1 Nezuwa iro Jesu akabuda mumba akaenda kogara pagungwa. 2 wanhu wazhinji wakaungana kwaari. Zwino Iye akapinda muchimwe chikepe akagara pasi; wazhinji wakaramba wakamira pagungwa. 3 Zwino Jesu akawataurira zwinhu zwakawanda pazwifananidzo Iye akataura achiti: ''Umwe mukuchi akabuda akaenda kokucha. 4 Akati achisima, dzimwe mbeu dzakadonera pagwandzi, chiri dzakauya dzikadya. 5 dzimwe mbeu dzikadonera paruware, panzwimbo isina dhaka rakawanda, saka dzakamera nekukasika nekuti panga pasina daka rakadzika. 6 Asi, zuwa parakabuda, dzakapiswa, dzikaoma, nekuti dzanga dzisina midzi. 7 Dzimwe mbeu dzikadonera muminzwa, dzikamera dzikabaiwa . 8 Asi dzimwe dzakadonera padaka rakanaka dzakabereka zvibereko, dzimwe zana, dzimwe makumi matanhatu uye dzimwe makumi matatu. 9 Anenzewe, nganzwe ''. 10 Wadzidzi wakauya kuna Jesu wakati: '' Neiko muchitaura kuwanhu nemifananidzo?'' 11 Jesu akawadaira, achiti: Nekuti imimi makapiwa kunzwisisa zvakawanzwika zwewuMambo wekuNdenga, asi kwete iwo. 12 Nekuti uya unezwakawanda uchapiwa, kuti awe nezwakawanda, asi aninani asina, uchatorerwa nezwainazvo. 13 Saka, Ini ndawataurira nemifananidzo, kunyagwe wachiona asi awawoni, kunyagwe wachinzwa asi awanzwi kana kunzwisisa. 14 Kwawari chiporofita chaIsaya chinodzadziswa, chinoti: 'nekunzwa, Muchanzwa musinganzwisisi; kuwona, muchaona, asi amuwonesesi. 15 Nekuti moyo yewanhu awa mikukuto, uye wakanzwa nenzewe dzavo, dzakadziwira nemeso, awo; ndai wainzwisisa nemeso awo, nekunzwa nenzewe dzawo, nekunzwisisa nemoyo yawo, uye wachizozvindimba , Ini ndaizowaporesa'. 16 Asi wakaropafadzwa madziso wenyu, nekuti wanowona; uye nzewe dzenyu, dzinonzwa. 17 Zwirokwazwo Ini ndinokutaurirai kuti waporoFita newanhu wakarurama wakawanda wanga wachida kuwona zwamurikuwona, asi iwo hana kuzviwona, kana kunzwa pazwinhu zvamanzwa asi awana kunzwa. 18 Naizwozwo imi inzwai mufananidzo wemukuchi. 19 Kana munhu akanzwa choko rewUmambo, asi asingarinzwisisi, saka wakaipa unouya wobvita chakasimwa mumoyo make. Iyo ndiyo mbeu yakasimwa pakati pagwadzi. 20 Asi wakakuswa paruware ndiye unozuwa choko achiringamuchira nemufaro; 21 nekudaro iye haana mudzi mukatimake nekuti ndiye unomira panguwa duku. Kana kutambudzika kana kuterwa kukauya anosimuka nekuda kweshoko iye anodhona nekukasika. 22 Wakakuswa pakati peminzwa ndiye anonzwa choko, asi kubatikana kwenyika kunyengera pfuma zvinobvisa choko rikashaiwa zvibereko. 23 Uya wakasimwa padaka rakanaka ndiye unonzwa choko uye anorinzwisisa; ndiye unobereka zvibereko; umwe achita zana, mumwe makumi matanhatu, mumwe makumi matatu''. 24 Jesu akaisa mumwe mufananidzo, achiti: ''Wumambo weKundenga wakafanana nemunhu unosima mbeu yakanaka mumunda wake. 25 Asi wanhu wachirara, muwengi wakauya wakasimawo mashawi pakati pezviyo, wakaenda, zvake. 26 Asi chipande chakati chamera nekubereka, zvino machawi akaonekwawo. 27 Zvino waranda wemunda wakauya wakati: 'Iche, amuna kusima beu yakanaka mumunda wenyu here? ngei makuwoneka mashawi? 28 Iye akati 'Mumwe muwengi waita izvozvo'. waranda wakati kwaari: munoda ere, kuti, tiwatorere?' 29 Muridzi wemunda akati: 'kwete! Nekuti pamunenge murikubvisa mashawi, munobvisa zviyo pamwe chete. 30 regai zvikure pamwepo zviri zviwiri kuswikira pakucheka. Munguwa yekucheka, ndichati kuwacheki: '' tangai kubvisa mashawi muwasunge muvhare kuti apiswe, asi, muwunganidze zviyo mudura rangu''. 31 Zvino Jesu akaisa umwe mufananidzo kwaari, achiti: ''Umambo weKundenga wakaita sembeu yemastarda yakatorwa nemunhu akaisima mumunda make. 32 mbeu iyoyo iduku, kupinda dzose. Asi kana yakura, ikuru pamiriwo yose unoita muti, wakakura ukadaro kuti chiri dzinouya dzichigara pamatawi awo''. 33 Jesu akawataurira umwe mufananidzo: ''Wumambo weKundega wakafanana nembiriso yakatorwa nemukadzi akaisa muzviyero zvitatu zveufu kuswikira wese waboiriswa 34 Zvino Jesu akataurira wanhu zvino zvese izvi nemufanidzo; uye, pasina mifananidzo,Iye haana kutaura chinhu kwaari. 35 Izvi zvakaitika kuti zvakataurwa nemuporofita zviitike uye zviwe zvechokwandi, paakataura iye: '' Ini ndichavhura muromo wangu nemifananidzo; ndichataura zvanga zvakawandzika kubva pakusikwa kwenyika''. 36 Zvino Jesu akasiya wanhu wajinji akapinda mumba. Wadzidziwake wakauya kwaari akati: ' Titsanangurirei mufananidzo wemachawi emumunda''. 37 Jesu akawadaira, akati: '' Uya unosima mbeu ndiye Mwanakomana weMunhu. 38 Munda inyika; mbeu yakanaka iwana weumambo uye mashawi iwana wewakaipa, 39 uye muwengi wakakusha ndiye wakaipa. Kucheka ndiko kuguma kwenyika, wacheki ndiwo watumwa. 40 Zvino mashawi sezvaanounganidzwa wachipiswa mumoto, ndizvo zvichaitika mukuguma kwenyika. 41 Mwanakomana weMunhu achatuma watumwa wake wounganidza muwumambo wake zvinhu zvese zvinoundza chitadzo, newanoita zvisina kururama, 42 wachawakandira mugomba remoto, ipapo pachawa nekuchema nekurumana kwemazino. 43 Ipapo wakarurama wachatoikira sezuwa, muwumambo waBaba wawo. unenzewe, ngaanzwe. 44 UMambo wekundenga wakafanana nepfuma yakawandiswa mumunda ikawonekwa nemunhu akaiwandisazve. Saka nekufara kwake, anoenda, akatengesa zvese zvainazvo akatenga munda iwowo. 45 Zvekare Wuche weKundenga wakafanana nemutengi unotsaga maparera akanaka. 46 Paakaiwona parera rinemuntego mukuru, akaenda akatengesa zvese zvaakanga ainazvo akaritenga. 47 Zvekare, Wumambo weKundega wakafanana semabhure anokandirwa mugungwa rinounganidza zvisikwa zvemarudzi ose. 48 pazvakazara, wabati wachaukwewera pamhenderekedzo pegungwa. wakagarapasi wakaunganidza dzakanaka mumidziyo yawo, asi, dzakaipa anodzirasa kunze. 49 Ndizwo zvichaitika mukuguma kwenyika: watumwa wachauya wachabudisa wakaipa pakati pewakarurama, 50 wachawakandira mugomba remoto, muchawa nekuchema nekuzviruma kwemazino. 51 Imi manzwisisa zvese izvi ere? Wadzidzi wakati kwaari: '' Hongu''. 52 Saka Jesu akati : '' Nekudaro mukuru wese wemutemo wakadzidziswa zweWuMambo weKundenga akafanana nemunhu arimuridzi wepaumba, unobudisa zvinhu zvekare uye zvinyowani papfuma yake''. 53 Zvakaitika kuti, Jesu apedza mifananidzo iyoyo, akabuda mundzwimbo iyoyo. 54 Zvino Jesu akapinda munyika yake, akadzidzisa wanhu musinagoge, rawo wakafarisisa zvikuru wakati: ''Munhu uyo unouwanepi huchecheri uyu nezvichamiso? 56 hasiyie ere Mwanakomana wemuwezi? wamai wake haasi Maria ere? Jakobho, naJosefa, naSimoni, naJudhasi adzisi hama dzake ere? 55 Nehanzadzi dzake adzisi pakati padu ere? Saka anozviwonepi zvinhu zvese munhu uyu?'' 57 Iwo wakagumburwa na Jesu. Asi iye akati kwawari: ''Muporofita haangagamuchirwe kunyika yekwake kunyangwe nehama dzake''. 58 Uye Iye aina kuita zvichamiso zvakawanda nekuda kwekusatenda kwawo.