1 Zvakare Jeso wakanguna musinagogu, paiva nemurume anehwanja hwakakombama. 2 Vamwe vanhu vakamunangarisisa vasida kuona kuti asamuporesana nezuva resabata kuti vamupamire mhosva. 3 Jeso wakati kumurume wanga ane hwanja hwakakokonyara, "simuka umire pakati pevanhu vese." 4 Pakarepo akati kuvanhu, "zviripamurawo here kuita zvakanaka musi wesabata kana kukuvadza; kuramurira upenyu kana kuuraya?" Asi vakanyarara. 5 akanangara kwavari vese akaipihwa, nekuahupika mumoyo make nekuda kwehukukutu hwemoyo yavo, ndekuvha ati kumurume, "tambanudza hwanja hwako." Akahutandavadza hwanja, husivha toroka. 6 Vafisi vakabuda panze nekasvasvi ndekutanga kumurongera nechikwata chaHerodhi nzira dzekumuuraya nadzo. 7 Zvino jeso, nevadzidzi vake, vakayenda kugungwa, gurususu revanhu richitevera kuvha kuGareriya nekuJudhiya 8 nekuJerusarema nkuIdomiya nekumberi kwejodhani nemunharaunda yeTiyera neSidhoni. Pavakanzva nezvaiita, gurususu guru rakauya kwaari. 9 Akataudza vadzidzi vake keva hwato diki kumugadziriranekuda kwegurususu yevanhu, kuti varege kumudzvinyidzira. 10 nekuti akaporesa vakawanda, munhu wese aiva nezvirwere akada kusvika paari kuti amubate. 11 Pese mweya ideipa payaimuona , yaidonhera pamberi pake nekurira zvikuru isiti,"Uri mwanakomana wamwari." 12 Aitsindidzira kuti vasaite kuti azivikamwe. 13 Akakwira pamusoro pegomo, uye akadanidza vaaida, vakauya kwaari. 14 Akatondeka vane gumi nevaviri (vaakateedza kuti vaposotori) vaakaitira asinge ainavo zvakare asivatuma kufambisa shoko, 15 zvakare kuti vave nesimba rekutandaidza mweya yakaipa. 16 Akatondeka vanegumivanegumi: Simoni uyo waakateedza kuti Pita; 17 Jemusi mwanakomana waZebhedhiya, naJoni mukoma waJamusi, vaakatedza kuti Bhonagesi, avo vaakateedza kuti Bhanan'ana; 18 naEnduru,Firipi,Bhetonomiyo, Mateyo,Tomasi,Jamusi mwanakomana waArufiyasi Tandiyasi, Simoni weshungu 19 na Judhasi Sikariyoti, akazomutengesa. 20 kadzokera kumusha , gurususu rakaungana zvakare ,zvekuti vakatadza kana kuja chambwa. 21 Mhuri yake payakanzvazvi Vakaenda kunamutora, nekuti vaiti ava,"ava kupenga." 22 Vanyori vakaburuka vasivha kuJerusarema vakati, "Akazadziwa nemweya waBheruzabheri" zvakare "nemutungamiri weadeipa anetandaidzira kure mweya ideipa." 23 Jeso akavasheedza kwaariiye ndokuvha ati kwavari nemadimikira, "Zvingaite sei kuti satani angatandanidziwe seyi nasatani? 24 Kana umambo hukauya muzvidimbu zvidimbu, husingawirirane pachaho, umambo uhu haumiri. 25 Kana imba inezvidimbu zvidimbu zvisingawirirane pachazo, imba iyoyo haikwanisi kumira. 26 Kana satani azvimukira pachake nekuzvipasanura, haangamire, asi anevha aperehwa. 27 Hakuna kana mubodzi angapinde nyumba yemurume anesimba weba midziyo yake, asati atanga kusungirira muridzi wenyumba kana ozoparadza nyumba yake. 28 Chokwadi ndeeti kwamuri,zvitadzo zvese zvevana vemunhu zvisaregerehwa, zvisinei nemashiko adeipa avanetaura, 29 asi aneshora mweya mweya mutsvene aazoregerehwi, asi ane mhosva isingaperi." 30 Jeso akataurazvi asiti nekuti vaiti, "ane mweya udeipa." 31 Pakarepo amiyake nevanike vake vakauya vakamira panze, vakamutumira munhu, kunemudana. 32 Chaunga chevanhu chakanga chigere chakamukomberedza chikati, "Amiyako, nevanike vako nehanzadzi dzako vari panze, varikukutsvaga." 33 akavapindura asiti, " ndiyani amiyangu nevanun'una vangu?" 34 Wakanangara nangara pane vakanga vagere vakamukomberedza akati, "Nangareni pano ndepana amiyangu nevanun'una vangu! 35 Nokuti uyo anoita kuda kwamwari, munhu iyeyo ndiyemukoma wangu, kana hanzadzi yangu ndiye amiyangu."