Ndima 9

1 Andina kusunguka na? Andisi upostoli na?Andina kuvhona Jeso ishe wedu ? hamuli basa langu munashe? 2 Kana ndisili upostoli kuna vhamwe tshero zwakadlalo zwikhine ndili upostoli kamuli.Muli sumbejo netshikhwatiso tshovhupostoli gwangu muna she. 3 Kuzwidavhirira kangu kunayivho vhanonditonga ndikoyoku. 4 Hatitendegwi kudla nekunwa naa? 5 Hatitendegwi kuyenda noukaji unotenda savhamwe mapostoli , nevhakulu vha ishe na Khefasi? 6 Asi imi na Bhanabhasi hatitendegwi kushuma basa? 7 Ndiyani angashuma sousole atshizwilipira? Ndiyani anaglima munda yemazambiringa asingadli utshero wahone? Kana unolisa makwayi asinganwi ukaka wawo? 8 Izwi ndino zwilevha nokulevha kavhanhu naa? Iwo ulayo hawulevhi yezwi naa? 9 Nokuti paulayo wa Mozisi pakanwagwa kuti, "Usasunga ulomo webhaho inopula zwilimwa." Iye Mwali unendavha nebhohonaa? 10 Kana unolevha yezwo nekuda kedu koga naa? Shuwa , zwakanwaligwa isu nokuti unolima anetalisiro nounopula atshitalira kuti utshaphakhigwavho. 11 Kana isu tikomudzwalira zwinhu zwemwiya tshingavha tshinhu tshikugwane naa kana titshitsheka zwinhu zwenu zwenyama? 12 Kana vhamwe vhatshipiwa simba pazezulu pedu , isu hatipiwi gugwane naa? Asi hatina kuzwibatira nesimba. Asi tino tambujiwa pazwose kuti tilege kujivhisa vangeri ya khiristu. 13 Hamuzivhi kuti vhanoshumira pazwinhu zwitswene vhanolalama nokudla zwinhu mugereke? Futhi vhanobata basa paatari vhanopha khana atari naa? 14 Nayezwo vho ishe vhakalayijira kuti vhanopalija vangeri vhalalame ne vangeri. 15 Asi imi handina kuzwibatira netshimwe tshinhu izwo. Handinwali izwi kuti ndiyetegwe sayezwo imi. Nokuti zwirikhwine ndife pakuti umwe akonese itsho tshandino zwilumbija natsho. 16 Nokuti kana nditshipalija vangeri handina tshandinga zwilumbija natsho , nokuti ndofanira kuyeta hezwi. Ndine nhamo kana ndisingapaliji vangeri. 17 Nokuti kana nditshizwieta nditshida imindinoubayiro . Asi kana nditshizwieta ndisingadindakapiwa zwangu vhutaliri. 18 Zwino ubayoro wangu ndiweni? Ndiwo kuti kana nditshipalija ndivhigire vhanhu vangeri ya khiristu vhasingalipi 19 Nokuti tshero ndakasununguka kuna vhose ndakazwiyeta ulanda wavhose kuti ndiwanr vhanji tshayiko. 20 Kuvha Juda ndakavha sou Juda kuti ndiwone vha Juda . Kuna vhali pasi poutemo, ndakavha sounhu alipasi poutemo tshero ndisanhu ndavha pasi poutemo wangu kuti ndiwane vhali pasi poutemo. 21 Kuna vhasina utemo ndakavha sounhu usina utemo tshero ndisanhu ndavha unhu asina utemo wa Mwali asi pasi poutemo wa khiristu . Ndayeta sayezwo kuti ndiwane vhasina utemo. 22 Kune vhasina simba ndakavha usina simba kuti ndiwane vhasina simba . Ndakavha zwose kuvhanhu vhose kuti ndilalamise vhamwe nemihxwalo yeso. 23 Zwinhu zwose ndinozwiyeta nokuda ke vangeri, kuti ndiphakhigwe makombolero pamwepeji navhamwe. 24 Hamuzivhi kuti vhanogidima, vhagidimi vhose vhanogigima,asi umepeji unopiwa ubayiro?Gidimani sayezwo muwane ubayiro. 25 Umwe noumwe unotamba unozwijoa panezwose.Zwino ivho vhano zwiyeta kuti vhawane korona inovhola, asi isu kuti tiwana isingavholi. 26 Zwino imi ndozwondogidimisamiyezwo, sezwisina basa; ndinogwa, asi handigwi sounhu unogwa nemwiya. 27 Asi ndinogwajisa ubhiri wangu, nditshauyeta ulanda, kuti zwimwe imi ndakapalijira vhamwe, ndilege kuvha ndakalasiwa ndirimi.