1 Wafarisi newasadhuse wakauya kozomuyedza jesu kuti wamukumbira kuti awapangidzire zhiratidzo chinobva Kundega. 2 Asi Iye akawapidura achiti: ''Panguwa yemaneru munoti kuchachema nekuti Ndenga rakaswuka'. 3 Mangwanani munoti: ' nhasi kuchaswipa, nekuti Denga rakaswuka nekuswipa'. Imi munoziwa kududzira zwinowonekwa muDenga, asi hamukwanisi kududzira zwiratidzo zwekuwa? 4 Rudzi rakaipa rinofewa uye rinokumbira chiratidzo, asi hawapiwi chiratidzo kana chimwe asi chiratidzo cha Jona.'' Ipapo Jesu akawasia akaenda. 5 Wadzidzi wakaswika kuimwe mhiri akakanganwa kutora chingwa. 6 Jesu akawati. ''tarirai tarisai muchenjere mbiriso yewaFarisinewaSadhusi''. 7 Wadzidzi wairangana pachezwawo wachiti: ''inyaya yekuti hatina kutora chingwa''. 8 Jesu achizwiziya akati: ''Imi wanhu wekutenda kuchoma, munorangana pakati penyu ngei muchiti inyaya yekuti atina kuudza chingwa? 9 Imi amudzwisisi nanasi kana kurangarira zwingwa zwichanhu zwewanhu wanezwiuru zwichanhu nematengu amakawana kuti aiwa mangani? 10 Kana zwingwa zwinomwe zwewanhu wanezwiuru zwina nematengu amakawana? 11 Nei musingadzwisisi nei zwandakataura kwamuri pamusoro pezwingwa? tarisai mungware mbiriso yewaFarisi newasadhusi''. 12 Saka iwo wakadzwisisa kuti haana kutaura kuti wachenjere mbiriso yezwingwa asi dzidziso yawafarisi newasadhusi. 13 Jesu akati achizwika kumatiwi enyika yeKesaria yaFiripi, akabvudza wadzidzi wake: 14 ''Wanhu wanoti Mwana komana weMunhu Ndiani?'' Iwo wakati: '' Wamwe wanotaura kuti: Johani, Mubhabhatidzi'; wamwe wanoti: Eria', wamwe wanoti: 'Jeremia kana umwe weMuporofita'''. 15 Jesu akabvudza achiti: ''ko imimi munonditi Ndiniani?'' 16 Ipapo Simoni Petro akadaira, akati: ''Ndimi Cristu, Mwanakomana waMwari''. 17 Uye Jesu akadaira: ''Wakaropafadzwa, Simoni BarJona, nekuti nhama neropa hazwina kukuziwisai izwi, asi Baba wangu warikundenga. 18 Neniwo ndinokutaurira kuti iwewe ndiwe Petro, pamusoro peruware urwu ndichawaka chechi Yangu uye madho e Gehena hangakuti kwaari. 19 Ini ndichakupa kiyi dzeWumambo weKudenga. Chinhu chipi nechipi chauchasunga panyika chichasungwa nekundenga''. 20 Zwino Jesu akaraira wadzidziwake kuti wasataurire umwe munhu kuti Ndie Jesu Cristu. 21 Kubva panguwa iyoyo, Jesu akatanga kutaura kuwadzidzi wake kuti unofanira kuenda kuJerusarema kotambudzwa zwijinji mumaoko awakuru, newapirisita wakuru newanyori; nekuhuraiwa nekumutswa muzuwa rechitatu. 22 Zwino Petro akadaidza Jesu arienga akamutaurira achiti: ''kure meMwi, Iche, izwi hazwimboitiki''. 23 Asi Jesu achidzoka, akati: ''Ibva kumasure Kwangu, Satani, iwe uri Chigumbuso kwaNdiri nekuti haurangariri zwinhu zwaMwari, asi kuzwinhu zwewanhu''. 24 Zwino Jesu akati kuwadzidziwake: '' Kana munhu achida kunditewera, ngaazwirambe, atakure muchinjikwa wake anditewere. 25 Nekuti aninani unoda kuponesa wupenyu wake acharasikirwa nawo. 26 uye anorasikirwa newupenyu wake nekuda Kwangu achauwona. Nekuti munhu unobatsirweiko kana akawana nyika yose akarasikirwa nehupenyu wake? 27 Nekuti Mwanakomana weMunhu achauya newakumwa wake nekungwinyan kwaBaba Wake. Ipapo uchapa umwe nemumwe paakabata napo. 28 Zwirokwazwo ndinoti kwamuri wamwe waripo kune wakamira pano wasingazonzwi rufu wasati wawona Mwanakomana weMunhu achiuya muWumambo wake''.