachapalidziaw shoko pasi lose, zvaitiwa nonhukadzi zvichatauhwa ne zvazvo, nakumuyeuka iye." 10 Pakalepo Judasi Isikaliti, mumwe wewane gumi na wavili, adoenda kuwa pilisita wakulu kuti angamuise senyi kwawali. 11 Wapilisita pawadonzva izvozvo, wadopfala nakumuwimbisa kupasa mali. Adotanga kusvaga mukana wokuti amupeleke kwawali. 12 Pazuva lezvingwa zvisina mbiliso, pawanobaila hwayi ye paseka, wadzidzi wadoti kwaali, " Munoda kuti tikugadzililenyi kupi, kuti mujile Paseka chijo?" 13 Adotuma adzidzi wake wawili akati, "Pindanyi muguta, muchasongana nomunhulume adotakula chilongo che mvula muteeleyi, 14 Kusvika paanopinda mumba, munoti kumwene we imba, " Mudzidzi wati,"Njipi mumba yaalendo yandingajila Paseka na dzidzi wangu?" 15 Asakutalidzanji mumba ikulu idoshongedziwa kale, Mugadzilile isu pakalepo," 16 Wadzidzi wakasimuka wadoenda kuguta.Wadowana zvese se zvanga zvalehwa, ipapo wadogadzilila kuja kwe Paseka. 17 Panguwa yamaulo, adouya na wane gumi nawili. 18 Paadoda kugala pasi napamatebulu kuti waje, Jeso adoti, " Chokwadi ndinoti ,mubodzi wenyu wandikuja naye achandipandukila. 19 wadotanga kusuluwala, mubodzi na mubodzi adoyi kwaali, " Chokwadi ndini lini?" 20 Jeso adopindula adoti kwawali, " Mubodzi waanegumi nawavili, modzi alikunyika chingwa neni mundilo. 21 Nekuti Mwanalumbwana anofanila kuenda sezvazvidonyoliwa . Asi nhamo kunouyo anotengesa mwanalumbwana! Zvanga zvidonaka kuti iyeyo asina kubaliwa.: 22 Paanga achija, Jeso adotola chingwa, akachikombolela, uye akachimedula. Adowapa akati," Tolanyi ichi. Uwu muwili wangu." 23 Adotola mukombe, akaukombolela, akawapa, wose wakamwa kubva mauli. 24 Adoti kwawali," Ili ndilo gazi langu lasungano itsva, gazi linobulika kuwazinji. 25 Chokwadi ndinoti kwamuli, Handichadzomwa futi moto wamazambilinga kuzvika musi wandichadzomwa muumambo wa Dedza." 26 Pawadoimba chimbo, wadoenda kuGomo le muOlivi. 27 Jeso adoti kwawali," Mose musandilamba, sekunyoliwa kwazvakaita," Ndichakwapula mupfudzi uye makwayi asapalala.' 28 Mushule mokumuka, ndichakutungamililayi Galileya." 29 Petolo adoti kwaali, " Wamwe wangakutizeyi, Ini kweteba." 30 Jeso adoti kwawali, " Chokwadi ndinoti kwauli, nhasi-ehee, usiku wanasi -mushule mekukulidza dzongwe kawili uchandilamba katatu, 31 Asi Petolo adoti," Kana ndichifanila kupfa nemi, Handikulambeyi," Wose wakataula zvibobodzi. 32 Wadoenda panzvimbo yainzi Getsemani, Jeso adoti kuwadzidzi wake, " Galanyi pano ndichinamata." 33 Adotola Petolo, Jemusi, na Joni nawo wakatanga kubatikana ne kukahazdika. 34 Adoti kwawali, " Moya wangu une chiya,kusvikila pakupfa. Galanyi pano mulindile." 35 Adoenda chinhambwe pashoma, Jeso akawa pasi akanyengetela kana zvisigona temo iyi idalike kwandili. 36 Adoti," Abba, Baba, zvose zvinogoneka nemi. Bvisanyi mukombe kwandili, Kusawe kuda kwangu, asi kwenyu." 37 Adodzoka ndokuwaona wakotsila, adoti kuan Petolo, "Simoni, wakalala? Haungasvinule kwechinguwa? 38 Lindayi munamate kuti mulege kupinda mukuedzewa. M0ya ineda nyama idoneta." 39 zvekale adoenda kwanamata , akashandisa mashoko mabodzi. 40 Paadodzoka pakale, adowana waenzela, nekuti masiso awo aiwa nehope.Wadoshaya chokunyaila kwaali. 41 Adouya kechitatu akati kwaawali, " Muchili makaenzela ne kuzolola? Zvakwana! Nguwa yakwana.Talilayi! Mwanalumbwa waDedza awe kuisiwa 42 mumaoko awatadzi. Mukanyi;Ngatitizeyi.Talila, mubodzi alikuda kundibata wawapejo." 43 Pakalepo achili kunyaila, Judasi, mubodzi wawenegumi nawawili, adosvika, zvino wanhu wazhinji wakauya ne mapfumo ne tsvimbo, kubva kuwakulu wawa pilisita, wanyoli na wakulu we cheche. 44 Pakale mutengesi wakawapa chilatidzo, adoti, " Mubodzi wandichatsvoda ndiye. Mubateyi iye mumumange muende naye mudomuchengetedza. " 45 Padosvika Judasi, ipapo ipapo adonanga pa Jeso akati, " Rabbi," adomutsvoda. 46 Wadoisa maoko yawo paali wakmusunga. 47 Asi mubodzi wainge adomila naye adozvomola bakatwa akagwata mulanda wemupilisita mukulu nzewe. 48 Jesu adoti, " Mwabuda kunze, sendili mbavha, nemabakatwa ne tsvimbo kuzondibata? 49 Ndaiwe nemi mazuwa yose ndichidzidzisa mutembeli, hamuna kundibata. Asi izvi zvaitika kuti zvakanyoliwa mumagwalo zvibulike. " 50 Wase wange wana Jesu wakatiza wakamusiya ali yega. 51 Kalumbwana, kange kakapfeka mucheka akazvimoneledza, kaiteyela Jeso. Walume wakakabata 52 kakasiya jila kakatiza kasina kusimila. 53 wadotungamilila Jeso kuwapilisita wakulu. Paiwe padogala mapilisita makulu, wakulu we cheche, na wanyoli. 54 Pakalepo Petulo adoteela ali chinhambwe, muchiwanze chawapilisita wakulu. Akandogala pakati pawalindi, wainge wadogala pedyo nemoto kuitila kudziya. 55 pakale wakulu wa pilisita ne dale lose lawa Juda wainge wachitsvaga zvapupu pa Jeso kuti wamubaye. Asi wakashaiwa chimwe zvacho. 56 Sezvo wazinji wakabulisa zvapupu zvekunyepa panaiye, zvakadelo zvapupu zvawo hazvina kutendelana. 57 Wamwe wadomila wachibwodoka pazvapupu zvawo'', 58 "Tidomunzva asiti, ' I ndichapwanya tembeli yakanatsiliwa na manja , mumazuva matatu ndikawaka imwe isina kugadziliwa na manja." 59 Padodelo zvapupu zvawo hazvina kubvumilana. 60 Mukuklu wawa pilisita adosimuka pakati pawo akabvunza Jeso, " Hauna mhindulo? Chinyi chili kukubwodokela wa lume awa?" 61 Adolamba adonyalala haana kupindula chinhu. pakale adodzokelela kumubvunza mukulu wamapilisita adoti, " Ndiwe Kilisito, Mwanalumbwana Wakakombolelewa? 62 Jeso adoti, " Ndini' Uye uchaona Mwanalumbwana we Munhu paachagala kujanja loluji lune ntsimba achizouya mumakole yekudzulu. 63 Mupilisita Mukulu adokelula gemenzi lache akati, " Tinotsvagilenyi zvapupu? 64 Manzva kushola. Munofungenyi? " Wose wadomupomela kuti munhu anofanila kuulaiwa. 65 Wamwe wadotanga kumusvipila uye wachivhala chiso chake uye kumulowa wasiti ''Polofita!'' Wapulisa wadomutola wakamulowa. 66 Petulo paiwa pazasi poluwanze, umwe wewashandi musikana aiwa mukulu wamapulisita adouya kwaali. 67 Adoona Pita achidziya pachake, adomutalisa nopadhuze akati, '' Waiwa zvekale naJeso ,weNazarene.'' 68 Asi adolamba, asiti,'' handiziwi zvaukulewa.''Ipopo adoenda panze pomukowa. 69 Asi mulandakadzi adomuona uye akatanga kulewa zvekale kuneawo waiwa wakamilapo, ''Mulume uyu mumwe wawo!'' 70 Asi adomulamba zvekale. Papfula nguwa pfupi awo waiwepo waiwa wakamila wasiti kuna Peter, '' Zvokwadi ulimumwe wawo, nokuti ulimuGalilien.'' 71 Asi adotanga kuzvisa pasi pochituko uye achipika, '' handimuziwe mulume wamukulewa nezvake.'' 72 Dzongwe nokukasika linokokolidza kechipili. Ipopo Pita anolangalila mashoko adotauliwa naJeso kwaali: '' Jongwe lakakokolidza katatu, uchandilamba katatu,'' uye adofunga ndokutanga kulila.