Ndima 10
1
Nokuti handidi hama jangu kuti mulege kuzivha kuti vhana bahabha vhedu vhose vhanga vhali pasi pegole futi kuti vhose vhaka ambuka gungwa.
2
Vhose vhaka bhabhatijiwa muna na Mozisi mugole no mugungwa.
3
vhose vhakadla zwokudla zwimwe peji zwemwiya.
4
Vhose vhakanwa zwakunwa zwimwepeji zwomwiya . Nokuti vhakanwa paihwe lemwiya lakavhatevhera ihwe yero langaliri Mwali.
5
Asi Mwali hana kufajiwa navhanji vhavho nokuti vhaka palajiwa mubani.
6
zwino zwinhu hezwi yanga iri sumbijo katiri kuti isu tilege kutshivha zwakayipa sezwavhakatshivha.
7
Musa nyengetera mifananijo savhamwevhavho sezwazwakanyogwa zwitshihwi, Vhanhuvhakagala pasi pakudla nokunwa , vhakamuka kuti vhatambe."
8
Ngatilege kueta vhuhule, savhamwe vhavho vhakaeta, Pazuva limwe peji vhanhu makumi mavhiri amazana namazana matatu vhakafa nahwo.
9
Ngatilege kueja Mwali sevhamwe vhavho vhakauyeja vhakapalajiwa nenyoka.
10
Mulege kungunguna savhamwe vhenu vhaka ngunguna vhakapalajiwa noupaliji
11
Zwino hezwi zwinhu zwakaeteka kavhali sesumbijo katiri. Zwakanwagwa kuti tinyevhegwe isu takaswikigwa nokuguma kenyika.
12
Nayezwo legani umwe unofunga kuti unomira atanye alege kuwa.
13
Hakuna miyejo yakamubata iwi asi wavhanhu vhose asi Mwali waka tendeka .Hangamulegi mutsiyejiwa kupinda pamunokona asi pamiyejo iye utshamupa zira yokubuda muvhe nesimba lokukozerera.
14
Nayezwo , vhadikanwa vhangu tizani kumifananijo.
15
Ndinolevha kamuli savhanhu vhanohwisisa , fungani zwandinolevha.
16
Ukombe wokuvhonga watinovhonga hakusangana nelopa la Jeso nna ? Vhuroto hwatino pemula hakusangana nawumbiri wa Jeso nna?
17
Nokuti pane tshingwa tshimwe peji isu vhanji tiri umbiri umwepeji nokuti tirno kovhana tose tshingwa tshimwepeji.
18
Talirani vha Isirayeli panyama . Avho vhanodla zwipiriso havhapakani ne atari nna?
19
Ndoeta seni zwino ? Kuti ufananijo tshinhu nna? Itsho tshikafu tshobayigwa ufananijo tshinhu nna?
20
Asi ndinoti hezwo zwavhanonobayira vhanozwipa kumwiya yakayipa nema dimoni hakusi kuna Mwali. . Handidi kuti imwi muwirirane nema demoni.
21
Hamunganwi paukombe waMwali noukombe wama dimoni . Hamunga dliri padhafula la Mwali ne dhafula lama dimoni.
22
Asi tinoda kumusa godo la ishe nna? Tine simba sayiye nna?
23
"Ndakatendegwa zwinhu zwose ," asi zwinhu zwose hazwinditusi. Ndakatenddegwa zwinhu zwose , asi zwinhu zwose hazwi mulujiri vhanhu nyezulu.
24
Unhu ngalege kuzwitswakira zwakanaka asi unofanira kuyetera zakanaka umwe.
25
Idlani zwose zwinotengwa panotengisiwa pasin kubuzwiwa ubuzo nokuda kehana.
26
Nokuti nyika ndiya ishe nokuzala kayo .
27
Kana umwe wavhasingatendi danira kundodla kana mukada kuyenda endani , zwose zwinoyesiwa panda kenu idlani musingabuzwi nokuda ke hana.
28
Asi kana umwe akati kamuli. "Itshi tshibayira." usatshidla nokuda kaiye wakamusumbija nokuda kehana.
29
Hana youmwe unhu handilevhi iyo asi youmwe . Nokuti kusununguka kangu kunotongegweni nehana youmwe?
30
Kana nditshidla nditshidobha ndingaho tukigweni nokuda ketshinhu tshandino tenda panyezulu patsho?
31
Neyezwo kana munodla kana kunwa kana kuyeta tshimwe tshinhu etani zwose kuda kaMwali kukujiwe.
32
Legani kutshamwisa kana ma Juda nokuvha Giriki noku gereke yaMwali.
33
Semi vho ndinofaja vhanhu vhose pazvhinhu zwose ndisingatswaki zwinonditusa imi asi zwinotusa vhakawanda kuti vhapijiwe.