Chitsauko 10

1 Jesu akaunganidza wadzidzi wake gumi newawiri, akawapa simba pamusoro pemweya yetswina kuti waibudise, uye kuti arape kurwara kwese Nemarwadzo ose. 2 Mazita hewapostora wegumi newawiri ndiwo aya: Wekutanga, Simoni, waidzi Petro, na Adrea, munun, una wakeJakobho, mwanakomana waZebedi, naJohani, hama yake; 3 Firipi na Batoromeo; Tomasi na Mateo, muteresi; Jakobho, mwanakomana waRafeo na Tadeo; 4 Simoni mukanani na Judas Iskarioti, uya wakamupandukira. 5 Jesu akatuma wanegumi newawiri; Iye akawaraira achiti: ''Musaenda munzira yewahedeni yawanorarama, uye musapinde muguta rewaSamaria. 6 Asi zwirinani kuti, muende kumakwai akarasika weimba yeIsraeri. 7 mufambe mutewere muparidze, muchiti: Wumambo wekunDenga wakuswika'. 8 Poresai wanorwara, mutsai wakafa, natsai wane maperembudzi, uye dzingai maDimoni. nenyacha makapiwa, nenyacha ipai. 9 Musatora mare kana siriva, kana ndarira muzwikwama zwenyu; 10 kana hombodo yerwendo, kana hembe mbiri, kana changu, kana tswimbo, nekuti hanobata muchandi wezwekudya zwake, 11 Kunyagwe guta ripi naripi nemumucha dzose pose pamunopinda, bvunzai kuti ndiani akafanira uripano, mugarepo kuzwikira mabudamo. 12 Kana muchipinda mumba imomo, muwachungamidze. 13 kana imba yakafanira, siyai rugare pairi; asi, kana isina kufanira, rugare rwenyu garudzokere kwamuri. 14 Kune waya wasingakugamuchiri kana kudswa machoko enyu, mukabuda paimba iyoyo kana paguta, muzudze ibvu riripatsoka dzenyu. 15 Zwirokwazwo ndinoti kwamuri: kuchawa nekurerukirwa munyika ye Sodhoma neGomora muzuwa rekutogwa kudarika guta iro. 16 Tarirai Ini ndinokutumai samakwai pakati pemapere, saka gwarai senyoka mururame senjiwa. 17 Asi gwarirai kuwanhu, nekuti wachakuisai kuwungano dzamakorokota nemumaSinagogi, uye wachakurowai zwikuru. 18 muchaiswa pamberi pewabati nemadzimambo, Nekuda kwangu sechapupu kwahari nekuwahedheni. 19 Kana iwo akakuisai, musathia kuti muchataurei, nekuti muchapiwa zwekutaura panguwa iyoyo. 20 Nekuti amusimi muchataura, asi mweya wa baba diowo uchataura kwamuri. 21 Hama dzichaisa hama parufu, uye baba achaisa mwana wake parufu. Wana wachamukira wana baba wao nekuwauraia. 22 Imi muchawegwa newese nekuda kwezita Rangu, asi uya anochigirira kuswika kumagumo achaponeswa. 23 Kana iwo akakutewerai muguta rino, tizarai kunerimwe, nekuti zwirokwazwo Ini ndinokutaurirai: amupedzi maguta ese heIsraeri Mwana komana Wemunhu asati auya. 24 Mudzidzi hawasi wakuru kudarika Mudzidzisi wake, kana muranda Iche wake. 25 Zwakaringana kuti mudzidzi aite semudzidzi, uye muranda saIche. kana iwo wakadaidza mudzidzisi weimba we Beerzeburi, wachadaro pamuridzi weimba wachadaro zwikuru! 26 Saka musathia, nekuti akuna chinhu chakafukidswa chisingazobudi pachena, kana chakahwanda chisingazoziwiki. 27 Zwandinokutaurirai Ini murima, taurai pachena uye zwamunodzwa munzewe dzenyu, paridzirai pamusoro pezimba. 28 Musathia waya wanouya nyama, wasingakwanisi kuwuraya mweya. Zwikuru, muthie wanoraiya nyama nemweya muGehena . 29 Ko shiri dzihiri dzindhoko adzitengeswi nehafu yesiriva? Kunyagwe nekudaro imwe yawo aingadhoni pasi kunze kwaBaba wenyu. 30 Kunyagwe nebvudzi rese riri mumusoro wenyu, rakaweregwa. 31 Musathia nekuti munodarika shiri dzindhiki dzakawanda. 32 Nekudaro wese uya anondipupurira pamberi pewanhu, Neniwo ndichamupupurira pamberi paBaba wangu wariKundenga. 33 Asi uya unondiramba pamberi pewanhu, Neniwo ndichamuramba pamberi paBaba wangu wariKundenga 34 Musafunga kuti ndakauya kozoisa rugare panyika; Andina kuya koisa rugare, asi munondo. 35 Ini ndakauya koisa kupesana kumwana kuna baba wake, uye Mwana sikana kupesana na mai wake, nemukadzi wemwana kupesana na wamwene wake. 36 Uye wawengi wemunhu achawa weimba yake. 37 Aninani anoda baba kana mai kudarika Inini hana kufanira kwandiri; uye uya unoda mwana komana kana mwana sikana kudarika Inini haana kufanira Kwandiri. 38 uya asingatakuri muchinjikwa wake achinditewera haana kufanira kwandiri. 39 Uya unoda upenyu wake acharasikirwa nawo; asi uya unorasikirwa neupenyu wake nekuda kwangu achauwona. 40 Uya unokugamuchirai imimi, Inini unondigamuchira, uya Unondigamuchira, uchagamuchirawo newakandituma. 41 Uya unogamuchira muporofita , nekuti iye muporofita, achawa nemubairo wemuporofita, uya unogamuchira munhu wakarurama, nekuti iye imunhu wakarurama uchapiwa mubairo wemunhu wakarurama. 42 Aninani anokupai muzita remudzidzi, mumwe kumundhiki, awa mukombe webvura inotonhorera chete zwirokwazwo ndinokutaurirai: Iye haangarasikirwi nemubairo wake.