CHITSAUKO 14

1 Uye ndakatarisa uye ndikawona Gwaiana rakamira pamusoro pegomo reZioni. rinewamwe wanezvuru zvinemazana nemakumi manna newanna, wanezita Raro uye nezita raBaba Waro rakanyorwa pahuma dzawo . 2 Ndakazwa rimwe izwi richibva kudenga, seizwi remvura yakawanda uye seizwi rekutinhira kukuru. Uye izwi rendakazwa rakanga rakaita serewaridzi werudimba wachiridza rudimba rawo. 3 Iwo waimba nziyo itswa pamberi pechigaro chewushe, nepamberi pezvisikwa zvipenyu zvinna uye newakuru. Hapana munhu aikwanisa kufundira nziyo iyi, asi waya wanezvuru zvinezana nemakumi manna newanna wakatengwa panyika. 4 Awa ndiwo wasina kusimbiswa newakadzi, nekuti wakaramba warimhandara. Ndiwo wanotera Gwaiana kwese kwarinoyenda. Awa wakatengwa pakati peanhu kuti wawe zvibereko zvekutanga kunaMwari uye nekuGwaiana. 5 Mumuromo mawo hamuna kuwonekwa kunyepa; iwo hawana chawanopumirwa. 6 Ini ndakawona imwe ngirozi ichibururuka pakati pedenga, yakanga ineEvangeri isingaperi, kuti iparidzire kune wanogara panyika, kumarudzi ese, nendudzi dzese,ndimi uye neanhu. 7 Iye aidaidzira neizwi rikuru: ''Ityai Mwari uye mumurumbidze, nekuti nguwa yekutonga Kwake yaswika. Namatai iye wakaita denga, nenyika, negungwa uye nematsime emvura 8 Imwe ngirozi yechiiri yakatera, ichiti: ''Radonha, radonha Babironi guta rikuru, raimwisa marudzi ese waini yekutsamwa kweupombwe wayo''. 9 Imwe ngirozi yechitatu yakatera, yichitaura neizwi rikuru: ''Kana munhu akanamata chikara nemufanidzo wacho, uye nekugamuchira chiratidzo pahuma kana pamuwoko, 10 iye achamwa waini yekutsamwa kwaMwari, yakadururwa isinakuvenganidzwa mumukombe wehasha dzake. Uye achatambudzwa mumoto nesurferi pamberi pengirozi dzake dzitsene uye nepamberi peGwaiana. 11 Chutsi chekutambudzika kwawo chichakwira nekusingaperi-peri; uye hapana kuzorora, kana masikati kana usiku, waya wakanamata chikara nemufananidzo wacho, uye newese wakagamuchira chiratidzo chezita racho. 12 Ndipo panekushingirira kwewatsene, newaya wanochengeta murairo waMwari uye nekutenda kunaJesu''. 13 Ini ndakazwa izwi richibva kudenga richiti: ''Nyora: ' Wakaropafadzwa wanofira munaShe''. ''Eye'', ndizvo zvinotaura Mweya: ''kuti iwo wazorore pamabasa awo, nekuti mabasa awo anowatera''. 14 Ndakatarisa, ndakawona fuwa richena, nemumwe wakaita seMwanakomana wemunhu akagara pamusoro paro. Iye akanga ainekorona yendarama mumusoro wake uye nejeko rinopinza mumuwoko wake. 15 Saka imwe ngirozi yakabuda mutemberi ichidaidzira neizwi rikuru kunaiye wakanga akagara pamusoro pefuwa: ''Tora jeko rako uye utange kucheka, nekuti nguwa yaswika, nekuti kucheka kwenyika kwaibva''. 16 Saka iye akanga akagara pamusoro pemafuwa akakandira jeko rake panyika, uye nyika ikachekwa. 17 Imwe ngirozi yakabuda mutemberi iri kudenga, naiye unejeko rinopinza. 18 Uye imwe ngirozi ikabuda paartari inesimba pamusoro pemoto, uye ikadaidzira neizwi rikuru kunaiye akanga ainejeko rinopinza: ''Tora jeko rako rinopinza uye ucheke musumbu yemizambiringa yenyika, nekuti mazambiringa ayo aibva''. 19 20 Uye ngirozi yakakandira jeko rayo panyika uye ikacheka mazambiringa akawakandira muchisiniro chikuru chekutsamwa kwaMwari. Chisiniro chikatsikwa kunze kweguta uye ropa rikabuda muchisiniro rikaswika pamatomo emabiza, rikayenda mastadia anezvuru zvinamazana matanhatu.