Chitsauko 2

1 Zvanzi naiyo Ngirozi yekereke yaEfesi: Izvizvinotaura uya wakabata nyerenzi nomwe muruwoko rwake rerudyi, unofamba pakati pechigadziko chemwenje yendarama: 2 Ini ndinoziwa mabasa ako, nekutambudzika kwako, nekusungirira kwako, uye kuti haudi kuwonana newanhu wakaipa; wakawaedza iwo wanoti isu tiri waPostora iwo wasiri; wakaziwa kuti iwo warewi wenhema; 3 Uye wakachingirira matambudziko ese, ukawa nemoyo munyoro nekuda kwezita rangu, aunakuneta. 4 Asi andifari nechinhu ichi kwauri, kuti wakasiya rudo rwako rwekutanga. 5 Zvino rangarira pawakadonha, tendeuka, uite mabasa ekutanga; kana usingaiti izvozvo ndikauya kwauri ndichabvisa chigadziko chako padzwimbo yako, kana ukasatendeuka. 6 Asi chinhu ichi unacho: kuti unowenga mabasa ewanikoraite. 7 Anenzewe ngaanzwe zvinotaura mweya kukereke: Anokunda ndichamupa zvekuhya zvemuti weupenyu, uripakati peParadiso yaMwari. 8 Nyorera ngirozi yekereke iri paSmirna: Hazi newekutanga uye newekuguma, akafa,uye anorarama: 9 Ini ndinoziya mabasa ako, kutambudzika , neurombo asi iwe uri mufumi uye nekutuka kweawo wanoti tiri waJuda, wasiriwo, asi wari wesinagoge raSatani. 10 Usatye izo zvauchatambudzika nazvo; nekuti diaborosi arikuda kuisa wamwe wenyu mutorongo, kuti muyedzwe; uye muchatambudzika mazuwa anegumi. Uwe wakatendeka kuswikira parufu, ini ndichakupa korona yeupenyu. 11 Anenzewe ngaazwe zvinotaura Mweya kukereke: anokunda, haangakwadzwi nerufu rechiiri. 12 Nyorera ngirozi yekereke iri paPergamo: Hazi naiye anemunondo unopinza unocheka kwese: 13 Ini ndinoziya mabasa ako, uye nepaunogara, kuti ndipo panechigaro chaSatani; uye iwe wakabatisisa zita rangu, uye aunakuramba kutenda kwangu, kunyangwe nepamazuwa aAntipasi, akanga ari chapupu changu chakatendeka, akaurayiwa pakati penyu, apo panogara Satani 14 Asi ini handifari nezvimwe zvinhu zvishoma kwauri: nekuti iwe unewamwe wanobatisisa dzidziso yaBarami, waifundisa Baraki kuisa chigumbuso pamberi peana weIsraeri, kuti wayhe zvakabayirwa zvifananidzo, nekuita upombwe. 15 Nekudaro unewamwe wo wanobatisisa dzidziso yawaNikoraiti, wandakawenga 16 Naizvozvo tendeuka; kana ykasaita saizvozvo ndichakurumidza kuuya kwauri, kuti ndirwe nawo nemunondo wemuromo wangu. 17 Anenzewe, zvinotaura Mweya kuKereke: Achakunda ndichamupa mana yakawanzika, uye ndichamupa kadombo chena, uye padombo chena nezita rakanyorwapo risingaziwikanwi, asi kuna iye unoipiwa. 18 Nyorera ngirozi yekereke iripaTiatira: Dozvinotaura Mwanakomana waMwari, Anemeso ake akafanana nemirazo yemoto, netsoka dzake dzakaita sesafuri inopenya: 19 Ini ndinoziwa mabasa ako, nerudo, nekutenda, nekushumira, nekusungirira kwako, uye kuti mabasa ako ekupedzisira anodarika ekutanga. 20 Asi andifari nechinhu ichi kwauri kuti unotendera uya mukadzi Jezeberi unonzwi muPorofitakadzi, unodzidzisa, nekutsausa waranda wangu, kuti waite upombwe, nekuyha zvakabairwa zvifananidzo. 21 Zvino Ini Ndakamupa nguwa kuti iye atendeuke pazviwi zvake zvewupombwe; Asi iye haana kutendeuka. 22 Tarira Ini ndirikuda kumukandira panowo, newaya wanoita upombwe naye, panhamo ikuru, kana wasinga tendeuki pamabasa ake. 23 Uye wana wake ndichawa uraya nerufu; Zvino makereke ese achaziwa kuti Ini ndini uya ndinonzera itso nemoyo; ndikapa mumwe nemumwe wenyu maererano nemabasa eyu. 24 Asi kune imi masara paTiatira wese wasina dzidziso iyi, wasingaziwi zvaanoti zvakadzikadzika zvaSatani, ndinoti kwamuri, Handingakutakurisiyi mumwe mutoro; 25 Asi batisai zvamuinazvo, kuswikira ndauya. 26 Unokunda, achichegeta mabasa angu kuswikira pakupedzisira, Ini ndichamupa simba pamusoro pamarudzi ose; 27 Ukafudza netswimbo yedare, sehari nzemuwumbi, dzinopwanyiwa; senzandapiwawo naBaba wangu; 28 Uye ndichamupa nyeredzi dzemangwanani. 29 Anenzewe, ngaazwe zvinotaura Mweya kuKereke.