1 Uye ndakazwa izwi rikuru richibva mutemberi, richiti kungirozi nomwe: ''Endai mudurure panyika ndiro nomwe dzekutsamwa kwaMwari''. 2 Ngirozi yekutanga yakayenda uye ikadurura ndiro yayo panyika, uye chironda chakaipa uye chinorwadza chikauya pamusoro peanhu wakanga wane chiratidzo chechikara, waya wainamata mufananidzo wacho. 3 Ngirozi yechiiri yakadurura ndiro yayo mugungwa, ikashinja kuita ropa, seremunhu akafa, uye nezvipenyu zvese zvakanga zviri mugungwa zvikafa. 4 Ngirozi yechitatu yakadurura ndiro yayo mumarwizi uye nemumatsime emvura, uye akachinja kuita ropa. 5 Ndakazwa ngirozi yemumvura ichiti: ''Imi Makarurama, Muripo uye makanga muripo, Mutsene, nekuti makatonga zvinhu izvi. 6 Nekuti iwo wakadurura ropa rewatsene uye nerewaporofita, uye Imi mukawapa ropa kuti wanwe, sezvewakafanira iwo'', 7 Ini ndakazwa artari ichidaira: ''Eye, Ishe Mwari wemasimba ese, Kutonga kwenyu ndekwechokwadi uye kwakarurama''. 8 Ngirozi yechinna yakadurura ndiro yayo pamusoro pezuwa, uye yakapuwa simba kuti ipise anhu nemoto. 9 Iwo wakapiswa nekupiswa kukuru, uye wakamhura zita raMwari, rinesimba pamusoro pematambudziko aya, uye hawana kutendewuka kuti wamukudze. 10 Ngirozi yechishanu yakadurura ndiro yayo pamusoro pechigaro chechikara, uye nechidima chakafukidza wushe wacho, uye anhu waitsenga maririmi awo nekuda kwemarwadzo. 11 Iwo wakamhura Mwari wekudenga nekuda kwekurwadziwa kwawo, uye hawana kutendewuka pamabasa awo, 12 Ngirozi yechitanhatu yakadurura ndiro yayo murwizi rikuru, rinozi Yufratesi, uye nemvura yayo yakawoma kuti wagadzire gwanzi remadzimambo anobva kumabvazuwa . 13 Ndakawona mweya mitatu yetswina yakaita semadafi , yechibva mumuromo meshato uye nemumuromo mewaporofita enhema. 14 Nekuti ndiyo mweya yakaipa inoita zviratidzo. Iyo inoyenda kosangana nemadzimambo enyika yese, kuwakokera kukurwa pazuwa iro rikuru raMwari wemasimba ese. 15 Tarira ndinowuya sembava! Wakaropafadzwa uya anoramba achirinda, anochegeta hembe dzake, kuti asabude asinakupfeka uye wawone nyadzi dzake''. 16 Iwo wakaungana panzvimbo inozi Harmagedoni nechiHeberu. 17 Ngirozi yechinomwe yakadurura ndiro yayo mudenga. Uye ipapo rimwe izwi rikuru rikabuda mutemberi uye nepachigaro chewushe richiti: ''Zvapera!''. 18 Mheni ikawapo, nemaizwi , nekutnhira , uye nekudengenyeka kwenyika; kudengenyeka kwenyika kukuru kwakadai hakuna kumbowapo kubva pakusikwa kweanhu panyika, 19 Guta rikuru rikavurwa rikaita zvikamu zvitatu, uye maguta emarudzi akadonha. Babironi guta rikuru rikafungwa pamberi paMwari uye rikapuwa mukombe wewaini yekutsamwa kwehasha dzake 20 Zviwi zvese zvakatiza uye nemakomo haanakuwonekwa. 21 Chimvuramabwe chikuru, chinobva kudenga ,chikadonha pamusoro peanhu, uye icho chairema ibwe rimwe nerimwe kukaita setarenda, uye iwo wakamhura Mwari nekuda kwedambudziko rechimvuramabwe, nekuti ndabumdziko racho rakanga riri rikuru kwazvo