1 Naizwozwo, akusisina kutongwa kune waya warimuna Kristu. 2 Nekuti mitemo yeMweya weupenyu muna Jesu kristu wakandisunugura mumitemo yechiwi ne rufu. 3 Nokudaro mitemo wakanga usinga goni kuita, nekuti wakanga wakaneta nekuda kwenyama, Mwari akazviita. Iye akatumira Mwanakomana wake akafanana newanhu wanezwiwi, kuti chiwe chipo chinoenda kuchitadzo, Iye akatonga chiwi panyama. 4 Iye akaita izvi kuti zwinodiwa pamitemo zwiitwe matire semafambiro, atifambe nepanyama, asi neMweya. 5 Waya wanogara waripanyama anoita zwinhu zwenyama, asi uya anorarama muMweya, anoita zwinhu zweMweya. 6 Nekuti kufunga gwenyama irufu, asi kufunga kweMweya upenyu nerugare; 7 nekuti kufunga kwenyama kuwenga uchamwari naMwari, akuzvisi pasi mitemo waMwari, uye ugone kuzviita. 8 Awo wari munyama avagone kufadza Mwari. 9 Pazwese, amusi panyama, asi muMweya, kana Mweya waMwari unorarama mamuri. Asi kana munhuasina Mweya waKristu, haasi wake. 10 Kana Kristu ari mamuri, mwiri wakafa pamusoro pechiwi, Asi Mweya mupenyu nekuda kwekururama. 11 Asi kana Mweya uya wakamutsa Jesu kuwafi unorarama matiri, Iye akamutsa Kristu kuwafi achapawo upenyu mumwiri wedu unofa nekuda kweMweya, anorarama matiri. 12 Naizwozwo, hama,tiriwakwereti kwete nyama, kuti tirarame nekuda kwenyama. 13 Nekuti, ukararama nekuda kwenyama, uchafa; Asi, kana neMweya unouraya mabasa yenyama, uchararama. 14 Nekuti awo wanotungamirirwa neMweya waMwari ndiwo wana waMwari. 15 Nekuti amuna kutambira Mweya wewuranda zvekare kuti mutye, Asi kutambira Mweya wekuitwa wana, watinoti: ''Abba, Baba!'' 16 Iwo Mweya unopupura nemweya wedu kuti tiri wana waMwari. 17 Kana tiri wana, tiri wagari wenhaka, nhaka yaMwari, tirimakwai a Kristu, kana takatambura naye tichawa naye mukubwinya kwake. 18 Nokuti ndinoti matambudziko enduwa ino haana kuendzaniswa nekurumbidzwa kuchazoratidzwa kwatiri. 19 Nokuti zvisigwa zwinotarisira zvikuru zwichimiririra kuratidzwa kwewanakomana waMwari. 20 Nekuti kusigwa kwakaiswa pasi pekudzugaira, kwete nekuda kwawo, Asi nekuda kweuya akataura, mutariro 21 Zvisigwa pachazvo zvichasunugurwa kubva pauranda wohori kuti zwisunugurwe pakugwinya kwe wana waMwari. 22 Nekuti tinoziwa kuti zwose zvisikwa zvinogomera zvinozwa marradzo echembereko nanasi. 23 Kwete iwo chete, Asi isu, tine Mweya wezvimbereko zvekutanga - Isuwo tinogomera nechemukati, tariro rekuchegetetdzwa se wana tino poneswa pamwiri wedu. 24 Nokuti patariro takaponeswa. Asi tinomirirei kuti zviitike, azvisati zwaoneka, tinomirira zwakawonekwa? 25 Saka kana tichimirira zwatisinga wone, netsitsi tinomirira. 26 Mweya unobatsirawo kuneta kwedu. nekuti atiziwe kuti tinonamata sei, asi mweya unotinamatira nekugomera kusingatsanagorike. 27 Iye anotarira moyo wedu, unoziwa pfugwa dzeMweya, Nekuti iye anonamatira watswene, nekuda kweMwari. 28 Zwinhu zvinoita zwakanaka kana uchida Mwari, kune awo wakadanwa nemaererano zvawanofunga. 29 Nekuti, awo waakaziya kare, ndiwo wakatermerwa kare, kuti wafanane nemufananidzo weMwanakomana wake kuti awe dangwe pakati pehama dzijinji. 30 Waya wakatemerwa, ndiwo wakadaidzwa, awo wakadaidzwa ndiwo wakashairwa mhosva. Waya wakashairwa mhosva ndiwo wakakudzawo. 31 Saka ndigataure chi pamosoro pezvinhu izvi? Kana Mwari ari wedu, ndiani achauya pamusoro pedu? 32 Iye asina kuramba Mwana wake, asi akamupa nekuda kwedu tese, ungaregedza seiko kutipawo zwinhu zwose? 33 Ndianiko achapomera wakatsanagurwa na Mwari? Mwari ndiani anomururamisa. 34 Ndewapi wachamutonga? Kristu ndiye akatifira, uye, uyezve akamuka. Iye arikurudye kwaMwari ndiye Mwari anotibatsira. 35 Ndianiko anotiparadzanisa murudo rwaKristu? Kutambudzwa, kutsamwa, kutewerwa, nzara, zvinochyisa kana kuti bakatwa? 36 Sezwakanyorwa: ''Nekuda Kwako, Tichafa mazuwa ose. takaita sekwai kune anouraya''. 37 Pazwino zwose izvi, tinokunda kudarika wakundi nekuda kweuya akatida. 38 Nekuti kunyagwe rufu, kunyagwe upenyu, kunyagwe girozi, kunyagwe wepamusoro, kunyagwe nhasi, kunyagwe zwemagwana, kunyagwe murombo, 39 kunyagwe kumosoro, kunyagwe pasi, akuna chino chinondiparadza nerudo raMwari zwiri muna Kristu Jesu Ishe wedu.