1 Saka wamwe wafarisi newanyori wakauya kuna Jesu achibva kunjerusarema wakati: 2 ''Nekuti wadzidzi wenyu wanodarikireiko tsika nzewakuru? NGei wasingagezi maoko kana wachidya zwekudya''. 3 Jesu kwari achiti: ''Nemiwo munhodarikireiko mutemo waMwari nekuda kwetsika dzeyu? 4 Nekuti Mwari anoti: ' Kudza baba wako namai wako,' uye uya unotuka baba wake kana mai wake anofa'. 5 Asi imi munoti: 'Aninani unoti kuna baba wake namai wake: ' Chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri chawa chipo KunaMwari', 6 munhu iyeye hachanamati babawake namai wake'. asi, hana nyaya makatorera murairo waMwari simba netsika dzeyu. 7 Wanhegeri! Isaya wakaporofita zwikuru pamusoro penyu achiti: 8 Wanhu awa wanondikudza nemiromo yawo asi, moyo yawo irikure Neni. 9 Iwo wanondinamata pasina, wanofundisa mirairo yewanhu'''. 10 Zwino Iye akadaidza wanhu kwari akawati: '' Idzwai uye dzwisisai: 11 Izwo, Zwinopinda mumuromo azwiswipisi munhu asi zwinobuda mumuromo, ndizwo zwinoswipisa munhu''. 12 Zwino wadzidzi wakauya wakati kuna Jesu: ''Munozia kuti wafarisi wagumbuka pawadzwa choko iri ere?'' 13 Jesu akadaira achiti: '' Muti wese usina kusimwa na Baba wangu wari Kundenga uchabvitwa. 14 Siyai mapofo; anotungamirira mapofo. kana bofo richitungamirira rimwe bofo, wese wariwawiri wanodorera mugomba''. 15 Petru akadaira akataurira Jesu: ''Titsanagurirei mufananidzo uyu''. 16 Jesu akati: ''Nanasi amusati mawakudzwisisa ere? 17 Amudzwisisi ere kuti zwese zwinopinda mumuromo zwinoenda mudubu zwichizorasirwa, kunze? 18 Asi zwinobuda mumuromo zwinobva mukati memoyo ndizwo zwinoswipisa munhu. 19 Nekuti mumoyo munobuda kufunga kwakaipa, kuwuraya, hufewe wupombwe, wubava, kupupura kwenhema. 20 Zwinhu izwi ndizwo zwinoswipisa munhu. Asi kudya nemaoko akaswipa azwiswipisi munhu''. 21 Zwino Jesu akabudapo akaenda kumatiwi henyika yeTire neSidhoni. 22 Saka mumwe mukadzi wekunyika yekanani, akadaidzira achiti: ''Iche, Mwana komana waDhavidhi; ndidzwireiwo ngoni, Mwanasikana wangu wakabatwa zwikuru neDhimoni''. 23 Asi Jesu haana kumudaira kana choko. Wadzidzi wake wakauya kwari akamukumbira, achiti: ''Muenekei ayende nekuti warikudaidzira chure kwedu''. 24 Asi Jesu akadaira achiti: ''ini ndakatumwa kumakwai akarasika eimba yaIsraeri''. 25 Saka iye wakauya wakamunamata Iye, akati: ''Iche ndibabatsirei heyu''. 26 Iye akadaira achiti: ''Azwina kufanira kutora chingwa chemwana mukapa kumbwanana''. 27 Akati: ''Hongu, Iche kunyangwe nezwimbwanana zwinodya zwimedu patafura rewatenzi wadzo''. 28 Zwino Jesu akawadaira achiti: ''Mai, kutenda kwaco kukuru! zwaurikuda ngazwiitike sezwaunoda''.Mwana sikana wake akabva apora panguwa iyoyo. 29 Jesu akasia dzwimbo iyoyo akaenda nepagunwa reGarireya. Zwino akakwira mugomo akagara ikoko. 30 wanhu wakawanda wakamutewera kwahAri; wanhu wayiunza wakaremara, newaimamhina, nemapofo, nembewewe newakawanda wairwadziwa wakawaisa pamakumbo wake Jesu, uye Iye akawarapa. 31 Saka wanhu wajinji wakachamisika nekuwona mbewewe dzichitaura, nezwirema zwaporeswa newaikamhina wachifamba, nemapofo wachiona. Iwo wese wakamurumbidza Mwari weIsrael. 32 Zwino Jesu akadaidza wadzidziwake kwaari akati: ''Ini ndinetsitsi newanhu aya, nekuti iwo wanoramba waiNeni kwamazuwa matatu uye hawana chinhu kuti wadye. Andidi kuwaendesa wainenzara nekuti wanofenda munzira''. 33 wadzidzi wakati: ''Tinozwiwonepi zwingwa zwakawanda zwinogutisa wanhu awa muno murenje musina chinhu?'' 34 Jesu akati kwawari: ''Munezwingwa zwinganiko? ''Iwo wakati: ''Wakati Zwinomwe, nehowe duku''. 35 Zwino Jesu akaraira wanhu kuti wagarepasi. 36 Akatora Zwingwa zwinomwe nehowe, uye akapa nyacha, akamedura zwingwa akapa wadzidziwake; uye wadzidzi akapa wanhu wakawanda. 37 Wanhu wese wakadya wakafara. Uye iwo wakatora zwimedu zwechingwa zwakasara mumatengu manomwe akazara. 38 Waya wakadya wanga wari zwiuru zwina warume, kunze kwewakadzi newana. 39 Zwino Jesu akaeneka wanhu, akapinda muchikepe akaenda kuimwe nyika yeMagadhani.