Chitsauko 27

1 Zvakati zvarogwa kuti tiende nechikepe kuItari, PAuro newamwe wasungwa wakaiswa, mumawoko omukuru wezana, ainzi Juriasi, akanga ariwehondo yaAgasito. 2 Takakwira chikepe chaibva kuAdhiramitiami, chakanga chaiwe kuenda nezvimbo dzaiwa yemahombekobe enyika yeEzhia, takaenda, takanga tina Aristakusi, muMasedhonia aibva kuTesaronika. 3 Zuwa ramangwana, takasvika kuSidhoni; Uye Juriasi akabata zvakanaka Pauro, akatenderana kuti aenda kune chamwari, kuti wagamupa zvichaiwa. 4 Tichibva ipapo takaendazve, kugungwa tikapfura nezasi kweSaipurasi, nekuti mhepo yakanga ichitidziwisa. 5 Takati tayabuka gungwa reSirisia nePamufira, takauya kuMira muRisia. 6 Uye mukuru wezana, akawona chikepe cheArekizaandiria, Chaenda kuItari, takakwira mariri. 7 Takaenda tichifamba zvishoma nezvishoma mazuwa mazhiji, zvakanga zvakatiwomera kusvikira paNidhasi, mhepo yakanga isigatibvumidze kuramba tiri ipona, takaenda kumwe kwainzi Kirete, kwakatarisana neSarimone. 8 Uye zvakanga zvakawoma takaenda kumahombekombe, takasvika paimwe zvimbo yainzi, Zororo rakanaka, pedyo neguta reRasea. 9 Takarasikirwa nenguwa izhiji ipona, uye kufamba kwechikepe kwakanga kune njodzi, nekuti takanga tabva kutsanya, Pauro yaiwayambira, 10 Achiti: Warume, ini ndirikuwona kuti kufamba kwedu uko kuchawa nenjodzi ruchauyisa kurasikirwa kukuru chikepe nenhumbi, kwete chete nezvinhu zvirimhuno asi neupenyu wedu chaiko. 11 Zvadaro mukuru wezana pachinzvimbo chekuti aterere zvirikutaurwa na Pauro akaterera zano rumuchairi wechikepe uye nomuridzi wechikepe. 12 Sezvo panomira chekepe pakanga pasina kunaka kuti wanhu wagarepo munguwa yechando, wazhiji wakabuda ipona, wachiona kuti wagasvike here kuFonisia, zvimbo yeKirete, achidzokera kwakanga kune mhepo kuwawirira nekumusoro, kuti ipona wapfure chando. 13 Mhepo yakadzikama yaibva dzasi, wakafunga kuti awana zvaida; akasimudza chimiso, wakaenda muhombekombe yeKirete. 14 Asi kusati gwambopera nguwa duko kwakasimuka mhepo guru, ainzi Yarakuru. 15 Chikepe chwakabata, zvakanga zvisigaite kuti wafambe nemhepo, saka takarega zvakadaro uye takaramba tichigosairirwa. 16 Takati tapfura nezasi rechisuwa, chainzi Kaudha, takanga tisigagonekuchegetedza igwa runonunura upenyu; 17 wakati wakwidzwa pamusoro, wakapidza tambo pamusoro pechikepe; wakatya kuti vangasairirwa kujecha, wakanderedza zvimiso zvomugungwa ndokubva varega chikepe chichisairirwa. 18 Takanga tava kuvhungwa vhungwa, zuwa remangwanawakaisa zvinhu kunze. 19 Rawe zuwa chitatu, nemawoko wakaisa zvese panze. 20 Zuva kana, kana nyeredzi mazuwa mazhiji kusina, gutu rakaramba richipenga, kubva ipona takanga tarasa tariro rose rekurara. 21 Takanga tane nguwa zhiji tisina zvekudya, saka Pauro, akamira pamberi pawo, akati: Warume, maifanira makaterera zano rangurokuti murege kubva maKirete, ipona mungadai makazviponesa pakuparadzwa nekurasikirwa uku. 22 Asi zvino ndinokukurudzirai kuti mutsunge; nokuti apana wenyu achafa, asi ticharuza chikepe. 23 Nekuti manheru ano ngirozi yaMwari yakanga ineni, uya muridzi uye wandinochandira; 24 Achiti: Usatya, Pauro; zvinondikanwa kuti iwe umire pamberi paKesari; Mwari akapa upenyu kunyagwe waya warimuchikepe newe. 25 Nokudaro, warume, saka tsungai; nekuti ini ndinotenda muna Mwari zvekudaro zvinoitika, zviya zvandakataurirwa. 26 Asi zvinofanira kuti akandwa muchitsuwo. 27 Neusiku wengumi nechina, tichikandwa tiwi ne tiwi mugungwa Addhiria, pakati pawo usiku wafambi wechikepe wakaona kuti uzvodera kunyika. 28 Wakachandisa zvokuyera kudzika kwebvura, wakaona kuti pakanga pakadzika mamita makumi mana; shure kwenguwa pfupi, wakayerazve wakawana, kuti pakanga padzikamamita makumi mana. 29 Wakatya kuenda kunosangana nemapuwe, wakadzikisa zvimiso zvina shure, ndokunyegetera kuti dai kwaendza. 30 Uye watyairi wezvikepe watsaga kutiza muchikepe, wakaburutsa ingwa ukununura upenyu ndokurikanda mungugwa, wachiita sokunge waizodzikisa zvimiso pamberi pezvikepe, 31 Pauro akati kuna mukuru wezana nemasoja: kana awa wakasagara muchikepe, imi amukwanisi kuzviponesa. 32 Saka masoja wakagura tambo dzezviponesu, wakasidonesa. 33 Kwawa kuda kuendza, Pauro akawayambira kuti wadye chinhu, achiti: Nhasi igumi namana, murikumirirei, musina kuendza kana chinhu. 34 Ini ndinokuyambirai kuti idya chinhu, Nekuti zvakanakira utano wenyu. 35 Uye apedza kutaura izvona, akatora chigwa, iye akatenda Mwari pamberi pewese; akamedura akatanga kudya. 36 Uye wese wakasimbiswa, wakatora chinhu chekudya. 37 Tese takanga tiri muchikepe mazana mawiri namakumi manomwe nawatanhatu wanhu. 38 Takuta netyakafu, wakabvisa zvairemera chikepe wakanga gorosi mugungwa. 39 kwakti kuendza, wakanga wasingaziwe nyika; asi wakawona imwe zvimbo yakanga inenjecha, wakafunga kuti waitora here chikepe. 40 Wakadabura zvimiso, wakazvisiya mugungwa, wakataburawo tambo zvakanga zvakasunga zvekudzoresa zvekepe, ipapo waksimudza sairi rechekepe kumhepo, uye waenda kwakanga kune jecha. 41 Asi wakadona kwakanga kune magungwa mairi aisagana. Asi chikepe chakarowera pajecha, moromo wakabatirira kwazvo ukasagona kubvapo, kwakabwanyika kuita zvimedu nokuda kwokurowa kwamasaisai. 42 Saka warwi wakaringa kuuraya wasungwa, kuti imwe wawo asatizve. 43 Asi mukuru wezana, akada kuponesa Pauro, akawarambidza kubva dzawo; akati waya wanoigona kusabira kuti washambire awo wotanga kubuda muchikepe waenda kumahombekombe. 44 Waya wasara waizoyabuswa waripamapuranga kana muzvidembu zvechikepe. Uye zvakaitika, wese wakaponeswa nenyika.