Ndima 14

1 Zwino sangamijani usinasimba pakutenda, musingayeti gakavha naye pazezulu pokufunga kuke. 2 Umwe unhu unokutenda kuti angadla zwose, asi unesimba unodla milivho. 3 Unodla zwose ngalege kuzwiyeta asingadli;futhi asingadli ngalege kupa mhaka unodla zwose.Nokuti Mwali waka usangamija. 4 Iwe ndiwe ani,unopaulanda woumwe ulanda?Iye unomira kana kuwa.Utshamira izwe nokuti Ishe vhane simba lokuumisa. 5 Unwe unhu unoti zuvha linwe pedzi linopinda limwe.Umwe oti mazuvha ose akafanana.Umwe no umwe ngazivhe zwe shuwa mumoyo uwe. 6 Iye unotshengeta zuvha,unolitshengeta nokuda ka Ishe;uyo unodla ,unodla nokuda ka Ishe, nokuti unovhonga Mwali.Iye asingadli,hadliri Ishe;asi unovhonga Mwali. 7 Nokuti hakuna umwe wedu unozwilalamira iye oga, hakuna unozwifira iye oga. 8 Nokuti kana titshilalama,tinolalamira Ishe, kana titshifa tinofira Ishe.Zwino kana titshilalama kana titshifira, tiri vha Ishe. 9 Nokuti Khirisito wakafira iyezwo aka mukira iyezwo, akalalama kuti avhe Ishe wavhapenyu navhakafa. 10 Asi iwe, unopirireni ukulu uwo mhaka?Kana newevho unoyejereni ukulu uwo?Nokuti isu tose titshamira patshigalo tshokutonga tsha Khirisito. 11 Nokuti kakanwagwa kutshihwi ,"Novhupenyu hwangu ,"ndizwo zwinolevha Ishe ,"Gona linwe nelinwe litshandigwadamira,Lulimi lolumwe gutshakuja Mwali." 12 Nayezwo,umwe no umwe utshazwi davhirira iye kuna Mwali. 13 Nayezwo, ngatilege kulamba titshitongana,asi zwiri khwine kutonga, kuti unhu alege kuyesa tshigumbu kana tshinopiringija pandda koukulu uwe. 14 Ndinozivha nokuzivhisisa tshayiko kuna Ishe Jeso kuti hakuna tshinhu tshine swinatshimene. Asi iye unoti tshine swina, kaali tshineswina. 15 Nokuti kana ukulu uwo atshiswibisa, moyo nokuda kokudla iwe hawunga yendi noludo. Usapalajiwa nezwekudla iwe wakafigwa na Khirisito. 16 Nayezwo kunaka kenu ngakulege kuyejiwa. 17 Nokuti vhutshi hwa Mwali hasi zwokudla kana zwokunwa, asi kululama,nolugale, noufalo mu Mwiya Utswene. 18 Nokuti unobatira Khirisito pazwinhu yezwi unofaja Mwali futhi unotendiwa na vhanhu. 19 Nayezwo, ngatitswake izwo zwino vhuyisa lugale nezwa tingakhwatisana nazwo. 20 Legani kupalaja basa la Mwali nokuda kezwokudla. Zwinhu zwose zwakanana zwazwo,asi zwakayipa kune anodla akatshamwa. 21 Zwakanaka kusadla nyama, kana kusayeta tshimwe tshinhu tshino tshanwisa ukulu uwo. 22 Unokutenda na?Ivhayi nako kuvhe kuko pada ka Mwali. Wakakombolegwa usingazwipi mhaka patshinhu tshaano tendera. 23 Asi uyo unongugula wavha nemhaka kana atshidla , nokuti hangadli nokutenda.Zwose zwisingabvi pakutenda zwivhi.