Chitsauko 19

1 jesu akati apedza machoko iwawo, akabva ayenda Garireya akaenda kunyika yeJudheya, mhiri kweJorodhani. 2 Wanhu wakawanda wakamutewera, Iye akawarapa. 3 Wafarisi wakauya kwaAri, wakamuedza, achiti: ''ko munhu unotenderwa kuramba mukadzi wake nekuda kwenyaya ipinaipi?'' 4 Jesu akadaira achiti: '' amuna kuyerenga here uyo wakasika pakutanga akawaita mukadzi nemurume? 5 Iye akati: 'nekuda, kwaizwozwo murume uchasiya baba wake namai wake, akawa nemukadzi wake, awasisiri wawiri, wawenyama imwechete? 6 Zwino, Mwari zwakasanganisa, akuna munhu unozwiparadzanisa''. 7 Iye akati kwaari: ''Nei, Mosisi wakatipa rugwaro rekuti murume arambe amusiye?'' 8 Iye akawati:'' nekuda kwewukukuto wemoyo yenyu, Musisi wakakutenderai kuramba wakadzi wenyu, asi, pakutanga, zwangazwisina kudaro. 9 Ini ndinokutaurirai wese uya unoramba mukadzi wake, nekuda kwewupombwe, akawona mumwe unoita, wupombwe; Uye murume unotara mukadzi wakarambwa unoita upombwe; 10 Wadzidzi wakati kuna Jesu: ''kana zwiri pakati pemukadzi nemurume, azwina kunaka kurorana''. 11 Asi Jesu akati: ''Wese hawagamuchiri rudzidziso iri, asi kune awo wakazwipiwa. 12 Nekuti ngomwa dziripo dzakaberekwa dzakadaro kubva mudumbu ramai. Uye kune ngomwa dziripo dzakaitwa newanhu. ngomwa dziripo dzakazwita ngomwa nekuda kweWumambo weKudenga. Uya unogamuchira rudzidziso iri ngarigamuchire''. 13 Zwino wakaudzwa wamwe wana waduku Kwaari kuti aturike moko pamusoro pawo awanamatire, asi wadzidzdi aiwaraira. 14 Asi Jesu akati kwaari: ''Siyai wana, musawarambidze kuya kwandiri, nekuti Wumambo weKudenga dewawo''. . 15 Iye akaisa mawoko Ake pamusoro pawo, akabudapo. 16 Zwino mumwe murume wakauya kuna Jesu akati: ''Mudzidzisi, wakanaka ndingaita chinhu chipi chakanaka kuti ndiwe newupenyu usingaperi?'' 17 Jesu akadaira achiti: ''Ngei urikundimvudza pachinhu chipi chakanaka? mumwe chete akanaka, asi kana uchida kupida muwupenyu, chengeta mitemo''. 18 Iye akati: '' mitemo ipiko?'' Jesu akadaira kuti: ''Wusauraiya, usaite upombwe, usaba, usapupure manyepo, 19 Remekedza baba wako namai wako, uye udhe wekwako sekuzwida kwaunoita iwewe''. 20 Mujaya akati: '' Zwinhu zwese izwi ndakazwiterera kubva pawuduku wangu; zwipi zwandinofanira kuita zwe?'' 21 Jesu akadaira achiti: ''kana uchida kuwa wakakwana, enda utengese zwese zwawuinazwo, upe warombo, uwe nepfumaKudenga; saka uya Nditewere.'' 22 Asi jaya payakadzwa machoko iwawo ataurwa naJesu, akaenda akasuwa, nekuti angaine pfuma yakawanda. 23 Jesu akataura kuwa dzidziwake: ''zwirokwazwo ndinokutaurirai zwinonetsa mupfumi kupinda muMuwumbo weKudenga. 24 Zwekare ndinoti kamera inorerukirwa kuti ipinde nepaburi retsingano, panekuti munhu akapfuma apinde muWumambo weKudenga''. 25 Wadzidziwake pawakaswidzwa izwo, akadzwa kufara zwikuru akati: ''Ndianiko angaponeswa?'' 26 Jesu akawatarisa akati: '' kuwanhu izwi azwibviri, Asi kuna Mwari zwese zwinogoneka''. 27 Zwino Petro akadaira achiti: ''Wonai isu tasiya zwese tikakutewerai; Tichapiweiko?'' 28 Jesu akati: ''Zwirokwazwo Ini ndinokutaurirai, kuti imi makanditewera pakuberekwa kutswa, kana Mwanakomana Wemunhu achizogara pachigaro, cheWumambo chekugwinya kwake nemiwo muchagara pazwigaro zwinegumi nezwiwiri muchitonga marudzi anegumi namawiri weIsraeri. 29 Wese uya akasiya dzimba, kana hama, hadzadzi, baba, kana mai,mukadzi, wana, kana minda, nekuda kwezita Rangu, uchatambira zwinezana akagara nhaka yowupenyu wusingaperi. 30 Asi wakawanda wekutanga achawa; wekupedzisira wekupedzisira achawa wekutanga''.