1 Gwarirai kuti murambe kuita kururama kwenyu pamberi pewanhu kuti muwonekwe nawo, kana mukadaro amuwani mubairo kuna Baba wenyu warikundenga. 2 Zwino, kana uchipa warombo zwipo,usaridza wamanda pamberi pewamhu sezwinoita wanyegeri mumasinagogi nemugwadzi, nzemumucha kuti wakuzwe newanhu. Zwirokwazwo Ini ndinoti kwamuri: iwo watopiwa mubairo wawo. 3 Asi iwe kana uchipa zwipo usasia kuti ruwoko rwako rwerubosve ngarirege kuzia chirikuitwa nerurudyi, 4 kuti kupa kwenyu kuwe kwakahwanda; Ipapo Baba, wenyu wanowona pakahwanda,wachakupai mubairo. 5 Kana, muchinyegetera, musaite sewanyegeri, nekuti wanofarira kunyegetera wakamira mumasinagogi nepamharadzano, kuti wahonekwe newanhu. Zwirokwazwo Ini dinokutaurirai kuti iwo watotambira mubairo wawo. 6 Asi kana muchinyegetera, pindai mudzimba nzenyu dzemukati, mobvara musuwo, monyegetera kuna Baba, wari pakawanzika; nekudaro Baba, wenyu wanowona pakawanzika, wachakupai mubairo. 7 Kana muchinyegetera, musadzokerenze zwisinamaturo, sezwinoita wahedheni; Nekuti wanofunga kuti wanotswika nekuda kwemachoko akawanda. 8 Nekudaro musaite saiwo, nekuti Baba wenyu wanozia zwamunoda musati makumbira kwaari. 9 Zwino namatai kundai: Baba wedu murikundenga, Zita renyu ngarikudzwe. 10 Wumambho wenyu ngawuye.Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezwakunoitwa kundenga. 11 Tipei kudya kwezuwa ranasi. 12 mutikanganwire zwitadzo zwedu, sekuregerera kwatinoita wanotitadzira. 13 Uye musatisiye tichipinda mukuetswa asi mutinunure asimutinunure mune zwakaipa'. 14 Nekuti kana muchirengerera kudarika kwewanhu, Baba wenyu warikundenga wachakuregereraiwo. 15 Asi kana mukasaregerera kudarika kwewanhu, Baba wenyu hawakuregererei. 16 Kunze kwazwo, kana uchitsanya, usapangidzire kusuwa pachiso chako, sezwinoita wanyegeri, nekuti iwo manopisa chiso chawo kuti waonekwe newanhu kuti warikutsanya. 17 Zwirokwazwo dinoti kwamuri kuti iwo watotanpira mubairo wawo. Asi iwe kana uchitsanya, zora musoro wako nemapfuta wogesa chiso chako, 18 kuti usawonekwa newanhu kuti urikutsanya, asi kunaBaba wenyu chete, waripakawanzika. Uye Baba, wako wanowona pakawanzika, wanokupa mubairo. 19 Regai kuhunganidza fuma yenyu panyika, panezwi zwipfuyo nemgura zwinopedza, nepane mbabva dzinopadza dzichiba. 20 Dai, mauganidza fuma kudenga, kusina zwipfuyo nengura zwinopedza, kusina mbabva zinopaza dzichiba. 21 Nekuti panefuma yako, nemoyo wako uchawapo. 22 Mwenje wemwiri inziso. Asi, kana manziso hako akanaka, nemwiri wako wese uchazara nechiendza. 23 Asi, kana manziso ako akaipa wose, nemwiri wako wese uchazara nerima. Zwino, kana chiedza chirimauri riri rima, rima iroro ikuru sei! 24 Akuna munhu unobatira watenzi wawiri, nekuti uchawenga umwe, akada mumwe, uchanamatira mumwe akachora mumwe. Amuchadiri Mwari nefuma. 25 Saka dinoti kwamuri: Musachuchikane newupenyu wenyu, kuti dichadyei kana kuti dichamwei, kana pamusoro pemwiri wenyu, dichapfekei. Upenyu audariki zwekudya ere, uye mwiri audariki zwekupfeka ere? 26 Tarisai chiri dzekudenga: Adzisimi, kana kukowa, adziunganiziri mumatura, nezwese Baba wenyu wekudenga wanodzipa zwekudya. Imi amudzipfuri zwikuru ere? 27 28 29 Dianiko kwamuri ungatutsira, kubiti, rimwe paurefu wake nekuchuchikana muguwa yeupenyu? Uye ngei muchichuchikana nezwekupfeka? Fungai maruwa ebundo, kumera kwawo: Haabati haaruki. Asi dinoti kwamuri: Kunyagwe Soromoni pakugwinya kwake kwese haana kupfeka seumwe wawo. 30 Zwino kana Mwari achifukidza wuswa webundo, uripo nhasi uye uchakandirwa muchoto, magwana haakufukidzi, nekupfurisa imi wekutenda kuchoma ere? 31 Naizwozwo musafunge, muchiti: saka, 'Dichadyei?' Kanakuti, 'tichamwei?' kanakuti, 'tichafukei? 32 Nekuti wahedheni wanotswaka izwozwi zwese, uye nekuti Baba wenyu wekudenga wanozia kuti munozwida zwese izwo. 33 Asi tangai matswaka wuMambo waMwari nekururama kwake zwino zwinhu zwese zwichawenzerwa kwamuri. 34 Naizwozwo musachuchikane pamusoro peramagwana, nekuti magwana achazwifunganyira zwawo. Zuwa rimwe nerimwe rinokwanirwa nenhamo yayo.