Chitsauko 6

1 Zvino ndakaona Gwayana richizarura zvimwe zvechisimbiso zvinomwe, ndikadzwa zvimwe zvechisikwa zvipenyu zvina zvichiti neidzwi remutinhiro: 2 ''Wuya!'' Ndikatarisa, ndikaona Biza Jena, naiye wakanga akaritasa, wakanga waine wuta, akapiwa korona, akabuda achikunda uye kuti akunde. 3 Zvino wakati achizarura chimwe chechisimbiso chechipiri, ndikadzwa chimwe chisikwa chechipiri chichiti: Uya!'' 4 Ipapo pakabuda rimwe biza tsuku, wakanga akaritasa akapiwa simba rekubvisa rugare panyika, kuti wanhu waurayane, walkapiwa munodo mukuru 5 Wakati azarura chisimbiso chechitatu, ndakadzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti: ''Uya!'' ndikaona, biza dema; wakanga wakaritasa wanga waine chiyereso muruwoko rwake. 6 Ndikadzwa idzwi pakati pezvisikwa zvipenyu, zvina richiti: Chiyero*chezviyo zvingatengwa nedenari, nezviyero* zvitatu zvebari nedenari; usatadzira mafuta newaini''. 7 Wakati azarura chisimbiso chechina, ndikadzwa idzwi rechisikwa chipenyu richiti: Uya!'' 8 Ndikatarisa ndikaona biza rakacheneruka, wakanga wakaritasa zita rake ranga rakadzi rufu, uye Hadesi rakamutewera. Iwo wakapiwa simba paqmusoro pechechina chenyika, kuti wauraye nemunondo, nenzara, nerufu, nezvimhuka zvenyika. 9 Wakati azarura chisimbiso chechishanu, ndikaona pasi peartaripaine mweya yewanhu wakauraiwa nekuda kweshoko raMwari, nekupupura kwawo kwawakapupura; 10 Wakadaidzira neidzwi guru rechiti: Tenzi, mutswene wezvokwadi, mungasia kutonga wanogara panyika, wachinetsa ropa redu, kuswikira riniko?'' 11 Ipapo mumwe nemumwe wawo wakapiwa hembe chena; wakataurirwa kuti wambozorore munguwa shomanani, kuswikira wamwe waranda pamwechete nawo nehama dzawo, dzaifanira kuwuraiwa saiwo, waringaniswa wose. 12 Zvino ndakaona pakuzarura kwake chisimbiso chechitanhatu, kwakanga kune kudengenyeka kwenyika kukuru. zuwa rikasimba segudza remvere, mwedzi wese ukaita seropa. 13 Nenyeredzi dzeDenga dzikadona pasi, semuwonde unozunza makanga awo, kana uchizununguswa nemututu mukuru. 14 Denga rikabva sebuku, kana ichipetwa; nemakomo ose nemakomo ose neziwi zose zakabviswapadzwimbo dzazo. 15 Zvino namadzimambo enyika, newakuru, newatungamiriri wehondo, newapfumi, newanesimba, newaranda wese, wakandowhanda mumapako, nemumapuwe emakomo. 16 Wakati kumakomo, nekumapuwe: ''Tidonerei mutiwandise pameso, aye unogara pachigaro chowushe, nepakutsamwa kweGwayana; 17 Nekuti zuwa guru rekutsamwa kwawo raswika; ndianiko unokwanisa kuramba akamira?''