Chitsauko 5

1 Naizwozwo, ndinoruramiswa nekutenda, ndine rugare muna Mwari, kuburukitsa na Ishe wedu Jesu Kristu. 2 Nekuda kwaiye, nesu tinemubvumo, nekutenda, nyasha idzi dzakatisibisa. Tinofara netariro neramagwana Mwari yanotipa, tariro raMwari ndere kuti tiwe naye mukubwenya kwake. 3 Azwisi izvi chete, asi ngatifare mumatabudziko edu; tichizia kuti kutabudzwa kunogadzira kuchigirira; 4 kuchigirira kunogadzira kuendzwa; uye kuendzwa kunogadzira tariro ne ramagwana. 5 Kuwimbika akupesanise, nekuti rudo raMwari rwakaiswa moyo medu nekuda kweMweya mutswene, watakapuwa. 6 Nekuti, patanga tiri pokuneta, Kristo afafira muhedeni nguwa yakanaka. 7 Zwinonetsa munhu kuti afire akarama;izwi ndizvo; zwinoita kuti munhu afire kumunhu akanaka. 8 Asi Mwari anotiratidza rudo rwake kwatiri, nekuti Kristu wakatifira, patanga tiri watadzi. 9 Kajinji Asi ikoswino, tinoruramiswa neropa rake, tichaponeswa naye muasha dzaMwari. 10 Zino isu patanga tiri wawege, takayananiswa nekuda kwerufu reMwanakomana wake, tapedzwa kuyananiswa tichaponeswa newopenyu rwake. 11 Kwete izvi chete, asi isu tinofara kuna Mwari nekuda kwa Ishe wedu Jesu Kristu, kune uya akatiyananisa. 12 Nekuti, chiwi chakapinda munyika nekuda kwemunhu, naizwozwo rufu. kuti kufa kwaka parira kuwanhu wese, nekuti wese wakatadza. 13 Nokuti murairo usati wabiwa, chiwi chakanga chiri munyika, Asi chiwi achishande kana musina mutemo. 14 Nokudaro, rufu rakatonga kuna Adamo kuswira Mosise, kunyagwe wasina kutadza nemutowo wakafanana, nekusaterera kwaAdamo, nekuti chiratdzo kuna waya warikuya. 15 Asi, nokudaro, chipo chemahara achise kweposha. Nekuti, kana wese wakafa nechitadzo chimunhu umwe, zwikurusa Nyasha dzaMwari,Jesu Kristu, dzakawanda kuwajinji. 16 Nekuti chipo aisi zwibingambine kwe kutadza kwemunhu. Nokudaro, nerimwe rutiwi, Kutongwa kwakauya nepamusi pekuposha kwe munhu umwe; Asi kune rimwe rutiwi, chipo chimahara chakauya kuposha kwatowapo, kuti iruramiswe. 17 Nokudaro, rufu rakatonga pamusana pekuposha kwemumwe, Kajinji kacho kune uya anogamuchira nyasha dzakanaka nechipo nekururama zwakatonga muupenyu wemunhu umwe, Jesu Kristu. 18 Nokudaro, wanhu wese wakatonga nekuda kwekuposha , Nekuda kwekururama kwakauya anoruramisa upenyu wewanhu. 19 Nekuti, Nekusaterera kwemunhu umwe, wajinji wakandzi watadzi, zwakafanana, nekutera kweumwe, wajinji wachaitwa watswene. 20 Asi mutemo wakapinda kuti kuposha chakatisa. makapida chiwi ndimo makapida nyasha dzakawanda zwekare. 21 Izvi zwakaitika sechiwi chakatonga rufu, uye nyasha dzichatongawo zwekare, nepakati pekururama, kuupenyu usinga pere nekuda kwaJesu Kristu, Ishe wedu.