1 Kudenga kwakawonekwa chiratidzo chikuru: mumwe mukadzi akanga akapfeka zuwa mwedzi uri pasi petsoka dzake dzake uye nekorona inenyeredzi dzinemakumi nedziyiri pamusoro wake. 2 Iye akanga aine nhumbu uye aidaidzira nemarwadzo pakupona kwake, achitambudzika pakubereka. 3 Uye chimwe chiratidzo chakawoneka kudenga: pakanga paine shato ikuru itsuku yakanga inemisoro minomwe uye nenyanga dzinegumi, uye nepamisoro yayo korona nomwe. 4 Muswe wayo wayikweyha chimwe chetatu chenyeredzi dzekudenga chechikandira panyika. Shato ikamira pamberi pemukadzi akanga aida kubereka, kuti, kana iye akabereka, iyo iparadze mwana wake. 5 6 Iye akabereka mwana, mukomana anozotonga marudzi ese netsimbo yesimbi. Mwana wake akatorwa kuna mwari nechigaro chake chewushe, uye mukadzi akatizira kurenje, kwaakagadzirirwa nzimbo naMwari kuti wamuchengete mazuwa anechuru chinemazana mairi nemakumi matanhatu 7 Zvino kwakawa nehondo kudenga. Mikaeri nengirozi dzake wakarwa neshato; uye shato nengirozi dzayo dzikarwa . 8 Asi shato hayina kukunda. Saka nenzimbo yayo hainakuzowanikwa kudenga kana nengirozi dzayo. 9 Shato ikuru , iyo nyoka yekare inozi diaborosi kana Satani, inonyegedza nyika yese, yakakandirwa panyika, pamwepo nengirozi dzayo 10 Saka ndazwa izwi rikuru kudenga: ''Zvino ruponeso raswika, nesimba, neumambo waMwari wedu newushe waKristu wake. Nekuti mupomeri wehama dzedu wadzingirwa, uya waiwapomera pamberi paMwari wedu masikati neusiku 11 Iwo wakamukunda neropa reGwaiana uye neshoko rekupupura kwawo, nekuti iwo awanakuda upenyu wawo kuswikira parufu. 12 Naizvozvo farai, kudenga, uye newese wanogarako. Asi munenhamo imi nyika uye negungwa, nekuti diaborosi adzika kwamuri. Iye akavarwa nekutsamwa kukuru, nekuti iye anoziya kuti anenguwa idoko 13 Shato yakati yawona kuti yakanga yakandirwa panyika, iyo yakatera mukadzi akanga abereka mwana wemukomana. 14 Asi mukadzi akapuwa mapapiro egondo rikuru, kuti abururuke kunzwimbo yake yaakanga agadzirirwa murenje , kwaaizochengetwa kweimwe nguwa, nguwa, uye nehafu yenguwa, kwaasingazowoneki nenyoka. 15 16 17 18 Nyoka yakabudisa mvura kunze kwemuromo wayo serwizi, kuti mukadzi ayereredzwe nerwizi. Asi nyika yakabatsira mukadzi, ikavura muromo wayo uye ikamedza rwezi rakabudiswa neshato mumuromo wayo. Saka shato yakatsamwira mukadzi uye yakayenda kunorwa newamwe wana wake, waya wanoterera mirairo yaMwari uye wanobata kupupura kwaJesu. Saka shato yakamira pamajecha egungwa.