Chitsauko 7

1 Musatonge kuti murege kutongwa. 2 Nekuti nekutonga kwamunotonga nako muchatongwawo nako, uye nechiero chamunoera nacho muchayerwa nacho. 3 Unotarisirei rubanzu ruri muziso rehama yako, asi hauwoni danda riri muziso rako? 4 Unotaura sei kuhama: 'yako uchiti siandibvise rubanzu muziso rako', izwo danda riri muziso rako? 5 Munyengeri! Tanga wabvisa danda muziso rako wozowona kwazwo kubvisa rubanzu muziso rehama yako 6 Musape imbwa, zwinhu zwitswene uye musakande maparera enyu kune nguruwe kuti dzirege kutsika netsoka dzawo nzikadzokerazwe pamusoro penyu, dzikakubvarurai. 7 Kumbirai muchapiwa; Tswakai, muchawana; Gogodzai, muchazarurirwa. 8 Nekuti aninani anokumbira, anopiwa; uye uya anotswaka, anowana; kune uya anogogodza achazarurirwa. 9 Munhu upi kwamuri kana mwana akumbira chigwa, homupa mbuwe? 10 kanakuti mwana akakumbira howe ungamupa nyoka? 11 Zvino kana, imi makaipa, muchizia kupa wana wenyu zwakanaka, Baba wenyu warikudenga, wanopfurisa seiko kupa zwinhu zwakanaka kune waya wanokubira kwaari? 12 Saka zwinhu zwese zwamunoda kuti wanhu wakuitirei, munofanira kuwaitirao saizwozwo; nekuti uyu diwo mutemo newaporofita. 13 Pindai nepadho rakamanikana, nekuti dho rakafara yakapamhamha inotora kuparadza, uye kune wanhu wazhinji wanopinda namo. 14 Asi dho rakamanikana inzira inoenda kuwupenyu, wanoiwona wachoma. 15 Gwarirai newaporofita wenhema, wanouya kwamuri waine hembe dzemakwai, asi mukati wari mapere anoparaza. 16 Muchawaziwa nezwimbereko zwawo. mazambiringa anombotanhwa pamitswa here, kana mawonde parukoto? 17 Saizwozwo, muti mumwe nemumwe wakana unombereka zwimbereko zwakanaka, asi muti wakaipa unombereka zwimbereko zwakaipa. 18 Akuna muti wakanaka hunombereka zwimbereko zwakaipa, uye akuna muti wakaipa unombereka zwimbereko zwakanaka. 19 Muti wese usingambereki zwimbereko zwakanaka unotemwa wokandirwa mumoto. 20 Saka muchawazia nekuda kwezwimbereko zwawo. 21 awasi wese wanoti: Iche, Iche,' wachapinda muWumambo wekuDenga, asi waya wanoita kuda kwaBaba wangu warikuDenga. 22 Wamhu wazhinji wachati kwadiri nezuwa iro: 'Iche, Iche, isu atina kuporofita muzita renyu ere? Muzita renyu atina kubvisa madimoni ere uye atina ere kuita minana mijinji? 23 Asi Ini ndichawataurira pachena: 'Ini andina kubvira dakuziahi! ibvai kwandiri, imi waiti wekusarurama!' 24 Naizwozwo wese uya unonzwa machoko angu akawaterera uchafananidzwa nemurume akachenjera akawaka imba yake paruware. 25 Mvura yakanaya, mvura zhinji yakauya, mitutu ikavhuvhuta ikachaya imba; Asi aina kundhona, nekuti yanga yakateiwa paruware 26 Asi wese uya anonzwa machoko angu uye asingawatereri, anofananinzwa nemurume benzi akawaka imbayake pajecha. 27 Mvura yakanaya, mvura zhinji ikauya, mitutu ikavhuvhuta ikadhonesa, imba; Uye kudhona kwayo kwakawa kukuru.'' 28 Jesu akati, apedza kutaura machoko iwawo, wanhu wazhinji wakachamisika nedzidziso Yake, 29 nekuti Iye aidzidzisa semunhu anesimba, asingaiti sewasadhusi.