Chitsauko 24

1 Mazuva mashanu akati adarika Ananiasi muprisita mukuru newamwe wakurunerimwe gweta rainzi Teturo wakadzika kukesarea awo warume wakaunza nyaya pamusoro pa Pauro pamberi pegweta. 2 Pauro akati pamberi pemubati Teturo akatanga kumopomera nyaya achiti mubati nekuda kwenyutine mufaro mukuru nenguwa refu yerugare pasi poutongi hwenyu kwaunza kuchinja kwakanaka kurudzi rwedu. 3 Izwi tinozwitambira nomufaro nokuziwa zwese zwamunoita nomufaro 4 Asi kuti tisakuneyiizwe ndinokumbira hangu kuti mutinzwe nenyasha mungotinzwa henyu kwenguwa doko. 5 Saka takaona kuti murume uyuakaipa anomutsa waJuda munyika yose ndiye mutungangamiri wechikwata rewa Nazareta. 6 Uye wakaenda kushandisa chechi ndosaka takamusunga. 7 --- 8 Asi Risaisi mukuru wewarwi wakauya wakamubvisa mumawoko edu nechisimba. Mukamubvunzisisa imi pachenyu muchakwanisa kuziwa chokwadi chenyaya dzatiri kumupomera. 9 Nawo waJuda wakatendera nezwakanga wachipomerwa wachisimbisa kuti zwiro izwi zwanga zwiri zwechokwadi. 10 Mubati akati atendera kuti ataure Pauro akapindura akati ndinoziwa kuti manga muri mutongi wedzinza iri kwamakore akawanda saka ndinofara kuti nditsanangure ini kwamuri. 11 Imi munoziwa nyorere kuti mazuwa gumi namairi haasti atopera kudva pandakaenda konamata ku Jerusarema. 12 Apa awana kundiona ndichiita nharo naani zvake muchechi kana kupfurira wazhinji musinagogo kana muguta zwaro. 13 Iwo hawakwanisi mkukubudisirai chokwadi chenyaya yaunopomera kwandiri. 14 Zvisinei hazwo ndinobvuma kuti ndinonamata Mwari wamanzinza baba edu semuteweri nenziri pawanoti wakatsauka. Ini ndinotenda zwiro zwese zwinotenderana nemutemo uye nezwakanyora muwaporofita. 15 Ndine tariro imwe cheteyo Mwari sewarume awakuti kuchauya nokumuka kwavakafa wose zwavo wakarurama kana wakaipa. 16 Saka ndinoshingirira, nguwa dzese kuti hana yangu iwe yakachena pamberi paMwari newanhu. 17 shure kwemakore mazhinji ndakauya kuti ndizope wanhu wedzinza rangu zwipo zwemare. 18 Pandakati izwi asi waJuda waibva kuEzhia pawakandiwona ndakazwinatsa ndiri muchechi ndichiita izwi pakanga pasina wanhu wazhinji waiwa neni kana ndenga ndenga. 19 Wawo warume waifanira kunge wari pano pamberi penyu ndiwo waifanira kunge wari pano pamberi penyu ndiwo ndiwo waifanira kundipa nyaya kanawainge wane nyaya ipi zwayo neni 20 Saka iwona warume awa wanofanira kutaura chawakaona kwandiri pandikamira pamberi pawo padare guru nawaJuda. 21 Kunze kwechiro chimwe chete ichi chandakadaidzira ndaka mira pamberi pawo ndirikutongwa maererano nokumuka kwawakafa ndizwozwaita kuti ndiwe pamberi penyu nhasi . 22 Ipapo Ferekisiuyo akanga achinzwisisa nezvegwanzi iro akambomisa dare akati kana Risiasi mukuru wawarwi auya ndichanga nyaya yenyu. 23 Ipapo akataura mukuru wezana kuti Pauro achengetwe newarindi asi asununguke uye shamwari dzake dzidvumirwe kuti dzimuunzire zwekurwava . 24 mushure kwemazuva akawanda Firikisi akauya akauya nemukukadzi wake dhurisira ,uyo ari muJuda akadaidza Pauro kuti auye amuzwe sezuro aitaura pamusoro pezwekutenda muna Kristu. 25 Ipapo Pauro paakanga arikudzidzisa pokurarama kuzwidzora nokutongwa kuchauya Firikisi akatya akati zwakwana kwazwino ungaenda hako ndakange ndakukuda ndichakudaidza 26 Panguwa yacho iyona aifunga kuti Pauro achamupa mare saka aimudaidza Pauro nguwa yese achitaura naye. 27 Makore mairi adarika Pashiasi Fesitasi akatora nzwimbo ya Ferekisi asi nokuda kwe chokwadi Ferekisi aida kufadza waJuda akasiya Pauro ari mujeri