Chitsauko 18

1 Nenguwa imwe chete, wadzidziwake wakauya kuna Jesu wakamubvudza: ''Ndiani mukuru MUwumambo Wendenga?'' 2 Jesu akadaidza mwana akamuisa pamberipawo akati: 3 ''Zwirokwazwo ndinoti kwamuri, kana imimi musingachaduki mukaita semwana muduku, amungapindi Muwumabho weKundenga. 4 Asi uya unozwininipisa semwana muduku mukuru Muwumabo Wekudenga. 5 Uye aninani unogamuchira mwanamuduku muzita rangu, unondigamuchirawo. 6 Asi aninani unogumbusa mumwe wewaduku awa wanotenda kwandiri, zwirinani kwaari kuti buwe guru risungirirwe pamutsipa wake anyudzwe mugungwa rakadzika. 7 Nyika inenhamo nenyaya yezwigumbuso! Nekuti zwigumbuso zwinofanira kuwuya hazwo, asi unenhamo munhu uyo unogubusa wamwe. 8 Kana moko wako kana mukumbo wako unokugumbusa, zwirinani kuti ugure urasire kure newe. Zwirinani kuti upinde muwupenyu wakaremara kana kuti uchitsumhina, panekuti ukandirwe mumoto usingaperi nemaoko mawiri kana makumbo mawiri. 9 Kana dziso rako, richita kuti utadze ribvise urasire kure newe. Zwirinani kuti upinda muwupenyu nedziso rimwe panekukandirwa mugomba remoto nemadziso mawiri. 10 Ngwarirai kuti musachore mumwe wewaduku awa. Uye ini Ndinokutaurirai kuti Kundeka ngirozi dzinozwiwona mazuwa ose Chiso chaBaba wangu wariKundenga. 11 Nekuti Mwanakomana weMunhu wakauya kozoponesa wakarasika 12 Munofungei? Kana munhu anemakwai anezana, rimwe rawo rikarasika, hangasiyi makumi mapfumbamwemwe, akaenda koswaka yakarasika here? 13 Zwirokwazwo ndinoti kwamuri, akariwana anorifarira zwikuru kudarika makumi mapfumbamwe namapfumbamwe asina kurasika. 14 Zwimwechetewo, akusi kuda kwaBaba wenyu wariKudenga kuti mumwe wewaduku awa afe. 15 Kana hama yako ikatadza kwauri, enda umutaurire nyaya yake iwe naiye murimwenga. 16 Asi, akaramba kukudzwa, tora mumwe kana wawiri, newe, kuti machoko nemiromo yezwapupu zwiwiri kana zwitatu zwichatenderwa. 17 Kana, iye akaramba kukudzwai taurirai chechi. Kana akarambazwe kukudzwai chechi, ngaawe semuhedeni nemuFarisi. 18 Zwirokwazwo ndinoti kwamuri: Chese chasungwa panyika chasungwa neKudenga; 19 Uye chese chinosunungurwa panyika nekudenga chasunungurwa. Kunze kwacho, Ini ndinokutaurirai kuti, kana wawiri wakatenderana panyika pamusoro pechimwe chinhu chawakumbira, wachachiitirwa naBaba wangu, wariKudenga. 20 Uye pane wawiri kana watatu wakaungana muzita Rangu, ndiripo pakati pawo''. 21 22 Zwino Petro akauya akati kuna Jesu: ''Iche, kangani kandinofanira kuiregerera? hama yangu payanditadzira kanomwe ere? Jesu akadaira achiti: ''kwete kanomwe chete, asi kuswika makumi manomwe anowerengwa kanomwe. 23 Saka Wumabo weKudenga unofananidzwa nemumwe mambo waida kugadzira zwikwerete newaranda wake. 24 zwino akati achitanga kugadzira, akaunzirwa umwe muranda waimukwereta zwiuru zwemasana zwinegumi zwematareta. 25 Asi, akati achishaiwa chekumbhadara nacho, Iche wake akaraira kuti atengeswe iye nemukadzi wake newanawake nezwese zwahangainazwo, kuti chikwerete chimbhadarwe. 26 Zwino muranda akawira pasi akamunamata akati: 'Iche, iwai nemoyo murefu neni, uye ini ndichazokubhadarai zwese'. 27 Zwino iche wemuranda iyeye, akawanetsitsi naye, akamusunungura akamuregerera chikwerete. 28 Asi muranda iyeye wakabuda achibuda akasangana nemumwe muranda waibata naye wanga wainechikwerete naye chemadinari anezana akamubata akamudzipa, akati: ' Ndibadare zwaurikundikwereta', 29 Zwino muranda uyo akawira pasi, petsoka dzake akakumbira achiti: 'Iwai nemoyo murefu kwandiri ini, ndichakubhadarai'. 30 Asi muranda wakaramba kumuregerera. akaenda naye akamuisa munjeri, kuswikira amubhadara zwese zwaimukwereta. 31 Zwino wamwe waranda pawakaona zwese zwaiitika wakabatwa, nechungu, wakaenda kotaurira iche wawo zwese zwakaitika. 32 Zwino iche wewaranda waya akamudaidza akati: ' Muranda wakaipa, ndakakuregerera zwikwerete zwese nekuti wakandikumbira zwikuru. 33 Ko iwewe waisafanira kuwa netsitsi muranda wako, sekukuswira tsitsi kwadakaita iwewe ere?' 34 Iche wake akatsamwa zwikuru akamuisa kurwadzidzisa kuswikira abhadara chikwerete chake chese. 35 Saizwozwowo Baba Wangu wariKudenga wachakuitiraiwo, kana musingaregereri, mumwe nemumwe hama yake nemoyo, wese''.