1 Zvino ndakapiwa rutsanga rwakaita semunondo rekupima. Wakanditi: ''Simuka upime Kereke yaMwari, nearitari, ne anonamata mairi. 2 Asi siya ruwanze rurikunze kwekereke, usaruyera, nekuti rwakapiwa waHedeni, iwo wakatsika guta Tswene mwezi inemakumi mana nemawiri. 3 Ini ndichapa zvapupu zvangu zviwiri kuti zviporofite, zvakpfeka masaki, mazuwa anechuru nemazana mawiri namakumi matanhatu'. 4 Iyi ndiyo miorivi miwiri nezvigadziko zvemwenje zviwiri zvakamira pamberi paIshe wenyika. 5 Kana munhu achiedza kuda kuwakwadza, moto uchabudas mumuromo mawo, uchibvarura wawengi wawo. Kana munhu upineupi unoenza kuda kukwadza uchauraiwa nemutowo uyu. 6 Zvapupu izvi zvine simba yekuvara Denga, kuti mvura isanaye namazuwa ekuporofita. uye zvine simba rekushandura mvura kuti iwe ropa, uye kuti ikwanze nyika nematabudziko ose nenguwa dzose dzawanoda. 7 Kana wapedza kupupura zvikara zvichakwira zvichibva mugomba rakadzikadzika zvikarwa nawo zvichiyakunda nekuwauraiya. 8 Zvino zvitunha zvawo zvicharasirwa munzira nzemunguta guru, rinonzi nezita rekufananidzira Sodoma, ne Igipita, pakarowerwa Ishe. 9 Wanobva kuwanhu, nemarudzi, nendimi, wakawona zvitunha zvawo mazuwa matatu nehafu, wasinga tenderi kuti iwingwe mumakuwa. 10 Newano gara panyika wakafara nekupembera, nekuda kwawo, wachitumira zvipo, nekuti waporofita wawiri wakatambudza awo wanogara panyika. 11 Zvino mazuwa matatu nehafu apfura, mweya wewupenyu wakabva kuna Mwari, ukapinda mukati mawo,wakamira netsoka dzawo kutyia kukuru kukawira, wese wakawawona. 12 Ipapo wakadzwa idzwi guru richibva Kudenga, akawati: ''Kwirai pano!'' Zvino iwo wakakwira Kudenga negore, wawengi wawo wakawawona. 13 Panguwa iyoyo kudengenyeka kwenyika kwakawapo, zvegumi cheguta, zvikaputsikira pasi, newanhu wanezv iuru zvinomwe, wakauraiwa nekudengenyeka; wakasara wakatya, wakarumbidza Mwari weKudenga. 14 Nhamo yechipiri yadarika. Tarisa! Nhamo yechitatu inokasika kuwuya. 15 Zvino ngirozi yechinomwe yakaridza wamanda, madzwi makuru akawapo Kudenga achiti: ''Wumambo wenyika wawa wumabo wedu naKristu naye. Iye achabata nekusingaperi''. 16 Ipapo wakuru wane makumi mawiri newana wanogara pachigaro chawo chewuMambo, pamberi paMwari, wachapfugama pasi nezviso zvawo, wakanamata Mwari, 17 wachiti: ''Tinokupai rumbidzo imi Ishe, Mwari, wemasimba wese, uya waiwapo, waripo, nekuti makatora simba renyu guru, mukabata wuMambo 18 Marudzi akatsamwa nekutsamwa kwenyu kwakaswika nenguwa yawakafa, kuti watongwe, uye kuti mupe waranda wenyu mubairo, iwo waPorofita, newatswene, newanotyia zita reyu, wadugu newakuru; uye kuti muparadze waya wanoparandza nyika''. 19 Zvino kereke yaMwari, iriKudenga, yakazarurwa; areka yesungano ikawonekwa mukereke yake; Ipapo kwakawapo, mheni, namanzwi, nekutinhira, nekuDengenyeka kwenyika, nechivura mabwe zvikuru.