Chitsauko 11

1 Jesu akati apedza kuraira wadzidziwake gumi newairi, akadarika ipapo kuti andodzidzise nekuparidza mumaguta hawo. 2 Zwino Johani arimujeri akanzwa mabasa aJesu, akatumira tsamba newadzidziwake 3 akati: '' Ko Ndimi here waitaurwa kuti warikuya , kanakuti kunemumwe munhu watichamirira?'' 4 Jesu akadaira achiti: ''Endai kutaurira Johani zwamurikuwona nezwamurikunzwa: 5 kuti mapofo warikuwona, zwirema zwirikufamba, wanemaperembudzi wanocheneswa, wematsi warikunzwa, wakafa wanomutswa, newarombo wanoparidzirwa evhangeri. 6 Uye Wakaropafadzwa asingagumbuswi Neni''. 7 Iwo wakati wachienda nenzira yawo, Jesu akatanga kutaurira wanhu wakawanda pamusoro paJohani: ''Manga maenda kowonei kurenje? Rutsanga runozunuguswa nemhepo ere? 8 Manga maenda kowonei? Umwe murume akapfeka hembe zakabata? pachokwandi, waya wanopfeka hembe zakabata wanorarama mudzimba dzemadzimambo. 9 Asi, manga maenda kowonei? Kozowona Muporofita ere? hongu,Ini ndinokutaurirai kuti: unodarika muporofita. 10 Uyu, ndiye wakanyorwa pamusoro pake: Wona Ini ndirikutuma mutumwa Wangu pamberi pako, uchakugadzirira gwanzi pamberi pako'. 11 Zwirokwazwo ndinokutaurirai: Kune wakaberekwa nemukadzi, akuna mukuru kuna Johani mubhabhatidzi; Asi mudiki muwuche weKundenga mukuru kwaari. 12 Kutanga mumazuwa haJohani mubhabhatidzi kuswikara nanhasi, Wuche weKudenga kupambwa, uye wapambi warikuupamba nechisimba. 13 Nekuti waporofita wese nemutemo wakaporofita kuswikira kuna Johani. 14 Imi, kana muchida kuzwitenda izvi, uyu ndiye Eria, waitaurwa kuti unouya. 15 Uya unenzewe kuti adzwe ngadzwe. 16 Rudzi iri tinorifananidza neiko? Rwakafanana newana warikutamba pamusika, wachidaidzira kune wamwe 17 wachiti: 'Isu takakuridzirai nyere amuna kutamba. takakuririrai, amunakuchema'. 18 Nekuti wakauya Johani, asirikudya, kana kumwa, iwo wakamuti: 'iye uneDimoni'. 19 Mwana komana weMunhu wakauya wachidya nekumwa, iwo wakamuti: 'Tarisai, Iye imunhu unokara newamwi, nechamwari dzewateresi newatadzi uchenjeri unopembedzwa namabasa ako'. 20 Zwino Jesu akatanga kutuka maguta hese akanga aitwa minana mijinji, nekuti iwo awana kutendeuka. 21 ''Unenhamo Korazin! unenhamo Betsaida! nekuti minana yakaitwa mukati menyu dai yaitwa muTire neSidon wangadai watendeuka kare nehembe dzesaki nedota. 22 Asi Ndinoti kwamuri Tire neSidon Acharerukirwa nezuwa rekutongwa kupfura imi. 23 iwe, Kapernaume, uchasimudzirwa Kudenga ere? uchakandirwa, munGehena; nekuti, dai minana dzesimba dzakaitwa mukati mako, muSodhoma ringadai richipo nanhasi. 24 Asi Inini ndinoti nyika yeSodhoma, icharerukirwa muzuwa rekutongwa, kudarika iwewe''. 25 Panguwa iyoyo, Jesu akataura achiti: Ini ndinokutendai Baba, Iche wekuDenga nepasi,nekuti makawanzira wakachenjera newakangwara,zwinhu izwozwo makazwizarurira kuwana wadhiki. 26 Hongu, Baba, nekuti ndizwo zwakakufadzai. 27 Zwinhu zwese ndakazwipiwa naBabawangu, akuna unoziwa Mwanakomana asi Baba, uye akuna unoziwa Baba, asi Mwanakomana, nayie Mwanakomana wanenge achida kumuzazurira. 28 Uyai kwandiri imi mwese makaremba, makaremerwa , Ini ndichakuzorodzai. 29 Isai joko rangu pamusoro penyu mufunde kwanDiri, nekuti ndiri munyoro nemoyo unozwininipisa, kuti muwone zororo pamweya yenyu, 30 nekuti joko rangu rakanaka uye rakareruka ''.