CHITSAUKO 4

1 Shure kwezvinhu izvi, ini ndakatarisa uye ndikawona musuwo wakanga wakavurika Kudenga, neizwi rekutanga randakazwa rakaita sehwamanda richitaura neni, richiti: ''Kwira pano ndikupangidze zvinofanira kuitwa shure kwezvinhu izvi''. 2 Nekukasika, ini ndakawa muMweya uye ndakawona kuti kwakanga kune chigaro chewushe chakaiswa kudenga, nemumwe akagara pachigaro chewushe. 3 Akanga akagara akanga akafanana nebuwe rejaspisi neresardio. Kwakanga kunemurarawungu wakapoteredza chigaro chewushe, wakafanana nebuwe resmaragdino. 4 Kwakanga kunezvigaro zvewushe zvinemakumi mairi nemanna, zvakanga zvakakomberedza chigaro, nepazvigaro pakanga pakagara wakuru wanemakumi mairi nemanna, Iwo wakapfeka hembe chena uye wakanga wanekorona dzendarama pamisoro yawo. 5 Pachigaro chewushe paibuda mheni, nemanzwi nekutinhira. Nemwenje minomwe yakanga ichipfuta pamberi pechigaro chewushe, iri Mweya minomwe yaMwari 6 Uye, pamberi pechigaro chewushe, pakanga panegungwa rakawonekera rakafanana nekristaro, Nepakati pechigaro chewushe nepamatiwi ese echigaro chewushe, pakanga panezvisikwa zvinna zvipenyu, zvakazara nemadziso pamberi nekumasure kwazvo. 7 Chisikwa chipenyu chekutanga chakanga chakafanana neshumba; chisikwa chipenyu chechiiri, chakanga chakafanana nemhuru; chisikwa chipenyu chechitatu chakanga chenechiso chakaita sechemunhu; uye chisikwa chipenyu chechinna chakanga chakafanana negondo rinobururuka. 8 Zvisikwa zvipenyu izvi zvinna zvakanga zvinemapapiro matanhatu uye zvakanga zvakazara nemadziso pasi nepamusoro.Hazvizorori, masikati neusiku zvichiti: ''Mutsene,Mutsene,Mutsene iye Ishe Mwari Wamasimba ose, akanga aripo, uripo, neuchazowuya''. 9 Zvino kana zvisikwa zvipenyu zvopa kubwinya kuna iye akanga akagara pachigaro chewushe, kukudzwa nekuwongwa , kuna iye anorarama nekusingaperi-peri, 10 Wakuru wanamakumi mairi manna wakapfugama pamberi paiye wakagara pachigaro chewushe. Iwo wachimunamata iye anorarama nekusingaperi-peri uye waikandira korona dzawo pamberi pechigaro chewushe, wachiti: 11 ''Imi Ishe wedu uye naMwari wedu ,makafanira kuti mugamuchire kubwinya nekukudzwa uye nesimba. nekuti makasika zvinhu zvese , zvakawapo , zvikasikwa nekuda kwenyu