1 2 Uye, Gwaiana perakavura chisimbiso chechinomwe, kwakawa nekunyarara kudenga, kunenge sehafu yenguwa. Saka ndakawona ngirozi nomwe dzakamira pamberi paMwari, uye dzakapuwa hwamanda nomwe. 3 Uye imwe ngirozi yakauya yakamira paartari. yakabata mudziyo wendarama wezvinonhuwira yakapuwa zvinonhuwira zvakawanda kuti yizvipe pamwepo neminamato yewatsene wese, pamusoro peartari yendarama pamberi pechigaro chewushe. 4 Uye chutsi chezvinonhuwira chikakwira pamberi paMwari chechibva mumuwoko engirodzi pamwepo nemniamato yewatsene. 5 Ngirozi yakatora mudziyo wezvinonhuwira yakaudzadza nemoto weartari yakaukandira panyika; uye kukawa nekutinhira, nekudaidzira, nemhene uye nekudengenyeka kwenyika. 6 Uye ngirozi dzinomwe dzakanga dzehwamanda dzinomwe dzakagadzirira kuti dzidziridze. 7 Ngirozi yekutanga yaridza hwamanda yayo, uye kukawa nechimvuramabwe uye nemoto wakasanganiswa neropa; chitatu chenyika chikapiswa, nechitatu chemiti chikapiswa, uye neuswa utema wese ukapiswa. 8 Zvino Girozi yechipiri yakaridza wamanda, chinhu chakaita segomo guru rinobaka moto ikakandwa mugungwa. 9 Ipapo chechitatu chechisikwa chikashanduka ropa, Chehcitatu chezvisikwa zvakanga zviri mugungwa zvikafa, izvo, zvakanga zvine upenyu, chehcitatu chikepe chikaparadzwa. 10 Ngirozi yechitatu yakaridza wamanda huru, zvino nyeredzi kuru yakabaka sezhenje iakadona Kudenga, ikadonera pamusoro pechitatu perwizi nepamatsime emvura. 11 Zita renyeredzi rainzi zvinowawa. Ipapo chechitatu chemvura chikawawiswa, wanhu wakawanda wakafa nemvura nekuti yakanga yawawiswa. 12 Zvino mutumwa wechina wakarida wamanda, chechitatu chezuwa chikakwadzwa, nechetatu comwedzi, nechetatu chenyeredzi, kuti chechitatu chacho chisimbiswe uye kuti chechitatu chamasikati chisavenekere, newusiku saizvozvo. 13 Ipapo ndakatarisa ndikadzwa gondo rimwe richibururuka pakati peDenga, richidaidzira neidzwi kuru richiti: ''Nhamo, nhamo, nhamo kune wanogara panyika nekuda kwemanzwi asara ewamanda wachirikuda kuridzwa neNgirozi dzitatu''.