Ndima 13
1
Munhu weshe ngavaswe vehutongi vari padera pavo, nokuti akuna hutongi, usiri unobva kuna Ishe;
2
Ndivo, uyo unoramba kuzwa vehutongi unophambana na Mwari; nevayani vano pambana navo vachapuwa kutotonga kavo.
3
Nokuti vabati havatkisi unobata basa rakanaka, asi rakachata. Unoda kusatka simba here? Ita zvakanaka, ugorumbidzwa navo.
4
Nokuti ndiye mushumiri waMwari kwauri, kuti akuiitire zvakanaka. Asi kana uchiita zvakchata, itka, nokuti ena haabati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMwari, mutivi wokutsamwa kunounoita zvakachata.
5
Nazvo, munofanira kuzviisa pasi pavo, musikadaro nokuda kwokutsamwa bedzi, asi nokudawo kwehana.
6
Ndizvo sake munoripa vo mutero. Nokuti ndivo varanda vaMwari vanoramba vechingobatira chiro icho.
7
Ripirai veshe zvavanofanira kuripirwa: Mutero kunavanofanira kutererwa; muripo kunavanofanira kuripirwa; kutka kunavanofanira kutkiwa; kukudza kunavanofanira kukudzwa.
8
Musava nechikwerete nomunhu, asi chokuda umwe nomwmwe. Nokuti unoda umweni wake, wazadzisa murairo.
9
Nokuti izvo zvokuti: ''Usaita vupombwe'', ''usauraya'', ''usaba'', , ''usaemura'' , kana murairo upi noupi, zvakavunganidzwa pashoko rokuti: Ude umweniwako sezvaunozvida.
10
Rudo ariitiri kwako zvakachata; nazvo rudo rinozadzisa murairo.
11
Ngekuda kweizvi, imimi munoiziya nguva, kuti zvino yatova nguva yokumuka kwenyu pahope; nokuti zvino kuponeswa kwedu kwava pedo kupfuvura zuva ratakatanga kutenda naro.
12
Usiku wodarika, kuedza kwapaduze. Nazvo ngatirashe mabasa erima, ngatipfeke nhumbi dzokurwa dzechiedza.
13
Ngatifambe nenzira yakafanira sepamasikati; tisingafambi nokutamba kwakaipa, nokubatwa, kana noupombwe, noutere, kana negakava, negodo.
14
Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, musatsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo