Chitsauko 25

1 Zwino kwakati kwapera mazuwa matatu mushure mekusvika kwake munyika fesitasi akakwira kubva kukesaria akaenda kuJerusarema . 2 Wapirisita wakuru newakuru waJuda wakamira pamberi pake wakapira nyaya yaPauro kwaari . 3 Zwino wakamukumbira zwikuru sechiro chinofadza kwawari kuti pauro aendeswe kuJerusarema, nokuti wakanga wachigadzirira kuti wamuuraye 4 Ipapo akapindura akati pauro akauya ari musungwa pakesaria uye ini pachangu ndichaenda nekukasika. 5 Saka wamwe wewakuru ngawayende neni kuitira kuti kana paine chiro chipi zwacho chakaipa pamunhu uyu apomerwe 6 Akati apedza mazuwa masere kana gumi nawo wakadzika akaenda kukesaria ,uye zuwa rakatewera akunganidza wedare akataura kuti Pauro aunzwe pamberi pake. 7 Wakati aswika waJuda wekuJerusarema wakamira wakumukomberedza wachimupomera dzaipa dzawakanga wasingakwanisi kusimbisa chokwadi . 8 Ipapo Pauro akazwidairira achitihandina kuita chiro chakashata pamusoro pemitemo yewaJudha kana nechechi kana na kesari 9 Saka achida kufadza waJudha akati kuna Pauro ,unoda here kuenda ku jerusarema kuti amire pamberi pangu uchitongwa neni nezwiro izwo. 10 Pauro akati iko zwino ndakamira pamberi redare raKesari munowa ndimo mandinofanira kutongwa ,handina kuita chakaipa kuwa Judha sezwamunoziwa imi pachenyu 11 Kunyangwe zwakadaro hazwo kana ndine nyaya yekuita chiro chipi zwacho chinokodzera rufu handirambi kufa asi kana nyaya dzandinopomerwa dzisina chokwadi hakuna ane mvumo yokundisa kweari ndinozwisa kuna kesari. 12 Shure kwekunge ataurirana nemagorokota ake akati azwiisa kuna kesari kana kesari achienda 13 Sezwo wakanga wapedza mazuwa akawanda ikoko ferikisi 14 akataura nyaya yaPauro kuna mambo akati pane murume ari pano akasiwa ari musungwa na ferikisi. 15 Pandaiwa kuJerusarema wapirisita wakuru newakuru wewaJudha wakauya wachimupomera nyaya wakakumbira kuti atongwe. 16 Ndakawabvunza ini kuti aisa tsika yewaRoma yekwendesa munhu upi zwake asati asangana newapomeri wake uye apuwe mukana wekuzwidairrira pamusoro penyaya yawamupomera 17 Pawakauya pano neni ,handina kunonotsa nyaya iyi ,asi ndadaidza dare pazuwa rakatera ndikapangira kuti munhu uyu apinzwe mudare. 18 Waimupomera wakati wasimuka kuti wataure hawana kupomera nyaya ipi zvayo yandaitarisira. 19 Asi wainga ne masoko okukakawadzana naye pamusoro pomurume akafa ainzi jesu uyo anonzi naPauro mupenyu. 20 Ndakashaya ruziwo rwokuferefeta nyaya dzakadai saka ndakabvunza kana aida hake kuenda kuJerusarema kuti atongwe ikona pamusoro pan yaya idzi 21 Asi Pauro akati azwitsirire kuti achengetwe kuti azotongwa ndakaraira kuti achengetwe kuswika ndazomutumira kuna kesaria. 22 Ipapo Agiripa akati kuna ferikisi ndingada kunzwa munhu uyu pachangu akati muchamunzwa mangwana 23 Zuwa rakatewera Agiripa na Bhenisi wakauya nekukudzwa kukuru wakapinda mumba maitambirwa nyaya waine machinda ezwigaro zwepamusoro uye newarume waitungamiriri guta fesitasi akawaraira Pauro akapinzwa kwawari. 24 Fesitasi akati mambo Agripa nemi mose newanhu wenyu muripano nesu murikuona munhu uyu ungano yoseyewaJudha yakandikumbira pamusoro pake muJerusarema uye nemuno mukesaria wachidaidzira wachiti haafanirwi kuramba ari mupenyu 25 Ini ndakawona asina kuita chiro chakafanira rufu asi nekuda kwekuti akazwiisa kuna Kesari ndakafunga kutungamira. 26 Asi chandinganatso tsanangura chekuti ndinyorere kuna changamire pamusoro pake naizwozwo ndamuunza pamberi penyu mambo Agiripa kuitira kuti zwichabuda pakuferefeta uku zwindionese zwekunyora. 27 Nokuti ndinokunga kuti hazwina nugwara kutimira musungwa pasina tsananguro chaiyo yenyaya yake.