Chitsauko 9

1 Jesu akapinda muchikepe, akayambuka akaswika kuguta rake. 2 zwino wakaunza umwe murume kwahari akafa mitedzo akarara pabonde. Jesu akati achiona, jesu akati kumurume akafa mitedzo: ''Mwana sunga moyo zwitadzo zwako zwaregererwa''. 3 Zwino wamwe wewanyori wakati mumonyo mawo, munhu oyu unomhura Mwari''. 4 Asi Jesu waiziwa Zwawaifunga akawati: '' nei muchifunga zwakaipa mumoyo yenyu? 5 Dechipi chakareruka kutaura kuti: ' zwitadzo zwako zwaregererwa' kana kutaura kuti: simuka ufambe'? 6 Asi, kuti muziye kuti Mwana komana weMunhu unesimba panyika rekuregerera zwitadzo...'' akataura kumunhu akafa mitenzo ---''Simuka, tora mbonde rako uye kumba kwako '''. 7 Ipapo murume akasimuka akaenda kumbakwake. 8 Wanhu wakawanda pawakazwiwona, wakachamisika zwikuru uye wakamurumbidza mwari, wakapa wanhu simba rakandai. 9 Jesu achibva ipapo, akaona umwe murume aidzi mateo, akagara panotereswa, akamuti: '' Nditewere''. Iye akasimuka akamutewera 10 Jesu akati agara muimwe imba, kuti adye, wateresi wakawanda newatadzi wakauya kozodya naye newadzidziwake. 11 Wafarisi pawakazwiwona izwo, akataurira wadzidziwake: '' nei mudzidzisi wenyu harikudya newateresi uye newatadzi?'' 12 Akati achiswa izwo, Jesu akati: ''Waya wane hutano awatswaki murapi, Asi waia wanorwara. 13 Endai mudzidze kuti zwinorewei kuti ndinoda nyacha kwete chibairo,' nekuti Ini andina kuya kozodaidza wakarurama asi watadzi, kuti watendeuke''. 14 Zwino wadzidzi waJohani wakauya kuna Jesu wakataura kuti:'' Nei isusu nawaFarisi tinozwinyima zwekudya guwa zhinji asi wadzidziwenyu awazwinyimi?'' 15 Jesu akawati : '' Zwinoita ere kuti chamwari zechikomba dzicheme chikomba chichirinawo? Asi ichaswika guwa yekuti chikomba chichabviswa kwari neguwa iyoyo wachazwinyima zwekudya: 16 Hakuna munhu unoisa chigamba chitswa pahembe yakasakara, nekuti chakasonwa chinobvarura hembe, mburi , rinowenzera. 17 Akuna wanodira waini inyowani muhombodo tsaru nekuti hombodo dzinoparuka waini ingadururirwa, newombodo dzinofawo. Asi wanodurura, waini itswa muwombodo itswa, zwiwiri zwese zwichachegeteka ''. 18 Jesu achitaura izwozwo, humwe mubati akauya pamberi pake, akamunamata akati: '' Mwana wangu abva kuchaika, asi uyai muhise mohoko wenyu pamusoro pake, uye iye achararama''. 19 Zwino Jesu akasimuka akamutewera Newadzidzi wake. 20 Zwino mumwe mukadzi, wairwadziwa kwekubuda ropa makore gumi nemawiri , wakauya kuna Jesu akabata mupendero we hembe Yake; 21 iye akati mumoyo make: '' Kana ndikabata hembe yake, ndichaporeswa. 22 ''Jesu akatendeuka, akamuwona akati: ''Mwana wangu, kutenda kwako kwakuponesa''. Mukadzi akaporeswa. 23 Jesu akati achipinda mumba memubati, akaona kuti waridzi wenyere newanhu wakawanda wachita noinzi guru; 24 Iye akati: '' Ibvai pano, nekuti musikana haana kufa, asi akarara''. Iwo akamuseka. 25 Asi wanhu wakawanda pawakabviswa, Iye akapinda mukati akamubata mohoko wake musikana akasimuka. 26 Mukurumbira uyo wakatswika kunyika iyoyo yose. 27 Jesu akati achibuda ipapo, warume wawiri mapofu wakatewera, achidaidzira achiti : '' Titswireiwo nyacha, Mwanakomana waDavidi!'' 28 Jesu akati apinda mumba, warume wari mapofu wakaenda kwahari. Jesu akawati. ''munontenda kuti ndinokwanisa kuita izwi ere?'' Iwo akadaira achiti: ''Hongu Iche.'' 29 jesu akawabata madziso hawo akati: ''Ngazwitike sekutenda kwamaita''. 30 Madziso awo akaswinudzwa. Jesu akawaraira kwahari: '' Gwarirai kuti zwirekere kuzigwana nemunhu.'' 31 Asi warume wawiri wakabuda wakataura nekuda kwake kunyika iyo yose 32 wakati achibuda warume wawiri, umwe murume mbewewe waiwa neDimoni akahudswa kuna Jesu. 33 Dimoni parakabviswa, murume mbewewe akatanga kutaura. wamhu wakawada wakatanga kuchamisika akataura kuti: '' izwi azwisati zwamboitika pakati pewa Iswaeri! '' 34 Asi waFarisi akati: '' anobvisa maDimoni nemukuru wemaDimoni''. 35 Jesu akafamba mumanguta wose nemumicha yese, achidzidzisa mumaSinagogi, achiparida IVageri yeuMambo uye achirapa zwirwere zwese nemarwadzo ese hewanhu. 36 Akati achiona wanhu wakawanda, akawamzwira tsitsi, nekuti wanga waneta wakapararira, samakwai asina mufudzi 37 Iye akataura kuwa dzidzi wake: '' Kucheka kukuru, asi wachandi wachoma . 38 Nekudaro kumbirai kunaMwari wekucheka, kuti watume wachandi pakucheka Kwake