1 Panguwa iyoyo, Herodhe, mubati, akanzwa mukurumbira waJesu. 2 Iye akataura kuwaranda wake: ''Uyu ndiJohane, mubhabhatidzi; iye wakamuka kuwakafa dhosaka masimba aya arikubata maari''. 3 Saka Herodhi angaabata, akamusunga, akamuisa munjeri, nekuda kwaHerodhiasi, mukadzi wehama yake Firipi, 4 Nekuti Johani akamutaurira: '' hauna kutenderwa kuti ugarenaye semukadzi wako''. 5 Herodhi waidha kumuwuraya, asi akatya wanhu, nekuti waimukoshesa semuporofita. 6 Asi, zuwa rekupemberwa kwaHerodhi rakati rasvika, Mwana waHerodhiasi akatamba pamberi pawo akafadza Herodhi. 7 Naizvozvo akamupikira, nemhiko kuti uchamupa chinhu chipi nechipi chaachakumbira. 8 Zvino akati arairwa namai wake, iye akati: '' ndipei pano, mundiro musoro, waJoahani mubhabhatidzi''. 9 Mambo akasuwa zwikuru nechikumbiro chake, asi, nekuda kwekupika kwake uye nekuda kwewakagara naye, akaraira kuti apiwe. 10 Iye akatuma masoja, kogura musoro waJohani mujeri. 11 Saka musoro wake wakaundzwa mundhiro ukapiwa musikana akautora akaenda nawo kunamai wake. 12 Zvino wadzidziwake wakauya, akatora mutumbi akawuiga akaenda akataurira Jesu. 13 Jesu paakanzwa kuti ndizvo zvanga zvaitika , akabva abudapo, nechikepe, akaenda ariyega. achinzwa izvozvo wanhu wazhinji wakamutewera netsoka, wachibva kumaguta. 14 Zvino Jesu akati achiburuka muchikepe, akawona wanhu wazhinji, akawanzwira tsitsi uye akaporesa warwere wawo. 15 Zvino kudhoka kwezuwa kwakasvika , wadzidzi wakauya kwaari wakati: '' Iyi inzvimbo yemurenje uye zuwa radhoka. henekai wanhu, kuti waende kumaguta kotenga zvekudya zvawo''. 16 Asi Jesu akati: '' Iwo hawafaniri kuenda, wapei zvinhu zvekuti wadye''. 17 Iwo wakamuti: '' Isusupano tigori nezvingwa zvichanu basi nehowe mbiri''. 18 Jesu akati: ''Uyainazwo pano pandiri''. 19 Zwino Jesu akataurira wanhu kuti agare pawusha. Iye akatora zwingwa zwichanu nehowe mbiri,akatarisa kudenga ,akaropafadza,akagura zwingwa, akapa wadzidzi wake wadzidzi wakapa wanu wakawanda. 20 Wese wakadya wakaguta.Iwo wakaunganidza zwimedu zwakasara: madengu anegumi nemairi akazara. 21 Wakanga wadya waiwa warume wane zwuru zvichanu,kunze kwewakadzi newana. 22 Nekukasika iye akaita kuti wadzidzi wapinde muchikepe wamutungamirire mhiri,iye akayeneka wanu wakawanda. 23 Zwino wakati wayendesa wanu wakawanda,Iye akakwira mugomo ega kondonamata.Pekwakadhoka,Iye akanga ariega ikona. 24 Asi chikepe chakanga chadhona pakati pegungwa chichitambudzika namafungu,nekuti mhepo yakanga ichiwarambidza. 25 Neguwayechina yekurinda usiku,Jesu akakwezera kwawari,achifamba pamusoro pemvura. 26 Zwino wadzidzi wakati wachimuwona achifamba pamusoro pemvura,wakatya wakati: ''Chiphoko!'' Iwo wakadaidzira nekutya. 27 Asi Jesu akataura nawo nekukasika: ''Iwai wakachinga!Ndini!musatya''. 28 Petro akamudaira kuti: '' Iche, kana muri Imwi itaikuti inini ndiuye kwamuri ndichiuya nepamusoro pemvura; 29 ''Jesu akati: ''Uya!'' Petro akabuda muchikepe akafamba pamusoro pemvura achienda kuna Jesu. 30 Asi, Petro paakaona, mhepo, akawa nekutya; uye akatanga kunyuda, akadaidzira: ''Iche, ndiponesei!'' 31 Jesu nekukasika akatambanudza maoko, akamubata akati: ''iye, unekutenda kuchoma, ngei wanyunyuta nei?'' 32 Saka Jesu na Petro pahakapinda muchikepe, mhepo yakamira kuvuvuta. 33 Wadzidzi warimuchikepe wakamunamata Jesu uye wakati: ''Zwirokwazwo Ndimi mwanakomana waMwari''. 34 Zwino wakati ayambukira mhiri, akaswika kunyika, yeGenasareti. 35 warume weswimbo iyoyo wakamuziwa Jesu, wakatumira choko kudzwimbo yose yakapoteredzwa wakaudza wese wairwara kuna Iye. 36 wakakumbira kuti wabate cete mupendero wehembe yake,wese wakabata wakaporeswa.