Chitsauko 7

1 Shure kwaizvozvo, ndakawona ngirozi dzinna dzakamira kumatiwi manna enyika, dzakabata mhepo inna dzenyika kuti mhepo isavuvute panyika, kana pangugwa, kana pamiti yese. 2 Uye ndakawona imwe ngirozi ichikwira ichibva kumavazuwa, inechisimbiso chaMwari mupenyu. Yakadaidzira neizwi rikuru kune ngirozi dzinna dzakanga dzatambira simba kuti dzitadzire nyika uye negungwa, ichiti: 3 ''Musatadzire nyika, kana gungwa, kana miti kuswikira taisa chisimbiso pahuma dzewaranda waMwari wedu''. 4 Ini ndikazwa kuwanda kwewakaiswa chisimbiso, wakanga wari wanezvuru zvinezana nemakumi manna nezvinna, ekumarudzi ese ewana waIsraeri: 5 Kurudzi raJuda wanezvuru zvinegumi nezviiri wakaiswa chisimbiso; kurudzi raRubeni, wanezvuru zvinegumi nezviiri; kurudzi raGadi, wanezvuru zvinegumi nezviiri; 6 kurudzi raAseri, wanezvuru zvinegumi nezviiri; kurudzi raNeftarimi, wanezvuru zvinegumi nezviiri; kurudzi raManase, wanezvuru zvinegumi nezviiri; 7 kurudzi raSimeoni, wanezvuru zvinegumi nezviiri; kurudzi raRevi, wanezvuru zvinegumi nezviiri; kurudzi raIsakari, wanezvuru zvinegumi nezviiri; kurudzi 8 raZaburoni, wanezvuru zvineggumi nezviir; kurudzi raJosefa wanezvuru zvinegumi nezviiri; kurudzi raBenjamini wanezvuru zvinegumi nezviiri wakaiswa chisimbiso 9 Shure kwaizvozvo, ndakawona wanhu wakawanda kusina munhu ayikwanisa kuwayerenga wakabva kundudzi dzese, kumarudzi, neanhu uye nendimi, wakamira, pamberi pechigaro chewushe uye nepamberi peGwaiana, wakapfeka hembe chena, wakabata michindwe mumawoko awo, 10 uye waidaidzira neizwi rikuru, wachiti: ''Ruponeso ngariwe kunaMwari wedu, wakagara pachigaro chewushe, uye nekuGwaiana!'' 11 Ngirozi dzese dzakanga dzakamira, dzakapoteredza chigaro chewushe, newakuru uye nezvisikwa zvipenyu zvinna, uye wakadona pasi nekusu pamberi pechigaro chewushe, uye wakanamata Mwari 12 wachiti: ''Ameni! Kurumbidzwa, nekubwiya, nekuchenjera, nekuita kwe nyasha, nekukudzwa, newushe uye nesimba ngazviwe kunaMwari wedu, nekusingaperi-peri! Ameni''! 13 Uye mumwe wewakuru akandidaira, akati kwandiri: ''Awa, wakapfeka hembe chena, ndiyananiko uye wakabvepiko?'' 14 Uye ini ndikati kwaari: ''Ishe wangu, imi munoziya''. uye iye akati kwandiri: ''Awa ndiwo wanobva mukutambudzika kukuru uye watora hembe dzawo uye wakadzichenesa muropa reGwaiana''. 15 16 17 Ndosaka wari pamberi pechigaro chewushe chaMwari uye wanomushandira masikati neusiko mutenberi yake. uyo akagara pachigaro chewushe uchawadzitira netabernakeri yake, Hawachazozvi zve nzara, hawachozowi nenyota, hawachazopiswi nezuwa kana nekumwe kupisa. Nekuti Gwaiana pakati pechigaro chewushe richawamufudzi wawo, uye Richawatungamirira kumatsime emvura yeupenyu, uye Mwari achapukuta misodzi yese mumadziso awo.''