Chitsauko 3

1 Nyorera ngirozi yekereke iri paSardisi: Uti hazi naiye anemweya minomwe yaMwari, nenyeredzi nomwe: Ini ndinoziya mabasa ako; kuti unozi mupenyu, asi wakafa. 2 Rindira, usimbise izo zvakasara zvakuda kufa; nekuti ini handina kuwona mabasa ako kuti akakwana pamberi paMwari 3 Saka funga izvo zvaunogamuchira uye zvaunozwa, uye uzvichegete, uye utendewuke. Naizvozvo, kana iwe ukasarindira, ini ndichauya kwauri sembava, uye iwe haungaziyi nguwa yandichauya kwauri. 4 Asi mune mamwe mazita muSardisi asina kuswipisa hembe dzako. Iwo wakafamba neni wakapfeka hembe dzichena, nekuti wakafanira. 5 Uya anokunda uchapfekedzwa hembe dzichena uye handingatongodzimi zita rako mubuku reupenyu. Ini ndichapupura zita rake pamberi paBaba wangu uye nepamberi pengirozi dzake. 6 Anenzewe ngaazwe zvinotaura Mweya kukereke 7 Nyorera ngirozi yekereke iri paFiraderfia uti : Aya mashoko aiye Mutsene uye wechokwadi. Iye anekiyi yaDavidi, iye unoti kana avura hakuna anovara, uye kana avara hakuna anovura. 8 Ini ndinoziya mabasa ako. Tarisa Ini ndakaisa pamberi pako musuwo wakavurwa hakuna ungakwanisa kuwuvara. Ndinoziya kuti unesimba rishoma. Asi nekudaro, wakachengeta shoko rangu uye hauna kuramba zita rangu. 9 Tarira ndinokupa wamwe weSinagoge raSatani, waya wanoti tiri waJuda iwo wasiri, asi wanotaura manyepo, ndichaita kuti wauye kuti wanamate pamberi petsoka dzako, wachaziya kuti ndakakunda. 10 Zvawakachengeta shoko rekutsugirira kwangu, ndikakuchengetawo panguwa yekuedzwa, yakuda kuuya panyika yese, kuti wayedze waya wanorarama panyika. 11 Ndinokasika kuwuya; batisisa chauinacho kuti usatorerwe korona yako. 12 Uya anokunda, Ini ndichamuita musana mutemberi yaMwari wangu uye iye hanzobobudimo zve. Ndichanyora pamusoro pake zita raMwari wangu, zita reguta raMwari wangu Jerusarema ritswa, richadzika kudenga, kunaMwari wangu uye nezita rangu ritswa. 13 Anenzewe ngaazwe zvinotaura mweya kukereke'''. 14 '' Nyorera ngirozi yekereke iri paRaodikia:'Hazi naAmeni, chapupu chakatendeka uye chechokwadi, wekutanga pakusika kwaMwari. 15 Ndinoziya mabasa ako: kuti hautonhori kana kupisa; dai uchitonhora kana kupisa! 16 Zvino zvaunodziya, usingatonhori kana kupisa, Ini ndichakuswiswina mumuromo mangu. 17 Nekuti unoti: 'Ndiri mufumi, ndakafumiswa handichaiwi chinhu'. Uye usingaziyi kuti ndiwe uneurombo, nenhamo, uri murombo nebofu uye usina chekufuka. 18 Ndinokupa zano kuti utenge kwandiri ndarama yakarodzerwa mumoto kuti uwe mufumi, nehembe chena kuti uzvifukidze kunyara kwekusafuka kwako kuti kusawonekwe, nechizoro chemadziso kuti uzore madziso ako, uwone. 19 Wese wandinoda. ndinowaranga nekuwachaya. naizvozvo shingirira utendeuke. 20 Tarisa ndakamira pamusuwo ndichigogodza. Kana munhu akazwa izwi rangu uye akavura musuwo, Ini ndichapinda mumba make, ndicharayira naye uye naiye neni. 21 Uya anokunda ndichamupa kodzero yekugara neni pachigaro changu chewushe, seni wo ndakakunda ndikagara pamwechete naBaba wangu, paChigaro chawo chewushe. 22 Anenzewe ngaazwe zvinotaura Mweya kukereke'''.