1 Saka ndakowona imwe ngirozi inesimba ichidzika kudenga. Iyo yakanga yakapfeka fuwa, uye yakanga ine murarawungu uri pamusoro wayo. Kusu kwayo kwakanga kwakaita sezuwa uye netsoka dzayo sembiro dzemoto. 2 Iyo yakanga yakabata buku ridoko rakanga rakavurika mumuwoko ayo, uye ikaisa rutsoka rayo rerudyi pamusora pegungwa uye rutsoka rayo reruboshwe pamusoro penyika, 3 Uye ikadaidzira neizwi rikuru seshumba inorira. Uye, iye paakadaidzira, kutinhira kunomwe kukataura. 4 zvino kutinhira kunomwe kwakati kwataura, ini ndakanga ndichida kunyora, asi ndakazwa izwi kudenga, richiti: ''Chengeta zvakawadzika, nekutinhira kunomwe usazvinyora 5 Ipapo Ngirozi yandakawona yakamira pamusoro pegungwa nepa,musoro penyika akasimudzira ruwoko rwake rwerudyi. 6 Akapika naiye urimupenyu nekusimngaperi ,peri uya wakasika Denga nezvese zvirimairi, nenyika nezvese zviri mairi, negungwa nezvese zvirimairi: '' akuchawi nekunonoka, 7 Asi nemazuwa eidzwi yeNgirozi yechinomwe, kana oda kuridza wamanda , Zvino zvakawanzika zvaMwari zvichadzadziswa, sezvakaparidzirwa waranda wake, iwo waPorofita''. 8 Ipapo inzwi riya randakadzwa richibva Kudenga rakataurazve neni, richiti: ''Enda, utore buku rakazaruka iri muruwoko yeNgirozi, umire pamusoro pegungwa nepamusoro penyika''. 9 Ndikaenda kune Ngirozi, ndikati, ndipei buku duku. Iyo ikanditi: ''Tora iyha; ichawawisa mudumbu rako, asi mumuromo mako muchatapira sewuchi''. 10 Ndakatora buku doko mumaoko eNgirozi ndikayha. Ikatapira mumuromo mangu sewuchi, asi, ndakati ndapedza kuyha mudumbu mangu, mukawawiswa. 11 Zvino wakanditi: '' Unofanira kuporofitazve pamusoro pewanhu, wakawanda, nemarudzi nendimi, nemadzimambo''.