1 Zvino ndakaona pamoko werunji weuya wanga wakagara pachigaro, kuwushe buku rakanyorwa nezvisimbiso zvinomwe. 2 Ipapo ndakaona Ngirozi inesimba ichidaidzira neidzwi guru ichiti: '' Ndianiko akafanira kuti abvure buku iyi nekusunungura zvisibiso izvi?'' 3 Asi pakanga pasina munhu panyika, neKudenga, waikwanisa kubvura buku iyi nekutarisa mairi. 4 Ipapo ndakachema zvikuru nekuti panga pasina waikwanisa kubvura buku iyi, kana kutarisa mairi. 5 Zvino wamwe wewakuru wakati kwandiri: ''usachema ako tarisa shumba yerudzi rwaJuda, mudzi waDavidi, wakakunda kuti ubvure buku iyi nezvisimbiso zvayo zvinomwe''. 6 Zvino ndakawona pakati pechigaro kuwushe zvisikwa zvipenyu zvina, nepakati pewakuru, Gwayana rakamira, rakaita serakabaiwa rine nyanga nomwe nemeso minomwe, iri mweya minomwe yaMwari yakatumwa panyika ino yese. 7 Iye akauya akatora buku muruwoko rwerudyi rwaiye wanga wakagara pachigaro chewushe. 8 Zvino akati atora buku zvisikwa zvipenyu, zvina, newakuru wanemakumi mawiri newana wakawira pasi pamberi pegwayana, mumwe nemumwe wanga waine rundibga, nediro nzendarama, nzanga dzakazara nezvinonuwirira, iri minyegetero yewatswene. 9 Iwo waihimba rwiyo rutswa richiti: ''Ndimi makafanira kuti mutore buku iyi, nekuzarura zvisimbiso zvayo, nekuti makabaiwa, mukategera Mewari neropa renyu, wanhu wanobva kumarudzi ose, nendimi dzose, newanhu wese, nendudzi dzose; 10 Imi Mukawaitira Mwari wedu, kuti wawe wushe, newaPirisita wabate wushe, panyika''. 11 Zvino ndakatarisa ndikadzwa idzwi dzeNgirozi dzakawanda dzakakomberenza chingaro chewuMambo, nezvisikwa zvipenyu, newakuru, kuwanda kwawo kwakanga kuri kwezvuru nezvuru nezvuru zvemazana. 12 Dzaitaura neinzwi guru dzichiti: ''Gwayana rakabaiwa rakafanira kuti riwigirwe wuMambo, nefuma, nekuchejnera, nesimba, nekukudzwa, nekubwinya, nekurumbidzwa''. 13 Ndakanzwa zvisikwa zvipenyu zvose zviriKudenga, nepanyika, nezviri pasi penyika, nepagungwa, nezvirimukati mazvo zvichiti: Wakuru Kurumbidzwa, nekukudzwa, nekungwinya, nesimba, ngazviwe kunaiye wakagara pamusoro, pechigaro sheWumambo nekuGwayana nekusingaperi''. 14 Ipapo zvisikwa zvipenyu zvina zvakati: ''Ameni! Wakuru wanemakumi mawiri newana wakapfugama wakanamata.