1 Zvino ndakaona chikara chichibva mugungwa, chiine nyanga gumi nemisoro minomwe; nepamusoro penyanga dzake paiwa nekorona gumi, pamusoro umwe nemumwe paiwa nezita ekutuka Mwari. 2 Chikara chandakawona ichi chandakaona chakanga chakaita se sengwe; netsoka dzacho sedzebere, nemuromo wacho wakaita seshumba. Shato ikachipa simba raiyo, nechigaro chacho, chewushe nemasimba makuru ekutonga. 3 Mumwe wemisoro yechikara wakanga wakaita sewakakwadzwa kuswikira parufu, asi ronda rakapora. Nyika yose ikashamisika ikatewera chikara. 4 Wakanamata shato, nekuti yakapa chikara masimba. Wakanamata chikara, achiti. Ndianiko wakafanana nechikara?'' Uye ndianiko anorwa nacho?'' 5 Chikara chakapuwa murumo wekutaura mashoko ekuzvikudza ekushora. Chikapiwa simba kuti chizviite mwedzi inemakumi mana, nemiwiri. 6 Chikashamisa muromo wacho, kuti chitaure zvekushora Mwari: nekushora zita rake netabernakeri yake, naiwo wanokara Kudenga. 7 Chakatenderwa chikara kuti chirwe newatswene, nekuwakunda, chikapiw masimbawo pamusoro pemarudzi ose, nendimi dzose nendudzi dzose. 8 Wese wakagara panyika wakachinamata, iwo wasina kunyorerwa zita rawo mubuku, yeGwaiana rakabaiwa kubva pakusikwa kwenyika. 9 Unenzewe, ngaadzwe. 10 Kana munhu akatorwa,akatapxa; kana munhu achiuraya nemunhondo unofanira kuwuraya nemunondo, Ndipo pane kuchingirira kwewatswene. 11 Saka ndakawona chimwe chikara chechibva panyika, chakanga chine nyanga dziyiri segwaiana, uye chaitaura seshato. 12 Chayifundira masimba ese echikara chekutanga pamberi pacho uye chayiita kuti nyika newagari wayo wanamate chikara chekutanga, chakanga chapora chironda chekuurayiwa kwacho. 13 Uye chayiita zviratidzo zvikuru, zvekuti chaidzikisa moto kubva kudenga nepanyika, pamberi peanhu. 14 Chinonyegedza wanogara panyika nezviratidzo zvechakapuwa kuti chiziite pamberi pechikara, chichiti kwawari waitire chikara mufananidzo chakanga chakwadzwa nemunondo, asi chikararama 15 Chikapuwa masimba ekupa mweya mufananidzo wechikara, kuti chifananidzo chitaure uye chiraire kuti wese wasinganamati mufananidzo wechikara wauraiwe. 16 Icho chikamanikidza wese, wadoko newakuru, wafumi uye newarombo, wakasununguka newaranda, kuti wapuwe chiratidzo mumuwoko wawo werudyi kana pahuma. 17 kuti munhu asatenge kana kutengesa, asi iye unechiratidzo, iro zita rechikara kana chiyerengo chezita racho. 18 Pano ndipo panekuchenjera. uya unoziya ngayerenge chiyerengo chechikara, nekuti chiyerengo chechikara ndechemunhu, uye chiyerengo chacho ndimazana matanhatu nemakumi matanhatu nematanhatu.