1 Akaburika kunze pakarepo ndekuenda kuguta rekumusha kwake, pakarepo vadzidzi vake vakamutovera. 2 Musi sabata wasvika akadzidzisa musinagogu. Vanhu vazhinji vakanzva zvaitauhwa vakashamidzika. Vakati, " Akaiwanayi dzidziso yakadayi?" "ko manoyi akapiwa iye? "Ko zvishamisoyi zvishamisoyi zvanoita nemanja ake?" 3 "Ko haasi muvezinayu, mwana wamariya nemukoma waJemusi na Joses, na Judha, naSimon? Hanzadzi dzake hadzibo pano nesuna? Vakanyetedzewa na jeso. 4 Zvino Jeso akati kwavari, "Muporofita haangashaiwi kuremekedzwewa , kunze kwemuguta rekumusha kwaanegara nekuhama dzake nepamusha pake 5 "Haangagone kubata basa resimba kune kwekuisa manja pamusoro pevaihwara vashoma nekuvakapora. 6 Akashamisika nekusatenda kwavone. Akazunguruka mumisha achidzidzisa. 7 Akadana vane gumi nevaviri, ndokutanga kuvatuma vari vaviri vaviri, ipopo akavatambidza simba remweya mutsvene rekukurira mweya 8 yakaipa uye akavaraira kuti vasatore kana chinhu chemunhu chibodzi parwe ndo rwavo, kunze kwemudonzo, kwete chekuja, kana chigwebe, nemari mumagwebe avo- 9 asi vafeke shangu, vasafeke nguwo mbiri 10 Akati kwavari, "pamusapinda mumba ,ivaipo pakarepo kusvika mazoyenda. 11 Chero guta rikasakutambira, kana kukuteererai, kana mevha pakarepo, kuhuumureni huruva mutsoka rive chapupu kwamuri." 12 Vakaburika vakanoparidza kuti anh vatendeuke. 13 Vaka burdisa mweya yakaipa yakawanda, vaihwara vakavazodza vakapovaporesa. 14 Mambo Herodhi vakanzva nezvaJeso, Zjta rake rakavha razivikaniwa. Vamwe vaiti, "Joni mubhabhatidzi akamuka kuvha kunevakafa, ndesaka zvishamiso zvine simba zvaakushanda maari." 15 Vamwe vaiti, "NdiHerija," nazvino vamwe vaneti "Miporofita,iye muporofita sevamwe vekudhara." 16 Asi Herodhi paakanzva izvi akati, "Joni, wandadimura musoro wakapengenuka." 17 Nekudaro akatuma vanhu kunasunga joni kuti amuise mutirongonekuda kwemhosva dzaHerodias (mukadzi wemukoma wake Firipi), nekuti akanga amuroora. 18 Nekuti Joni akanga ati kuna Herodhi, "hazvetendehwa kuti ugare nemukadzi wemukoma wako," 19 Herodiasi akamunyeterera zvekuda kumuwuraya, akamutadzirira, 20 nekuti Herodhi waanga asichaJoni; nekuti aimuziva ari murume wakarurama, aneera, akamuchengeta zvakanaka. Kuteerehwa kwaakaita kwakamushamisa zvikuru, izo akamunzva asifara. 21 Zvino mukana wakawanika wekuti vaite mhemberero dzezuva raakazvariwa, akaitira mahiko makorokota ake nevatongi vekugareriya. 22 Zvino mwanasikana waHerodhi pachake akapinda ndekuvatambira , akafadza Herodhi nevaenzi vake, mambo ndekuti kumusikana, "ndiudze chauneda ndikupase." 23 Akamupikira asiti, "chese chauchakumbira, kwandiri ndisakupa, kusvika pachipisi chehumambo hwangu. " 24 Akaburika panze akati kuna mai vake, "Chini chandingamukumbire kuti andipaseni?" " musoro waJoni mubhabhatidzi." 25 akadzokrea mumba nekujurumbidza akaneti, "Ndeda kuti iye zvino mundipase musoro waJohn mundiro yemuti." 26 kunyange Mambo zvakavashupa; havana kuzviramba zvakanga zvaakakumbihwa nekuda kwekupika pamwe nevayenzu vake. 27 Zvino mambo wakatuma umwe muuto kuvha kuvachengettedzi vake kuti varese musoro waJoni. Muchengetedzi akaenda kutirongo ndokunodimura musoro waJoni. 28 Akawuyisa musoro mundiro akautambukidza kumusikana, musikana akanotambidza mai vake. 29 Vadzidzi pavakanzva izvi vakasvika vakatora mutumbi wake vakakanouviga muguva.