Chikamu 13

1 Jeso adofamba achibva kutembeli , mumwe wewadzidzi wake wadoti kwaali , '' Mufundisi, talilayi matombo adonaka nemidhuli idonaka!'' 2 Adoti kwaali, ''Munoona hele midhuli mikulu? Hapana limwe dombo lichasala panolimwe lisingadonhele pasi.'' 3 Adoti adogala muGomo lakanangana nekutembeli, Pita, Jemusi, Jona, naEndulu wadomubvunza chinyalalile, '' 4 Tiudzeyi, zvinhu zvose izvi zvichaitika linhi? Muchelechedzo uchawa weyi kana zvinhu izvi zvakuda kuitika?'' 5 Jeso adotanga kutaula kwawali, ''Ngwalilalayi kuti hapana munhu angakutsautsa. 6 Wazinji wachauya nomuzita langu wachati, 'ndini iye,' uye wachatsautsa wazinji. 7 Paunonzva hondo uye maguhwa ehondo, usatye; Zvinhu izvi zvinofanila kuitika, Asi magumo achigele. 8 Nyika dzichapandukilana, humambo nohumambo. Pachawa nokundengendeka munzvimbo zinji, uye nzala. Ukukuchawa kutanga kwokuzvarwa marwadzo. 9 ''Iwa ukazvichengeta. Wachakupayi kuwatongi, uye mucharohwerwa musSinagogi. Muchamisiwa pambeli pawose watongi nemadzimambo nokuda kwangu, sochapupu kwawali. 10 Asi shoko linofanila kupalidziliwa kuNyika dzose. 11 Pawachakusunga , usatya nokuda kwezvauchalewa. Panguwa iyoyo, Zvauchalewa zvichapiwa kwauli, uchange usiliwe uchataula ,asi mwoya mutsvene. 12 Mukoma achanunula mukoma mukufa, baba nomwana. Wana wachapandukila wabeleki wawo uye wachakonzela kuti waulaiwe. 13 Uchawengewa nowanhu wose nokuda kwozita langu. Asi wose achatsungilila kusvika kumagumo, munhu iyeye achasununguliwa. 14 ''Ukaona zvishamiso zvisati zvamboonekwa zvidomila pambeli pako pazvisingatendelewe kumila,'' ''Itayi wose wali muJudhiya watizile mumakomo, 15 Itayi awo wanenge walipamusolo pemba wasadzika kuenda mumba kna kutola chinhu, 16 Awo wanenge walimumunda wasadzokele kumba. 17 Asi wachawa nenhamo awo wane wana mudumbu uye awo anenge wachiyamwisa wacheche pamazuwa awo! 18 Namatayi kuti azvitike muchando. 19 Awa achawa mazuwa makulu okutambudzika, zvisati zvamboitika pakutanga,Dedza paakasika nyika, kusvika ikozvino, 20 Kunze kwokunge Mwali adzosa mazuwa, hapana munhu achasununguliwa . Asi nokuda kwewakasaludziwa, achagula mazuwa. 21 Pakawanomunhu anolewa kwawuli, 'Yangana, Kilisito!' kana kuti 'Yangana, uyo aliapo!' musatenda mazvili. 22 WanaKilisito wenhema uye wapolofita wenhema wachanyuka uye muchapiwa zvilatidzo uye zvoshamisa kuti wanyengele, kana zvichikwanisika, nyangwe watsvene. 23 Ngwalilayi! ndakuudzayi zvinhu zvose kumbeli kwenguwa. 24 Asi pambeli pamatambudziko amazuwa awo, 'zuwa lichasvibisiwa, mwedzi ahuzopi chiedza, 25 nyenyedzi dzichadonha kubva kudenga, uye masimba okudenga achazunguziwa.' 26 Ipopo wachaona mwana wamwali achiuya nomumakole nesimba zinji nenyasha. 27 Apoachatumila ngilozi dzake uye achaunganidza pamwechete watsvene wake kubva kumhepo ina, kubva kumagumo enyika nedenga. 28 Dzidzayi chidzidzo kubva kunemuti wemuonde. Nokukasika mabazi achatunga uyeasidonhedza mashizha, munguwa yekupisa yakukwana. 29 Naizvozvo, mukaona izvi zvawakuitika, ziwayi kuti awapedyo, nomasuwo. 30 Zvokwadi ndinoti kwamuli, dzinza ilihalili zvisinakuitika. 31 Denga nenyika zvichapfula. asi shoko halipfuli. 32 Asi maelelano nezuwa kana nguwa, hapana anoziwa, nyangwe ngilozi dzekudenga, kana mwana asi Baba. 33 Ngwalilayi! Nangalayi, nokuti hamuziwi nguwa yacho. 34 Zvidofanana nomulume anoenda parwendo _anosiya musha wake osiila mushandi achitonga, mumwe nomumwe anomupa basa lokuita, anolaila mutalili kuti asalale. 35 Naizvozvo galayi mukangwalila nokuti hamuziwi zuwa lichadzoka mulidzi weimba , kunogona kuwa manhelu, pakati pousiku, kana machongwe achikokolidza , kna mangwanani. 36 Akauya nokukasika, ngaasakuwana kukalala. 37 Zvandotaula kwauli ndichataula kune wamwe wose: Yanganayi!''