Chitsauko12

1 Nenguwa iyoyo Jesu akafamba nepakati peminda yezwiyo, muzuwa resabata. wadzidziwake wakanga waine dzara wakatanga kubvisa hura kuti wadye. 2 Asi, waFarisi pawakazwiwona izvo, wakataurira Jesu wachiti: '' Tarisa wadzidziwako warikuita zwisingatenderwi kuita musabata''. 3 Ipapo Jesu akawataurira achiti: ''Amusati maerenga ere zwakaitwa naDhavidhi iye newakanga wainawo pawanga waine nzara? 4 Iye akapinda muimba yaMwari akadya zwimgwa zwekuratidza, zwanga zwisina kutenderwa kudya kwaari, kana newakanga wainawo, asi waitendera waPirisita woga. 5 Uye auna kuwerenga pamutemo kuti, waPirisita wanoputsa mutemo wesabata muchechi, asi awana nyaya? 6 Asi ndinokutaurirai : aripano mukuru kupfura chechi. 7 Dai maiziwa kuti zwinotaurei: 'Kuti Ini ndinoda nyasha andidhi chibairo', mungadai musina kutonga wasina nyaiya, 8 nekuti Mwanakomana wemunhu ndiye Iche wesabata''. 9 Zwino Jesu akabuda ipapo akapinda muSinagoge. 10 Zwino ikoko kwaiwa neumwe munhu hangaine moko wakaunyana. Wafarisi wakamubvudza Jesu achiti: ''Kunotenderwa ere kuporesa musabata?'' kuti wamupomere nyaya. 11 Jesu akawati: ''Ndiani kwamuri, ungawa negwai rimwe kana rikadhonhera mugomba rakadzika, muzuwa resabata unoramba kuribvisa ere? 12 Munhu upi unodarika gwai! zwikuru sei, saka zwakatenderwa kuita zwakanaka musabata''. 13 Zwino Jesu akataura kumunhu: '' Tambanudza maoko hako''. Iye akatambanudza iye akaporeswa, ukaita se umwe moko. 14 Asi waFarisi wakabuda wakamupfirira mata, kuti wangamuraiya sei. 15 Jesu akati achinzwa izvo, Akabuda ipapo. Wanhu wajinji wakamutewera, akawaporesa wese 16 akawaraira kuti warege kuziwisa kuwamwe wanhu, 17 kuti zwitike zwakataurwa na muporofitra Isaya: 18 Tarira muranda wangu wandasarudza, Mundikani wangu, unofarirwa nemweya wangu. Ini ndichaisa mweya wangu pamusoro pake, uye Iye achaziwisa wahedheni kutonga. 19 Iye hanga popoti, kana kuita mheremhere, akuna anganzwe inzwirake mundzira . 20 Iye hanga bvisi rutsanga rwakapwanyika, uye hangadzimi nemwenje unopfungaira, kuswikira achituma kutonga, kuswikira akunda . 21 Wahedheni wachaita zita rake tariro yawo.'' 22 Zwino wakatora umwe murume waiwa bofu nembewewe aiwa neDimoni wakamuendesa kuna Jesu, uye Jesu akamurapa. Naizwozwo bofu rakatanga kuwona nekutaura. 23 Wanhu wajinji wakatanga kuchamisika akataura achiti: ''Uyu angawe Mwanakoma waDhavidhi?'' 24 Asi, waFarisi pawakanzwa minana iyo, akati: '' Murume uyu abvisi madimoni kunzekwaBherizebhuri, mukuru wemadimoni''. 25 Jesu achiziya kufunga kwawo, akawati: ''Umambo umwe nemumwe unozwipesanisa unoparadzwa neguta kana imba inozwipesanisa haingamiri. 26 Kana Satani achibvisa Satani, iye unozwipesanisa kwaari; wuche wake ungamira sei? 27 Kana Ini ndichibudisa madimoni na Bherizebhuri, wana wenyu wanoibudisa nani? saka iwo wachawa watongi wenyu. 28 Asi kana INi ndichibvisa madimoni neMweya waMwari, saka Wumambo waMwari waswika kwamuri. 29 Uye zwingaitika sei munhu hopinda muimba yemunhu unesimba akatora nhumbi dzake asina kutanga kumusunga? Saka, iye hangatora nhumbi dzeimba yake. 30 Uya asiri neni, unopesana Neni, uya usingaunganidzi neni unoparadza. 31 Naizwozwo, ndinokutaurirai kuti: zwitadzo zwese zwicharegererwa nekumhura kuwanhu, asi kumhura Mweya hangakanganirwi. 32 Aninani unotaura Choko rakachata KuMwanakomana weMunhu, uchakanganirwa; Asi uya unotaura choko rakaipa kuMweya Mutswne, haangakanganirwi, kana panguwa ino kana panguwa yarikurarama panyikaino ne inouya. 33 Kana muti wakanaka, nezwiberoko zwawo zwakanaka; Kana muti wakachata nezwibereko zwakachatawo, nekuti muti wese unozikanwa nezwibereko zwawo. 34 Zudzi zwenyoka, zwamuri wakachata, munotaura seiko zwakanaka? Nekuti muromo unotaura zwakawanda zwiri mumoyo. 35 Munhu wakanaka, unobudisa, zwakanaka, pakati pemoyo wake, nemunhu wakaipa, unobudisa zwakaipa. 36 Ini ndinokutaurirai kuti, muzuwa rekutongwa, wanhu wachazodaira choko rimwe nerimwe risina maturo rawakataura. 37 Nekudaro, nemachoko ako ucharuramiswa, uye nemachoko ako uchatongwa nawo''. 38 Zwino, wamwe wanyori nawafarisi wakatii kuna Jesu: ''Mudzidziasi, isu tirikuda kuwona chiratidzo Chiratidzo chenyu''. 39 Nezwese Jesu akadaira achiti: ''Rudzi rakachata rinofewa ririkutswaka chiratidzo; Asi aringapiwi, chiratidzo asi chiratidzo chemuporofita, Jona. 40 Nekuti Jona zwakawa mudumbu rehowe huru, mazuwa matatu newusiku wutatu naizwozwo Mwanakomana weMunhu uchawawo mumoyo wenyika mazuwa matatu newusiku wutatu. 41 Warume weninivhi wachasimuka, pakutonga, pamusoro perudzi rewanhu wacharipa nyaya, nekuti wakatendeuka nekuparidza kwaJona, tarirai mukuru kuna Jona waripano. 42 Mambo kadzi wedzasi uchasimuka, pakutoga, newarume werudzi iri uye wacharipa nyaya nekuti akabva pamagumisiro henyika kuti anzwe uchenjeri waSoromoni, uye tarirai: Aripano mukuru kuna Soromoni. 43 Zwino kana mweya wetswina ukabuda mumunhu, unofamba munzwimbo yakaoma uchitswaga zororo, asi unorichaiwa. 44 'Zwino unoti: Ini ndichadzokera kuimba yangu, kwandakabva', achidzokera, anoswikira imba yatswairwa yanatswa. 45 Zwino unoenda kotora dzimwe mweya minomwe inopfura iye, wese iwo wanopinda wakangaramo. Zwino kupedzisira kwemunhu uyu kwakaoma kudarika kwekutanga. zwichaita sekudaro nerudzi iri rakachata''. 46 akati Jesu achitaura kuwanhu wakawanda, tarisa amai wako nehama dzako wanga wari kunze wachitswaga kutaura naye''. 47 Zwino pane mumwe wakamuti: ''Tarisa mai wako nehama dzako warikunze, waida kutaura nemi''. 48 Asi Jesu akapindura kune waimubvudza achiti: ''mai Wangu Ndiani? uye Ndedzipi hama dzangu?'' 49 Zwino Jesu akatambanudza maoko ake kuwadzidziwake akati: '' Tarisai waripano mai wangu nehama dzangu! 50 Uye uya unoita kuda kwaBaba wangu warikuDenga, munhu iyena i Hama yangu, nehandzadzi yangu namai wangu''.