CHITSAUKO 19

1 Shure kwaizvozvo ndakandzwa inzwi guru serewakawanda Kudenga, richiti: Hareruya, ruponeso, nekugwinya, nekukudzwa nesimba kunaIshe Mwari wedu. 2 Nekuti kutonga kwake ndekwe chokwadi kwakarurama; nekuti wakatonga mhombwe huru yakawodza nyika newupobwe wayo, akatsiwa ropa rewaranda wake paruwoko rwayo. 3 Ipapo wakapamhidza, wachiti: Hareruya! wutsi waro wunokwira nekusingaperi peri''. 4 Zvino wakuru wanemakumi mawiri newana nezvisikwa zvipenyu, zvina, wakawira pasi wakanamata Mwari wakanga akagara pachigaro chowushe, wakati: Ameni, Hareruya! Rumbidzai Yawe''! 5 Ipapo ndakadzwa seinzwi rewakawanda wanda, seinzwi remvura yakawanda, seinzwi rekutinhira, kukuru, richiti: Hareruya! Nekuti Ishe Mwari wedu wamasimba ose, wobata wushe''. 6 Zvino ndakadzwa rimwe inzwi sewakawanda wanda, Kudenga richiti: Hareruya! nekuti Ishe Mwari wedu, wamasimba ose, wobata wushe. 7 Ngatifarei, tifarisise, timukunze, nekuti mutambo wekuwana weGwayana waswika, mukadzi waro wazvigadzira. 8 akapiwa simba kuti apfeke mucheka wakanaka, unopenya, usina tswina; nekuti mucheka wakanaka ndizvo zvakanaka zvewatswene. 9 Girozi yakati kwaandiri: ''Nyora, kuti: Wakaropafadzwa wakakorwa kuchirairo chekuwana cheGwayana. akati kwandiri: Mashoko awa ndechokwadi aMwari. 10 Ipapo dakadona pasi pamberi petsoka dzake, kuti ndimunamate. akati kwandiri: Sadaro, nekuti ndirimuranda pamwechete newenhema dzako dzinobata kupupura kwaJesu; namata Mwari nekuti kupupura kwaJesu ndiwo mweya wekuporofita, 11 Ipapo ndakaona Kudenga kwakazarurwa, ndikaona biza chena; naiye wakanga akagara pamusoro paro akadzi: Akatendeka newezvokwadi; unotonga nekurwa, zvakarurama. 12 Meso ake anga akaita semuranzo wemoto; pamusoro pake pakange paine korona dzakawanda; wakanga aine zita rakanyorwa, risina kuzikanwa nemunhu, asi naiye chete. 13 wakanga akapfeka hembe yakanyikwa muropa; zita rake rinozi Shoko raMwari. 14 Hondo dzekudenga dzakamutewera, dzakataswa mabiza machena, dzakafuka mucheka wakanaka muchena, usina tswina. 15 mumuromo makwe makabuda munhondo unopinza, kuti arowe murudzi nawo; uchafudza netswimbo yedare; unotsika chitswiniro chehasha dzekutsamwa kwaMwari wemasimba wese. 16 Pahembe yake nepachidzwa chake pakanga pakanyorwa rinoti: Mambo wemadzimambo, naIshe wemadzishe. 17 Zvino ndakawona Girozi yakamira pazuwa; yakadaidzira neinzwi guru, richiti: shiri dzese dzinobururuka pakati pedenga: Uyai, muwungane pachirairo chikuru chaMwari. 18 Uyai muyhe nyama yemadzimambo, nenyama yewakuru wezvuru zvemazana, nenyama yewanesimba, nenyama yemabiza, neyewatatswi wayo, nenyama yewanhu wese wakasunguka newakasgkwa, wadoko newakuru.'' 19 Ndakawona chikara uye nemadzimambo enyika nehondo dzawo. Iwo wakaungana kuti arwe naiye akanga akataswa biza nehondo dzake. 20 Chikara chabatwa pamwechete nemuporofita wenhema, wakaita zviratidzo pamberi pacho. zvaakanyegedza nazvo waya wakapuwa chiratidzo chechikara, uye newai namata mufananidzo wacho. Waya wairi wakakandirwaq wari wapenyu mugomba remoto unopfuta nesurferi. 21 Wakasara wakaurawuraya nemunondo waiye wakanga wakatasva bhizha, wakabuda mumuromo makeƧ shiri dzose dzikaguta nyama yewo.