Chitsauko 1

1 Zvino imwe yeGirozi dzinomwe, wakange waine ndiro nomwe, akauya akataura neni, achiti: Uya pano ndichakupangidzira kutongwa kwemhobwe guru, inogara pamusoro pemvura yakawanda. 2 Madzimambo enyika akaita wupobwe nayo, newanogara panyika wakabatwa newaini yewupobwe wayo''. 3 Ipapo wakandisa kurenje mumweya, ndikaona mukadzi akagara pamusoro pechikara chitsuku, chakazara nemazita ekushora Mwari, chine musoro nomwe, nenyanga gumi. 4 Mukadzi wanga wakapfeka hembe tsuku neshawa, neshawa, akashonga ndarama, nemapuwe anokosha, nemaparera, nemurwoko rwake manga muine mudziyo wendarama yakazara nezvinogubusa, netswina yewupobwe. 5 Pahuma pake panga pakanyorwa zita rakawadzika iri: BABHIRONI, GUTA GURU, MAI WEMHOMBWE NEZVINOBOHWA ZVENYIKA''. 6 Ipapo ndakaona kuti mukadzi wanga wakadakwa neropa rewatswne, uye neropa rezvapupu zvaJesu. Ndakati ndichimuwona, ndikashamiswa nekushamiswa zvikuru. 7 Asi Ngirozi yakanditi: Washamiswa neiko ndichakutaurira zvakawanzika zvemukadzi, nezvechikara chinomutakuru chine misoro minomwe nenyanga gumi. 8 Chikara chawawona chaiwapo, apasisinazve, Asi chirikuda kuya chichibva mugomba rakadzikadzika, kuti chiparadze wanogara panyika wasina kunyorwa mazita awo mubhuku rewupenyu, kubvira pakusikwa kwenyika, wachashamiswa kana wachiwona chikara, kuti chaiwapo asi achisisipozve, asi chirkuda kuya. 9 Ndipo pakufunga kuneruziyo. Misoro munomwe, ndiwo makomo manomwe, anogarwa nemukadzi. 10 Ndiwo madzimambo manomwe; mumwe agara akuswika; kana achiswika unofanira kugara nguwa ishomanani. 11 Chikara chaiwapo, achisisipo, ndicho cherusere, mumwe wewanomwe unoida koparadzwa. 12 Nyanga gumi dzawawona, ndiwo madzimambo anekumi, uchimirira kupiwa simba wushe asi uchapiwa simba samadzimambo pamwechete nechikara nguwa imwe. 13 Iwo wanepfungwa imwe, wanopa chikara simba rawo newushe wawo. 14 Awa wacharwa neGwayana richawakunda; nekuti iro ndiro Ishe wemadzishe, nemambo wemadzimambo; naiwo wanaro iwanhu wakadanwa watswene wakatendeka''. 15 Zvino Girozi yakati kwandiri: ''Mvura yawawona, inogarwa nemhobwe, ndiwo wanhu wakawanda nemarudzi, nendimi. 16 Nyaka gumi dzawawona nechikara ndiwo wachawenga mhobwe, wachaipadza nekuitorera hembe; wachayha nyama yawo, nekuipisa nemoto. 17 Nekuti Mwari wakaisa mumoyo yawo kuti waite kurangarira kwake, wawe nekurangarira kumwe, wape chikara wushe wawo, kuswikira mashoko aMwari aitika 18 Mukadzi wawawona ndiro guta guru, runobata wushe wamadzimambo wenyika''.