Mariko

1 Apo Jeso paakauya asivha kuCapernaum kwapera mazuva mashoma , zvakanzvika kuti aripo pamusha. 2 Vadewanda vakawungana pakarepo zvekuti pakanga pasisinabo nzvimbo, kana pausuwo, uye akataurashoko kwavari. 3 Zvino varume vakawuya vairese murume aderemara; vanhu vana vakanga vademusenga. 4 Pavakatadzirira kusvika padhuze naye nokuda kwevanhu vazhinji, vakabisa denga raiva pamusoro pajeso, mushure mekuzarura kanzvimbo, vakabisa rainge rakasegesewa murume aderemara. 5 Jeso akati asiona kutenda kwavo, jeso akasiti kumurume aderemara,"mwanakoman, wakangamwihwa zvitadzo zvako." 6 Zvino vamwe vevanyori vakanga vagere pakarepo, vaifungisisa mumoyo yavo, 7 "Murume uyu anetaurireni asidai? anesora! Ndiyaniko anegona kuregerera zvitema asi mwari woga?" 8 Pakarepo Jeso akaziva mumeya wake zvavaifunga pachavo. Akati kwavari, "Sei musifunga zvakadaro mumoyo yenu. 9 Chiniko chakareruka kuyi kune akafa mutezo, zvako zvaregerehwa,' kana kuti,'simuka simudza bonde rako uye famba'? 10 Asi kuti muzive kuti mwanakomana wemunhu anesimba panyika kuregerera zvitema, 11 "akati kuchirema, "I ndineti kwauri, simuka, tora bonde rako, enda kumba kwako. 12 "Akasimuka pakarepo akatora bonde rake ndokuburika pamberi pevanhu vese, zvakuti vese vakashamidzika vakapa mbiri kuna mwari vakati, hatinhu tawona zvidedai." 13 Akaburika zvakare akange aripadhuze nedziva, gurususu ravanhu rakauya kwaari, akvadzidzisa. 14 Paaingopindawo nepo, akaona Levi mwanakomana waAlphaeus agere paneteresehwa akati, "Nditovere". Iiye akasumuka akmutovera. 15 Jeso waija ari mumba maLevi uye vateresi nevatadzi vakawanda pabodzi vaija naye nevadzidzi, vaiva vakawanda vakamutevera. 16 Apo vanyori, vaiva vaFarisi, pavakaona Jeso asija nevaiti vezvakaipa uye vateresi, vakati kuvadzidzi, anejireniko nevateresi nevatadzi 17 Jeso akati asizvinzva akti kwavari," Vanhu vadegwi pamiviri yavo havatsvagi murapi,' asi vanehwara ndevanemuda. handina kuuya kuzodanidza vatsvena asi vatadzi. 18 Zvino vadzidzi vaJoni navaFarisi vakanga vakazvinyima kuja. vamwe vanhu vakauya kwaari ndekuti, seiko vadzidzi vaJoni nevadzidzi ve vaFarisi vasizvinyima kuja, asi venyu vasingazvinyimi kuja. 19 Jeso akati kwavari, "zvino vanenge vauya kumuchato vangazvinyime zvekuja here chikomba chisiripo? kana vasinge vasine chikomba havangazvinyime zvekuja. 20 Asi mazuva asasvika chokomba pachisavhisiwa kwavari, nemazuva akareyo vasazvinyima kuja. 21 Hapanabho munhu anesonera chigamba chitsva pachifeko chakudhara. dzimwe nguva chigamba chineparuka kubva kwair,i itsva kubva chichitsaru paneparuka zvakanyanya. 22 Hakuna munhu anedira maburo matsvene muhomwe sharu. nekuti maburo aneparura homwe, zose maburo nehomwe zvinetaika. Saka maburo matsvene aineisiwa muhomwe tsva." 23 Musu we Sabata Jeso akati asipinda nemuminda, vadzidzi vake vakatanga kunhonga hura dzetsanga pavaipinda. 24 Vafarisi vakati kwaari, "nangara, vaneitireiko zvinhu viri kunze kwemutemo musi wesabata?" 25 Akati kwavari, "hamuna kuverenga here zvakaitiwa naDhavhiti wakanga ashaiwa uye aine nzara-iye nevamwe varume vaakanga anavo- 26 kuti akapinda sei munyumba yamwari, apo Abhiatari ari mupurisita mukuru, akaja zvingwa zvekutaridza, zvakangz zvisina kutendehwa kujiwa naani zvake kunze kwemapurisita chete, akazopawo vaakanga anavo" 27 Akati kwavari, sabata yakaitiwa munhu, munhu haana kuitihwa sabata. 28 Naizozo mwanakomana wemunhu ndiye Ishe,kana kuti weSabata."