Ndima 5

1 Nokuti tinozivha kuti kana ngumba yedu yenyika tabhemakeri yedu itshiputshiwa, tinetshakavhakwa tshinobva kuna Mwali. Ngumba isina kuvhakwa namavhoko, asi isingaperi iri kumakole. 2 Nokuti tinogomera vho mayiri, titshapanga kuti tifukijeni nengumba yedu inobva kumakole. 3 Kuti kana takafukijiwa zwedu hatingawaniki tisina tshatikafuka. 4 Nokuti nesu tiri mutebhamakeri,tinogaka titshigomera, titshilemegwa.Tisingadi kuti tikutule. Asi, kuti tifukije, kuti tshinofa tshiriwe novhupenyu. 5 Zwino uyo wakatigalirira tshinhu itshi ndi Mwali, ukati thusa ne mwiya uwe. 6 Nayezwo tinosunga moyo tshikathi tshose,titshhizwivha kuti kana titshigala muumbiri, hatigali kuna Ishe. 7 Nokuti tinoyenda nokutenda, hatiendi nokuvhona. 8 Tinokozerera moyo vho titshiti ikwine tilege kugala paumbili kuti tigale kuna Ishe. 9 Saka tinokozerera kuti tiufaje iye, tshero titshigalamo tshero tisingagalimo, tshatinoda kuwufaja. 10 Nokuti isu tose tinofanira kusumbijiwa panda ketshigalo tshokutonga tsha Khirisito, kuti umwe nomwe apiwe zwakayeta noumbiri, sezwaakayeta kana zwakanaka kana zwakaipa. 11 Nayezwo, zwatinozivha kuhla ka Ishe, tinokombejera vhanhu.Asi tinosumbijiwa zwedu kuna Mwali, hati zwino ndinoti dleni titshisumbijiwa vho pamoyo penu. 12 Hatizwilumbiji kana kamuli, asi tinomupa zira yokumutenda nokuda kedu, kuti mukone kupindula avho vhanovhimba nazwinovhoneka vhasinga vhimbi nezwemoyo. 13 Nokuti kana titshipenga, tikadlalo nokuda ka Mwali; kana tiri vhanhu kavho,tikadlalo nokuda kenu. 14 Nokuti ludo gwa Khirisito gunotikombejera, zwatinozivha tshinhu itshi: kuti umwe ukafira vhose, zwino vhose vhakafa. 15 Zwino iye wakafira vhose, kuti avho vhanopira vhalege kuzwipirisa ivho asi uyo wakafa nokumusiwa nokuda kavho. 16 Nayezwo,kubva iyezwino hatitangozivha unhu panyama, hati kana tikazivha Khirisito panyama.Asi kubva iyezwino hatitshawuzivha sayezwo. 17 Saka, kana unhu ali muna Khirisito, wavha tshisikwa tshitswa.Zwinhu zwakale zwapinda, Talirani,zwose zwavha zwitswa. 18 Asi zwinhu zwose zwakabva kuna Mwali.Wakatisanganisa naye na Khirisito akatipa kushumira kokusanganisa. 19 Ndiko kuti Mwali wanga atshisanganisa nyika naye, muna Khirisito akasavhavhalira kupinda kavho.Akatipa isu ihwi lokusanganisa. 20 Nayezwo tiri vhatumwi nokuda ka Khirisito, Mwali saanenge atshikumbira zwikugwane nesu.Tinokumbira, nokuda ka Khirisito:"Titshiti sanganisiwani na Mwali!" 21 Uyo wanga asingazivhi zwivhi ukauyeta kuti avhe ne zwivhi nokuda kedu kuti isu tivhe nokunaka ka Mwali ne kaali.