1 Mazuwa matanhatu apfura, Jesu akatora Petro, naJakobho, nehama yake Johani, akaenda nawo mugomo rakakura wariwonga. 2 Iye akachanduka pamberi pawo; Kusu kwake kukapenya sezuwa, hembe dzake dzikachena sechienda. 3 Ipapo Mosisi na Eria, achitaura naIye. 4 Zwino Petro akati kunaJesu: ''Iche, zwakanaka kuti tigare pano. kana muchida, tiwake matunba matatu: Rimwe renyu Iche, rimwe Mosisi, rimwe raEria''. 5 Iye akati achitaura nawo gore rinongwinya rakawafukidza, pakadswika rimwe inzwi richibva Kudenga richiti: ''Uyu NdiMwanakomana Wangu wandinoda Wanondifadza. Kwari iye mumudzwe''. 6 wadzidzi pawakazwizwa, wakadonha nezwiso zwawo wakatya zwikuru. 7 Zwino Jesu akauya akawabata akawati: ''Simukai musatya''. 8 iwo wakatarisa hana kuwona chinhu, akaona Jesu bhasi. 9 Zwino wakati achidzika mugomo, Jesu akaraira, achiti: ''Musataurira munhu, zwamaratidzwa kuswikira Mwanakoma weMunhu amuka kuwakafa''. 10 Wadzidzi wake wakabvusa Kwari, achiti: ''Nei wanyori wanhotaura wachiti Eria anofanira kutanga kuya?'' 11 Jesu akawadaira wachiti: ''Eria achauya zwake awandudze zwinhu zwese. 12 Ndinokutaurirai ndichiti: ''Eria wakauya, asi iwo hawana ,kumuziwa; kunze kwaizwozwo, wakaita zwawakada naye. Saizwozwo Mwanakomana wemunhu uchabva wotambudzwa mumaoko awo''. 13 Zwino wadzidzi wakadzwisisa zwaitaura Iye pamusoro paJohani, Mubhabhatidzi. 14 Wakati waswika kune wanhu wakawanda, umwe murume akauya, akapfugama pamberi paJesu, achiti: 15 ''Iche, Idswiraiwo nyacha Mwana wangu, iye unozwipusha uye unotambudzika kakawanda. Guwa jinji Iye unodonera pamoto, uye zwekare kajinji unodonera mumvura. 16 Ini ndakamuwudza kuwadzidzi wenyu, asi hawana kumukwanisa kumurapa''. 17 Jesu akadaira achiti: ''Rudzi risingatendi, kuswika rini ndichigara nemwi nemwi? Kuswika rini ndichikuitirai moyo murefu? Hunzai mwana Kwandiri''. 18 Jesu akaraira dimoni rikabuda kumwana, akarapiwa panguwa iyoyo. 19 Zwino wadzidzi wakauya kuna Jesu wari wogaakati: '' Gei isusu atigoni kubudisa?'' 20 jesu akawadaira kwari: '' inyaya yekutenda kweyu kuchoma; nekuti Ini ndinoti kwamuri: daimaiwa nekutenda kwakaita setsanga Yemastada, maitaurira gomo iri: ' Bhuda pano uyende uko.' Rinoenda. Akuna chinhu chingakukundai. 21 Asi rudzi remadimoni aya anobuda nekunamata nekutsanya. 22 Pawanga wari muGarirea, Jesu akataurira wadzidzi wake achiti: ''Mwanakomana weMunhu warikuda kuiswa mumaoko wewanhu; 23 iwo wachamuwuraiya, asi muzuwa rechitatu achamuka''. Wadzidzi wakasuwa zwsikuru. 24 Pawaka swika kuKapernaume, wakauya kuna Petro waingamuchira muripo wentemberi wakabvusa: Mudzidzisi wenyu aripi muripo ?'' 25 Iye akadaira achiti: ''Hogo, iye anoripa''. Asi Petro pahakapinda mumba, Jesu akatanga kutaura kwaari, achiti: ''Simoni? unofungeiko Madzimambo enyika anotora muripo nemutero? Kuwana wawo kana kuwaeni?'' 26 Asi Petro pahakati:'' Kuwaeni,'' Jesu akati kwaari: '' Saka, wanakomana wakasununguka. 27 Asi, kuti tirambe kuwangubusa, enda kugungwa, ukande chiedzo, howe yaunotanga kubata, ukaimvura muromo wayo. Uchaswikira, siriva imwechete yendarama. Woitora wowapa kuripira iwe Neni''.