1 Jesu akati achibuda mugomo, wanhu wazhinji wakamutewera. 2 Zwino pakauya munhu anemaperembudzi kwaari, akamunamata achiti: ''Iche, kanamuchida munondichenesa''. 3 Jesu akatambanudza maoko Ake akamumbata, akati: '' Ndinoda: Chicheneswa''. nekukasika iye akacheneswa maperebhudzi ake. 4 Jesu akati kwaari: '' tarisa usataurire munhu. tehera nzira yako, uzwiratidze kumupirisita uye uratidze chipo chakarairwa na Mosesi chiwe, chapupu kwahari''. 5 Jesu pahakapinda mukapenaume, umwe mukuru wezana akauya kwahari uye akakumbira zwikuru: 6 ''Achiti Iche, muranda wangu arara kumba akafa mitedzo anotambudzika zwikuru''. 7 Jesu akamuti: ''ndichauya uye ndichamuporesa''. 8 Mukuru wezana akandaira achiti: ''Iche ini andina kukonzera kuti mupinde mumba mangu, asi taurai choko muranda wangu anopora, 9 nekuti ini ndirimunhu anewarwi pasipangu. Ndinotaura kune mumwe kuti: 'Enda, iye anoenda, uye kunemumwe: 'Uya ', iye anouya, nekumuranda wangu: itaichi, iye anoita. 10 ''Jesu akati achizwa izwi, akachamisika zwikuru akati kune waimutewera: ''Zwirokwazwo ini ndinokutaurirai kwamuri kuti andisati ndambowona kutenda kwakadai kunyagwe nepakati peIsraeri. 11 Ini ndinokutaurirai kuti: Wakawanda wachauya wachibva kumabvazuwa, nekumandokero wachagara na Abhurahamu, naIsaka naJakobho, muwuMambo wekuNdenga. 12 Asi wana weuMambo wachabviswa kurima rekunze, 13 ipapo pachawa nekuchema nekugeda geda kwemazino''. Jesu akataura kumukuru wezana:'' Enda! sekutenda, kwawaita ngazwitike sekudaro kwauri''. Uye muranda akaporeswa panguwa iyona. 14 Jesu pahakapinda muimba ya petro, wakaona wamai wemukadzi wake akarara nekurwara. 15 Jesu akamubata moko wake, uye kurwara kukamusiya; zwino iye akamuka akatanga kumuchandira. 16 Kwawa kundoka, wanhu wakauya kuna Jesu wakawanda waiwa neMweya yakaipa, Iye akaidzinga mweya ne Choko, uye akarapa wese wairwara. 17 nekudaro, zwakadzadziswa zwakataurwa nemuporofita , Isaya: '' Achiti, iye akatora marwadzo hedu akatakura zwirwere zwedu''. 18 Jesu akati achiwona wanhu wakawanda wakamupoteredza, akawaraira kuti ayambhukire kuimwe mhiri yekuGarireya. 19 Zwino mumwe munyori akauya kwahari akati: ''Mudzidzisi, ini ndichakutewerai kwese kwamuchaenda''. 20 Jesu akamuti: ''Mungubwe dzine mwena, uye chiri dzekunDenga dzine matendere, asi Mwanakomana Wemunhu haana pekuzorodza musoro wake ''. 21 Mumwe wewadzidzi akamuti: '' Iche, nditenderei henyu ndimboenda kowinga baba wamgu''. 22 Asi Jesu akamuti: '' Nditewere, regera wakafa wawige wakafa wawo''. 23 Jesu akati achipinda muchikepe, wadzidzi wake wakamutewera. 24 Zwino pakauya dutu guru remhepo mugugwa, nekudaro igwa rakafukidza chikepe; asi Iye wakanga wakarara. 25 Wadzidzi wakauya kwahAri akamumutsa, achiti: '' Tiponesei Iche: Isu tirikuda kufa!'' 26 Jesu akawati: ''Murikutyireiko? Imi wekuntenda kuchoma?'' Iye akasimuka akaraira dutu negugwa, kudzika kukuru kukawapo. 27 Wanhu wakachamisika kwazwo wakati: ''Munhu werudzi uyu, wanotererwa nedutu negugwa?'' 28 Jesu akati aswika kuimwe mhiri, kunyika yewaGadara, wanhu wawiri wangawaine mweya yetswina wakasangana naye. wachibva kumakuwa uye wanga waine hacha zwikuru kuru, zwekuti hapana waikwanisa kupinda negwadzi inyonyo. 29 Zwino iwo wakatanga kudaizira wachiti: '' tinemhaka yeiko nemi, Mwanakomana waMwari? Mawuya pano kozoti rwadzisa guwa isati yagwana?'' 30 Kwainge kune boka guru renguruwe dzanga dzichidarika kure nawo, dzichitswaka zwekudya. 31 Madimoni waikumbira kuna Jesu achiti: '' kana mukatidzinga, titenderei kuti tipinde hedu muboka renguruwe:'' 32 Jesu akawati:'' Endai! madimoni akabuda akaenda kuboka renguruwe; Zwino boka rose rakamhanyira kumawere kugugwa nguruwe dzese dzikafira mubvura. 33 Ipapo waifudza nguruwe wakatiza, wakapinda muguta, wakataura zwese, zwakaitika nemadimoni. 34 Zwino guta rose rakauya kuzosangana naJesu. pawakamuwona, wakakumbira kuti abve munyika yawo.