Ndima 16

1 Zwino ndakahwa ihwi gugwane litshiti kugereke litshiti kuvhatumwa, "Endani mundodulula panyika je shanu na mbiri jokutshamwa ku Mwali." 2 Utumwa wokutanga ukaenda aka dulula ndiro iye panyika, tshilonda tshinogwaja tshikavhapo pavhanhu vhanga vhane sumbijo yetshivhanda, vhakarabhira ufanyanyijo watsho. 3 Utumwa wavhuvhiri ukadulula ndiro iye mugugwa.Lkasanduka kalaete malopa, seleunhu wakafa, navhapenyu zwose zwanga zwiri mugugwa zwikafa. 4 Wavhutatu ukatevhulira ndiro iye pagwizi nomuzwisenya zwe vula,yakasanduka ikaeta malopa. 5 Ndakakahwa utumwa wevula atshiti, "Makalulama imwi Ishe manga mulipo noutshavhapo, nokuti makatonga saezwo. 6 Nokuti vhakatevhulira lopa la vhatswene vha Mwali nela ma porofita, mukavhapa lopa kuti vhamwe vhakafanigwa naezwo," 7 Ndikahwa umwe ali muaritari atshiti, "Ndizwo, Ishe Mwali Wasimba, kutonga kenu ndikovhukuma kakalulama." 8 Zwino wavhuna ukatevhulira ndiro iye panyezulu pazuvha.Lakapiwasimba kuti lipise vhanhu nemoto. 9 Vhanhu vhakapisiwa nokupisa kukugwane, vhakanyaja zina la Mwali, unesimba panezulu pamatambujiko hawa.Havhana kute ndevhuka kuti vhakuje. 10 Wetshishanu ukadululira ndiro iye panyezulu patshigalo tshovhushe tshetshivhanda, vhushe hwahone hukaswibisiwa.Vhaka tshenga vhulimi hwavho nokugwajiwa. 11 Vhakanyaja Mwali wanyezulu panyezulu pokugwajiwa kavho nezwilonda zwavho, asi havhana kutendevhuka pamabasa avh. 12 Utumwa wavhushanu nayimwe ukadulula ndiro iye panyezulu pegwizi lukugwane, gunowi Euphrates.Muvula yago yakapwa kuti zira jamazishe vhanobva kumabvazuvha jigajigwe. 13 Yapo ndakavhona mwiya weswina mitatu wakaeta samatafi atshibva muulomo wesato, nomuulomo wetshihanda,nomuulomo wemaporofita okunyepa. 14 Nokuti ndiyo mwiya yakaipa inoeta zwisumbijo inoenda ku mazishe enyika yose.Akaakuvhanganyira muhondo pazuvha gugwane la Mwali wamasimba ose. 15 ("Talira! ndinovhuya sembava! wakalopafajiwa unolinda, unotshengeta nhumbi jije kuti alege kuenda asina kusimira vhavhone kushona kuke.") 16 Ukavhakuvhanganyija pabulege inohwi Hrmageddon netshi Hebrew. 17 Zwino wetshishanu navhavhiri ukadulula lira ndiro iye nyezulu.Ihwi gugwane lakabva mugereke yanyezulu patshigalo tshovhushe, litshiti, "Zwakayeteta!" 18 Yapo upenyo wanga ulipo namahwi okutinhira, nokudengenyeka kenyika kukakula kula kukadlali hakuna kumbovhapo kubva pakusikwa kavhanhu panyika, tshikugwane kugedenyeka ka kenyika. 19 Dirobho hugwane lakaganugwa lakaete mapisi matatu, madorobho emaluji akapwasika.Bhabhironi dirobho hugwane lakalangaligwa panda ka Mwali kuti lipiwe komitshi wewaini yotutshamwa keswiri jije. 20 Zwino zwose zwikatiza,netavha hajina kuwanika. 21 Tshivulamahwe tshikugwane, tshinobva kumakole tshikawira panyezulu pavhanhu.Vhakanyaja Mwali nokuda kedambujiko letshivulamahwe nokuti dambujiko lahone langa liri gugwane tshayiko.