Chikamu 16

1 Padopela zuwa leSabata, Meli Magadhalina, Meli amai waJemusi, naSalome wadotenga zvinonhuwilila kuti wauye waise pamuwili waJeso. 2 Nokukasika pazuwa lokutanga lesvondo, wadoenda kubwilo pakabuda zuwa. 3 Wadotanga kulewa kunewamwe wawo, '' kungulutsayi ibwe kubva pamukowa lebwilo?'' 4 Pawadotalisa kudenga, wadoona ibwe labvisiwa, nokuti laiwalikulu. 5 Wadopinda mubwilo wakaona mwanakomana wechiduku akapfeka nguwo chena, adogala nopaludyi, wadoziwisiwa. 6 Adoti kwawali, ''Musawenokutya. Munoda Jeso, weNazarene, iye akaulaiwa. Iye amuka! Ahasipano. Yanganayi nzvimbo ino pawadomuladzika. 7 Asi endayi, Udzayi wadzidzi wake uye Pita, ' Iye alikuenda pambeli penyu kuGalili. Ikoko muchamuona, sezvadokuudzayi.'''' 8 Wadoenda panze uye wakamhanya kubva kugwilo; Wachidedela uye nokushamisiwa. Hapana chawakataula kuwanhu nokuti waiwa wasicha. 9 Nozuwa lokutanga lesvondo, pambelipokunge amuka, Adoonekewa naMeli Magadhalina, kubva kune waakabvisa madhimoni masele. 10 Adoenda uye akaudza wose waiwanaye, panguwa yokuchema. 11 Wadonzva kuti aiwa mupenyu uye aiwa aonekewa naiye. asi hawana kutenda. 12 Pashule pezvinhu zvose adooneka nomuchelechedzo muwili idosiyana panguwa yawaifamba munyika. 13 Wadoenda uye wakaudza wadzidzi wake, asi hawana kuzvitenda. 14 Jeso adowonekela kune wagumi neimwe wakagala patafula, adowatuka nokusatenda kwawo nokuoma kwomoyo wawo,nokuti hawana kutenda kune wakamuona paakamuka kubva kuwadofa. adoti kwaali, 15 '''Endayi munyika, mupalidzile shoko kune chipuka chose. 16 Iye anotenda akabhabhatidziwa achanunuliwa, uye iye asingatendeachalambiwa. 17 Zvilatidzo zvichaenda neawo wanotenda: Mudzina langu muchadzinga madhimoni. wachataula nomitaulo itsva. 18 Wachanhonga nyoka nomaoko awo, uye wakanwa zvoulaya hawazofi, uye hazviwakuwadze. Wachatsitsa maoko kunewanolwala, uye awo wachapolesewa.'' 19 Pashule Ishe walewa kwawali, akaendesewa kudenga uye adogala paluoko roludyi laDedza. 20 Wadzidzi adosimuka wakapalidza kwose, Ipopo Mwali achiwabatsila uye akawaudza shoko nomichelechedzo zvakaenda nawo.]