CHITSAUKO 18

1 Shure kwaizvozvo ndakaona Girozi ichibva Kudenga, ainesimba guru; nyika ikavenekerwa nekugwinya kwake. 2 Akadaidzira neidzwi guru, achiti: RAWA, RAWA Babhironi, guru, yawa nzwimbo inogara mweya yakaipa, nenhare yemweya yose yetswina, nhare yeshiri dzose yetswina dzinowengwa. 3 Nekuti marudzi ose akamwa waini yekutsamwa kwewupobwe waro, nemadzimambo enyika akaita wupobwe naro, newatengesi wenyika wakapfuma nekuwanda kwepfuma yaro. 4 Zvino ndadzwa imwe idzwi Kudenga richiti;'' Budai mairi, wanhu wangu, kuti murewnge kuwadzana naro pazviwi zvaro, kuti musapiwe matabudziko. 5 Nekuti zviwi zvaro zvazvika Kudenga, Mwari warangarira zvisina kururama zvaro. 6 Muritsiwei parakutsiwai napo, muchiritira kairi parakabatanapo; mumudziyo waro maradirairo, dirai kawiri. 7 Parakazvikudza nekuzvifadza napo, murirwadzise, nekurichemedza, nekuti rinoti mumuyo maro: Ndinogara pachigaro chewushe, ndiri wahosi, handizi chirikadzi, handingatombowoni kuchema. 8 Saka matabudziko aro achaswika nezuwa rimwe, rufu, nekuchema, nenzara, richapiswa kwazvo nemoto, nekuti Ishe Mwari unoritonga, unesimba. 9 Madzimambo enyika, akaita wupobwe nekuzvifadza naro, acharira nekuchemapamusoro paro, kana achiwona utsi wekupiswa kwaro. 10 Iwo wachamira kure nekutyia kurwadza kwaro, wachiti: Nhamo, nhamo, newe guta guru, iwe bhabhironi, guta rakasimba! nekuti kutongwa kwako kwaswika nekuwa imwe. 11 Watengesi wenyika wacharira nekuchema pamusoro paro, nekuti akuchina munhu unotenga nhumbi dzawo. 12 Nhumbi dzendara, nesirivheri, nedzemapuwe anokosha, nedzemaparera, nedzemucheka wakanaka, nedzemicheka mitswuku, nedzemicheka mishawa, nemarudzi ese emidziyo yenyanga dzenzou, nemarudzi ose emidziyo yamatanda anokosha, nedzesafuri, nedzedare, nedzemapuwe machena. 13 Nekinamoni, nemuamumoni, nezvinonhuwira, nemafuta ekuzora, nemafuta omuribanoni, newaini, nemafuta omuorivhi, newupfu wakatsetseka, nenhumbi dzamabiza, nedzegoro, nedzawatapwa, nedzemweya yewanhu. 14 Michero yaidikanwa nemoyo wako, yakabva kwauri, nezvinhu zvese, zvakanaka nrzvinopenya, zvsakabva kwauri, wanhu awangazviwonizve. 15 Watengesi wezvinhu izvi, wanga wapfumiswa naro, wachamira kure nekutya kurwadziwa kwaro, wachirira nekuchema kukuru. 16 Wachati: Nhamo, nhamo, guta guru ranga rakapfeka mucheka wakanaka, mutswuku, nemushawa, rakanga rakapfeka ndarama, nemapuwe anokosha, nemaparere! 17 Nekuti neguwa imwe pfuma guru yakadai yaparadzwa. Zvino wafambisi wese wezvikepe, newese wanofamba nezvikepe, papi nepapi, newabati newabati pagungwa, wakamira kure. 18 Wakadaidzira wachiwona wutsi wekutswa kwaro, wachiti: ''Guta rakafanana neguta iri guru nderipiko? 19 Ipapo wakakandira bhukuta pamisoro yawo, wakadaidzira wachirira nekuchema, wachiti: ''Nhamo, nhamo, guta guru, kwaipfumiswa nezvinokosha zvaro, wese waiwa nezvikepe zvawo pagungwa; nekuti rakaparadzwa nenguwa imwe''. 20 ''Farai pamusoro paro iwe Denga,nemi watswene, newapostora, newaporofita, nekuti Mwari wakaritongera kutonga kwenyu. 21 Zvino imweGirozi inesimba yakasimudza buwe rakaita seguyo guru, akarikandira mugungwa, achiti: saizvozvo guta guru, Bhabhironi, richaputsirwa pasi nesimba, rikasawonekwazve. 22 Nenzwi rawanoridza wundimbwa, nerawanoimba nerawanoridza hwamanda, arichatombodzwiki mauri, nemhiza yebasa ripi neripi arichatombowonekwi mauri, nenzwi reguyo harichatombonzwiki mauri. 23 Chiedza cherambi achichatomboveneki mauri, neinzwi rechikomba kana mwenga harichatongondzwiki mauri, nekuti watengesi wako waiwa wakuru wenyika; nekuti newuroyi wako marudzi ose akanyengerwa. 24 Mukati maro makawanikwa ropa rewaPorofita, nerewatswene, nerewese wakauraiwa panyika''.