Ndima 8
1
Zwino panhezulu pezwakabaigwa:Zwifananijo tinozivha kuti tose tinako kuzivha.Kuzivha kunovhuyisa kuzwikuja,asi ludo gunokwatisa.
2
Kana unhu atshiti ndinozivha tshinhu,hoyu unhu unodakuzivha asina tshaano zivha.
3
Asi kana munhu atshida Mwali, iye unozikamwa naiye.
4
Zwino, kana kuli kudla zwinhu zwakabaigwa zwifananijo:Tinozivha kuti tshifananijo hatshiti tshinhu panyika kana kuti hakuna Mwali asi iye umwepeji.
5
Nokuti nyange vhalipo vhanohwi vha mwali,kana kumakole kana panyika(sezwavhalipo "vhamwali"kana vhanji "namajishe"manji),
6
asi isu tinongovha na Mwali umwepeji, ndivho Bhabha,pazwinhu zwose zwino bva kavhali nesu tilipovhonokuda kavho, naizwovho Ishe Jeso Khiristu, zwinhu zwose zwilipo naye, nesu tiripo naye.
7
Asi, vhose havhana kuzivha iyapo.Nokuti,vhamwe vhakalovherera tshifananijo kuswikila iyezwino,vhanodla vhatshiti zwakabaigwa zwifananijo moyo wavho hauna simba unonyala.
8
Zwino zwokudla hazwingati swikisi kuna Mwali.Nokuti kana tisingadli,hatilipisiwi kana titshidla hatitshenesi.
9
Asi mutanyire kuti kusununguka kenu hakungavhuyisi mifungo kuna vhamwe vhanhu vhakanyala pakurabhira.
10
Nokuti kana umwe atshikuvhona iwe, unako kuzivha, ugere pakudla mugereke yezwifanijo ska moyo wahoyo asina simba atshavha nezwivhindi zwokuti adle hezwo zwakabaigwa zwifananijo na?
11
Nokuti nokuzivha kuko kuti,uyo asina simba, unopalajiwa iri hama yakafigwavho na
12
Khiristu.Zwino, kana mutshitshinyira hama sayezwo mutshigwajisa moyo yavho inesimba,munotshinyira Khiristu.
13
Saka kana zwokudla zwitshitshamwisa hama yangu, handingatombodi nyama zwatshose, kuti ndilege kutshamwisa hama yangu.