1 Zvino Girozi yechishanu yakaridza wamanda, ndikaona nyeredzi Kudenga ikadona panyika. Ikapiwa kiyi yegomba yakadzika dzika. 2 Ikabvura gomba yakadzikadzika, mukabuda wutsi uchibva mugomba, sewutsi wegewira guru, zuwa neDenga zvikasibiswa newutsi wegomba. 3 Muwutsi makabuda mangwiza achiuya panyika akapiwa simba sesimba rezvinyawada zvepanyika. 4 Dzikataurirwa kuti dzisatadzire wuswa wenyika, kana chimwe chinhu chinyoro, kana miti, asi wanhu chete,wasina chisimbiso chaMwari pahuma dzawo. 5 Uye adzina kutenderwa kuwuraya wanhu iwawo,asi kuti arwadziswe mwedzi mishanu. Kurwadzisa kwacho kwakanga kwakaita sekunge wabaiwa nechinyawada kana chakwadza munhu. 6 Nemazuwa iwawo, wanhu wachaswaka rufu asi hangauwani wachaurira rufu asi rufu richawatidza iwo. 7 Pakuwonekwa kwawo mangwiza akange akagadzirira samabiza ewhodo. Pamusoro yadzo panga paine zvinhu zvakaita sekorona dzakafanana nedarama zviso zvawo zvanga zvakaita sezviso zvewanhu. 8 Iwo wanga waine mvudzi rakaita semvudzi rewakadzi, uye mazino awo wakange wakaita semazino heshumba . 9 Dzakanga dzine chidzindikiro sechifuwa chkaita sezamatare, nekutinhira kwemapapiro awo kwakaita sekutinhira kwengoro dzemabiza warikwenda kuwondo. 10 Dzakanga dzine muskwe wakaita sewezvinyawanda. Uye muskwe dzawo dzanga dzinesimba rekukwadza wanhu mwedzi mishanhu. 11 Dzakanga dzine Mambo wadzo iyo ngirozi yegomba rakadzikadzika, zita rake nechiHeberu rinodzi Abadoni, nechigiriki zita rake rinodzi Aporioni. 12 Nhamo yekutanga yapfura; tarisa nhamo mbiri dzinotewera shure kwaidzodzo. 13 Zvino Ngirozi yechitanhatu yakaridza hwamanda, ndikadzwa rimwe izwi richibva pamakona inna dzearitari yendarama inowoneka pamberi paMwari. 14 Izwi rikati kuNgirozi yechinna yakanga yakabata hwamanda: Tsunura Ngirozi dzina dzakasungwa parwizi rikuru rinozi Yufratesi''. 15 Ngirozi dzinna dzakatsunurwa, dzakanga dzakagadzirirwa neguwa, nezuwa nemwedzi uye negore, kuti dziuraye chitatu cheanhu. 16 Kuwanda kwehondo dzewataswi wemabidza kwakanga kuri zvuru nezvuru nemazana maiiri. Ini ndikazwa kuyerengwa kwawo. 17 Saizvozvo wo ndakawona mabiza pakuratidzwa kangu, newakanga wakaataswa wanezviratidzo zvechifuwa zvakaita sezvemoto, nezvehiasinto nezvesurferi. nemisoro yemabiza yakanga yakaita semisoro yeshumba, nemiromo yayo yaibuda moto, chutsi uye nesurferi. 18 Chitatu cheanhu chakaurayiwa nematambudziko aya matatu: moto, nechutsi uye nesurferi akabuda mumiromo yawo, 19 nekuti simba remabiza rakanga riri mumiromo yawo uye nemumiswe yawo, nekuti miswe yawo yakaita senyoka; uye yakanga inemisoro yeayikwadza nayo anhu. 20 Wamwe wanhu, wasina kuwurayiwa nematambudziko hawana kutendewuka pamabasa emawoko awo, hawana kusiya kunamata mweya yakaipa uye nemifananidzo yendarama, nezvesirveri, nezvendarira, nezvebuwe uye nezvemiti, zvisinga kwanisi kuwona, kana kuzwa uye kana kufamba. 21 Uye hawana-kutendewuka pakuwuraya kwawo, kana pakuroya kwawo, kana pawupombwe wawo uye kana pakuba kwawo.